bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 7
Deuteronomy 7
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 8 →
1
Ɀino kana Jehova Mŋari akupinza munyika maunoenda, kuiita yako, akadziŋga ndudzi zhinji pamberi pako, dzinoti: ʋaHeti, naʋaGirgashi, naʋaAmori, naʋaKanani, naʋaPerezi, naʋaHiʋi, naʋaJebusi, ndudzi nomŋe dzinokukunda noʋukuru nesimba;
2
kana Jehova Mŋari wako akaʋaisa mumaʋoko ako, ukaʋakunda, iwe unofanira kuʋaparadza cose; haufaniri kuita suŋgano naʋo, kana kuʋanzwira nyasha;
3
usawanana naʋo, usapa mŋanakomana wake mŋanasikana wako, kana kutorera mŋanakomana wako mŋanasikana wake.
4
Nokuti ucatsausa mŋanakomana wako arege kunditeʋera, kuti ashumire ʋamŋe ʋamŋari; naiɀoɀo Jehova ucakutsamŋirai kwaɀo, akakurumidza kukuparadza.
5
Asi ndiɀo ɀamunofanira kuʋaitira: Munofanira kuputsa artari dzaʋo, nokuputsanya shoŋgwe dzaʋo, nokutema matanda aʋo aʋanonamata nawo, nokupisa mifananidzo yaʋo yakaʋezwa.
6
Nokuti uri rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako; Jehova Mŋari wako wakakutsaura kuti uʋe rudzi rwake cairwo pakati pendudzi dzose dziri panyika dzose.
7
Jehova haana‐kukuɗai, kana kukutsaurai, nokuti makaŋga makapfuʋura dzimŋe ndudzi nokuwanda; nokuti imi makaŋga muri ʋashoma kundudzi dzose.
8
Asi nokuti Jehova unokuɗai, ʋuye nokuti wakaŋga aciɗa kusimbisa kupika kwaakapikira madziɓaɓa enyu, nokuɗa kwaiɀoɀo Jehova wakakuɓuɗisai necanza cinesimba, akakudzikinurai paimba yoʋuranda paruʋoko rwaFarao, mambo weEgipita.
9
Naiɀoɀo uziʋe kuti Jehova Mŋari wako, ndiye Mŋari, Mŋari wakatendeka, unosimbisa suŋgano yake nenyasha dzake kunaʋanomuɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yake kusikira kumarudzi anecuru camazana;
10
unotsiʋa ʋanomuʋeŋga mumŋe nomumŋe, kuti aʋaparadze; haaŋganonokeri munhu unomuʋeŋga, asi ucamutsiʋa iye amene.
11
Naiɀoɀo unofanira kuceŋgeta murairo, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, ɀandinokuraira nhasi, kuti uɀiite.
12
Ɀino kana muciterera iɀi ɀakatoŋgwa, mukaɀiceŋgeta nokuɀiita, Jehova Mŋari wako ucakusimbisira suŋgano yake nenyasha dzake seɀaakapikira madziɓaɓa ako;
13
iye ucakuɗa, nokukuropafadza, nokukuwanza; ucaropafadza ʋo ɀiɓereko ɀomuʋiri wako, neɀiɓereko ɀevu rako, ɀiyo ɀako, newaini yako, namafuta ako, neɀakaɓerekwa neŋombe dzako, namakwaiana amakwai ako, panyika yaakapikira madziɓaɓa ako, kuti ucakupa iyo.
14
Ucaropafadzwa iwe kupfuʋura dzimŋe ndudzi dzose; hapaŋgaʋi pakati penyu murume kana mukadzi usiŋgaɓereki, kana pakati peɀipfuwo ɀenyu.
15
Jehova ucabvisa kwamuri hosha dzose; haaŋgatumiri kwamuri matenda akaipa eEgipita aunoziʋa, asi ucaatuma kuʋanhu ʋose ʋanokuʋeŋga.
16
Iwe ucaparadza ndudzi dzose dzicaiswa mumaʋoko ako naJehova Mŋari wako; usadzinzwira nyasha; usashumira ʋamŋari ʋaʋo, nokuti ʋacaʋa musuŋgo kwauri.
17
Ɀino kana ukati mumŋoyo mako: Ndudzi idzi dzinotipfuʋura nokuwanda, ndiŋgadzitorera seiko nyika yadzo?
18
Haufaniri kuʋatya; unofanira kuraŋgarira ɀakanaka ɀakaitirwa Farao naʋaEgipita ʋose naJehova Mŋari wako;
19
nemiidzo mikuru yamakaʋona nameso enyu, neɀiratidzo, neɀinoshamisa, necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, ɀawakaɓuɗiswa naɀo naJehova Mŋari wako; ndiɀo ɀicaitira Jehova Mŋari wako ʋanhu ʋose ʋaunotya.
20
Ʋuye Jehova Mŋari wako ucatuma mago pakati paʋo, kuȿikira aʋo ʋakaŋga ʋasara, ʋakaʋanda, ʋaparadzwa pamberi pako.
21
Usaʋatya, nokuti Jehova Mŋari wako uri pakati pako, Mŋari mukuru unotyisa.
22
Jehova Mŋari wako ucadziŋga ndudzi idzo pamberi pako, rumŋe‐rumŋe; haufaniri kuʋaparadza ʋose kamŋe, kuti ɀikara ɀesaŋgo ɀirege kukuwandira.
23
Asi Jehova Mŋari wako ucaʋaisa mumaʋoko ako, nokuʋanyoŋganisa, nokunyoŋganisa kukuru, kuȿikira ʋaparadzwa cose.
24
Ucaisa ʋo madzimambo aʋo mumaʋoko ako, kuti uroɀe mazita aʋo pasi peɗeŋga; hapanomunhu uŋgagona kumira pamberi pako, kuȿikira waʋaparadza.
25
Munofanira kupisa mifananidzo yaʋo yakaʋezwa yaʋamŋari ʋaʋo; haufaniri kucocora sirveri kana ndarama iri paʋari, kana kuitora, kuti urege kuteyiwa naɀo; nokuti ɀinonyaŋgadza pamberi paJehova Mŋari wako;
26
usapinza cinonyaŋgadza mumba mako, kuti iwe urege kuʋa cinhu cakayeriswa saico; unofanira kucisema cose, nokuciʋeŋga cose, nokuti cinhu cakayeriswa.
← Chapter 6
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 8 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34