bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 10
Deuteronomy 10
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 11 →
1
Neŋguʋa iyo Jehova akati kwandiri: Uɀiʋezere mahwendefa maʋiri amabge, akafanana nookutaŋga, ukwire kwandiri kugomo, ugoɀiitira areka yamatanda.
2
Ini ndicanyora pamahwendefa mashoko aya akaŋga ari pamahwendefa okutaŋga, awakaputsa, ugoaisa muareka.
3
Naiɀoɀo ndikaita areka yamatanda omuakasia, ndikaʋeza mahwendefa maʋiri amabge, akaŋga akaita sookutaŋga, ndikakwira mugomo ndakaɓata mahwendefa maʋiri muruʋoko rwaŋgu.
4
Akanyora pamahwendefa ɀakafanana norunyoro rwokutaŋga, aya mashoko anegumi, amakaʋudzwa naJehova pagomo, ari pakati pomŋoto, nezuʋa reʋuŋgano; Jehova akandipa iwo.
5
Ɀino ndikadzoka, ndikaɓuruka pagomo, ndikaisa mahwendefa muareka yandakaŋga ndaita; ndipo paaciri ɀino, seɀandakarairwa naJehova.
6
(Ʋana ʋaIsraeri ʋakasimuka paBeeroti Benejaakani, ʋakaenda Mosera; ndipo pakafira Aroni, napaakaʋigwa; Ereazari, mŋanakomana wake, akaɓata ʋuprista panɀimbo yake.
7
Ʋakasimuka’po, ʋakaenda Gudgoda; ʋakasimuka paGudgoda ʋakaȿika Jotbata, panyika yakaŋga inehoʋa dzemvura.
8
Ŋguʋa iyo Jehova akatsaura rudzi rwaʋaRevi, kuti ʋatakure areka yesuŋgano yaJehova, nokumira pamberi paJehova ʋacimushumira, nokuropafadza ʋanhu nezita rake, kuȿikira nhasi.
9
Naiɀoɀo ʋaRevi haʋanomugoʋe kana nhaka pakati pehama dzaʋo; Jehova ndiye nhaka yaʋo, seɀaʋakaʋudzwa naJehova Mŋari wenyu.)
10
Ini ndikagara mugomo mazuʋa anamakumi manna noʋusiku bgunamakumi manna, sapakutaŋga; Jehova akandinzwa neŋguʋa iyo ʋo; Jehova akasakuparadza.
11
Jehova akati kwandiri: Simuka, utuŋgamirire ʋanhu, ʋapinde, ʋatore nyika, yandakapikira madziɓaɓa aʋo, kuti ndicaʋapa iyo.
12
Ɀino, Israeri, Jehova Mŋari wako unotȿakeiko kwauri, asi kuti utye Jehova Mŋari wako, ufambe munzira dzake dzose, nokumuɗa, nokushumira Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose ʋuye nomŋeya wako wose,
13
nokuceŋgeta mirairo yaJehova, neɀaakatema, ɀandinokuraira nhasi kuti ufare ɀakanaka.
14
Tarira, ɗeŋga neɗeŋga ramateŋga, nenyika neɀose ɀiri mukati mayo, ndeɀaJehova Mŋari wako.
15
Asi Jehova wakafarira madziɓaɓa ako, akaʋaɗa, akatsaura ʋana ʋaʋo ʋanoʋateʋera, iyemi, kupfuʋura ndudzi dzose, se ɀaunoʋona nhasi.
16
Naiɀoɀo dziŋgisai mŋoyo yenyu, murege kuʋa nemitsipa mikukutu.
17
Nokuti Jehova Mŋari wenyu ndiMŋari waʋamŋari, naShe wamadzishe, Mŋari mukuru, unotyisa, usiŋgatsauri ʋanhu, kana kugamucira muɓayiro.
18
Iye unoruramisira nherera necirikadzi, unoɗa mutorwa, acimupa ɀokudya neŋguʋo.
19
Naiɀoɀo munofanira kuɗa mutorwa, nokuti imi makaŋga muri ʋatorwa panyika yeEgipita.
20
Unofanira kutya Jehova Mŋari wako; unofanira kumushumira iye, nokumunamatira, nokupika nezita rake.
21
Ndiye waunofanira kurumbidza, ndiye Mŋari wako, wakakuitira ɀinhu iɀi ɀikuru ɀinotyisa, ɀawakaʋona nameso ako.
22
Madziɓaɓa ako akaɓurukira Egipita ʋari ʋanhu ʋanamakumi manomŋe; ɀino Jehova Mŋari wako wakakuwanza senyeredzi dzokuɗeŋga.
← Chapter 9
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 11 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34