bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 33
Deuteronomy 33
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
1
Ɀino ndiko kuropafadza kwaMosesi, munhu waMŋari, kwaakaropafadza nako ʋana ʋaIsraeri, asati afa.
2
Akati: Jehova wakabva Sinai, Akaʋaɓuɗira acibva Seiri; Akapenya ari pagomo reParani, Akaʋuya acibva paɀuru ɀinegumi ɀaʋatȿene; Paruʋoko rwake rworudyi pakaŋga panomurairo womŋoto kwaʋari.
3
Ɀirokwaɀo unoɗa ndudzi; Ʋatȿene ʋake ʋose ʋari paruʋoko rwenyu; Ʋakagara pasi patsoka dzenyu; Mumŋe nomumŋe ucagamucira mashoko enyu.
4
Mosesi wakatiraira murairo, Ndiyo nhaka yeʋuŋgano yaJakobo.
5
Wakaŋga ari mambo paJeshuruni, Pakuʋuŋgana kwaʋakuru ʋaʋanhu, Marudzi ose aʋaIsraeri pamŋe cete.
6
Rubeni ŋgaararame, arege kufa, Asi ʋanhu ʋake ŋgaʋaʋe ʋashoma haʋo.
7
Kuropafadzwa kwaJuda ndiko: Akati: Inzwai Jehova inzwi raJuda, Mumuȿitse kuʋanhu ʋake; Wakaʋarwira namaʋoko ake; Imi mucamuɓatsira kurwa naʋaʋeŋgi ʋake.
8
Pamsoro paRevi wakati: Tumimi yenyu neUrimi yenyu ndeɀa‐unoɗikanwa nemi, Iye wamakaidza paMasa, Wamakarwa naye pamvura yeMeriba;
9
Iye wakati pamsoro paɓaɓa ʋake namai ʋake: Handina‐kumuʋona; Nehama dzake haana‐kudziraŋgarira, Kana kuziʋa ʋana ʋake, Nokuti ʋakaita shoko renyu, Nokuceŋgeta suŋgano yenyu.
10
Ʋacadzidzisa Jakobo ɀamakatoŋga, NaIsraeri murairo wenyu; Ʋacaisa ɀinonhuwira pamberi penyu, Neɀipiriso ɀinopiswa ɀakakwana paartari dzenyu.
11
Jehova, ropafadzai simba rake, Gamucirai ɓasa ramaʋoko ake; Gurai ɀiʋuno ɀaʋanomumukira, Neɀaʋanomuʋeŋga, kuti ʋarege kusimuka ɀe.
12
Pamsoro paBenjamini wakati: Muɗikanwa waJehova ucagara kwaari akaceŋgetwa; Unomufukidza zuʋa rose, Unogara pakati pamafudzi ake.
13
Pamsoro paJosefa wakati: Nyika yake ŋgairopafadzwe naJehova; Ipiwe ɀinhu ɀakanakisa ɀokuɗeŋga, neɗoʋa, Nemʋura inogara makadzika;
14
Neɀinhu ɀakanakisa ɀeɀiɓereko ɀezuʋa, Neɀinhu ɀakanakisa ɀinomedzwa nomŋedzi;
15
Neɀinhu ɀakanaka ɀamakomo ekare, Neɀinhu ɀakanakisa ɀeɀikomo ɀisiŋgaperi,
16
Neɀinhu ɀakanakisa ɀenyika nokuzara kwayo, Nomŋoyo wakanaka waiye wakaŋga agere mugwenzi; Kuropafadzwa ŋgakuʋuye pamusoro waJosefa, Napamsoro pomusoro waiye wakatsaurwa pakati pehama dzake.
17
Mŋana wemhoŋgora weŋombe dzake, ndibgo ʋumambo bgake; Nyaŋga dzake inyaŋga dzenyati; Nadzo ucaɓaya ndudzi dzose dzaʋo, namagumisiro enyika; Ndiʋo ʋaneɀuru ɀamazana ɀinegumi ɀaEfraimi, Ndiʋo ʋaneɀuru ɀaManase.
18
Pamsoro paZeburuni wakati: Cifara, Zeburuni, pakuɓuɗa kwako, Newe Isakari, pamatente ako.
19
Ʋacaɗanira ʋanhu kumakomo; Ipapo ʋacaʋuya neɀiɓayiro ɀokururama; Nokuti ʋacanwa fuma zhinji yamakuŋgwa, Nefuma zhinji yakaʋanzwa nejeca.
20
Pamsoro paGadi wakati: Unokurisa Gadi ŋgaaropafadzwe; Iye unogara seshumbakadzi, Unobvambura ruʋoko, kunyaŋge nomusoro.
21
Wakaɀitsaurira mugoʋe wokutaŋga; Nokuti ndipapo pakaceŋgetwa mugoʋe womuɓati; Wakaʋuya naʋakuru ʋaʋanhu; Wakaita ɀakarurama ɀaJehova, Neɀaakatoŋga pamsoro paIsraeri.
22
Pamsoro paDani wakati: Dani ndiye mŋana weshumba, Unokwakuka acibva Bashani.
23
Pamsoro paNaftari wakati: Iwe Naftari, wakaguta nyasha, Uzere nokuropafadzwa naJehova; Tora maʋirazuʋa nenyasi ɀiʋe ɀako.
24
Pamsoro paAsheri wakati: Asheri ŋgaaropafadzwe apiwe ʋana; Ŋgaaɗikanwe nehama dzake, Ŋgaanyike rutsoka rwake mumafuta.
25
Ɀipfigiso ɀako ɀicaʋa ɀamatare nendarira; Nesimba rako ricaenzana namazuʋa ako.
26
Iwe Jeshuruni, hakuna‐wakafanana naMŋari, Iye unotaȿa ɗeŋga kuti akuɓatsire, Napamsoro pamakore noʋukuru bgake.
27
Mŋari usiŋgaperi ndibgo ʋugaro bgako, Pasi pako kunamaʋoko asiŋgaperi; Iye wakadziŋga ʋaʋeŋgi pamberi pako, Akati: Paradzai.
28
Israeri unogara akaceŋgetwa, Tsime raJakobo riri roga, Panyika yeɀiyo newaini; Ƌeŋga rake rose rinonisa ɗoʋa.
29
Israeri, iwe wakaropafadzwa; Ndiani wakatodzana newe, rudzi rwakaceŋgetwa naJehova? Ndiye nhoʋo inokuɓatsira, Nomunondo waunokudzwa nawo! Ʋaʋeŋgi ʋako ʋacaɀiisa pasi pako, Newe ucatsika panɀimbo dzaʋo dzakakwirira.
← Chapter 32
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 34 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34