bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 19
Deuteronomy 19
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 20 →
1
Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciparadza ndudzi dzaunopiwa nyika yadzo naJehova Mŋari wako, iwe ukapinda panɀimbo yaʋo, ukagara mumaguta aʋo nomudzimba dzaʋo;
2
unofanira kuɀitsaurira maguta matatu munyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako.
3
Unofanira kuɀigadzirira nzira, nokuganhura nyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako, uciita migoʋe mitatu, kuti munhu upi noupi wakaʋuraya agone kutizira’ko.
4
Ɀino ndiwo murairo womuʋurayi unotizira’ko akazorarama: Munhu upi noupi unoʋuraya wokwake, nokusaziʋa, asina‐kumuʋeŋga kare;
5
somunhu unoti kana acienda nowokwake kuɗondo kundotema huni, akasimudza ruʋoko rwake kuti ateme muti nesanhu, ɗare ndokuvomoka pamupinyi, ndokutema wokwake akafa; iye unofanira kutizira kunerimŋe ramaguta awa, ararame.
6
Kuti mutsiʋi weropa arege kuteʋerera muʋurayi, mŋoyo wake ucineshuŋgu, akamuɓata nokuti kure, akamuroʋa akafa; iɀo wakaŋga asina‐kufanirwa norufu, nokuti wakaŋga asina‐kumuʋeŋga kare.
7
Saka ndinokuraira, ndiciti: Unofanira kuɀitsaurira maguta matatu.
8
Ɀino kana Jehova Mŋari wako acizokurisa nyika yako, seɀaakapikira madziɓaɓa ako, akakupa nyika yose yaakapikira madziɓaɓa ako, kuti ucaʋapa iyo;
9
kana ukaceŋgeta murairo uyu wose nokuuita, uyu wandinokuraira nhasi, kuti uɗe Jehova Mŋari wako, nokufamba munzira dzake, ŋguʋa dzose; ipapo unofanira kuzowedzera ɀe mamŋe maguta matatu kunawawa matatu;
10
kuti ropa romunhu usinemhoȿa rirege kuteʋurwa panyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako; kuti nokuɗaro ropa rirege kuʋa pamsoro pako.
11
Asi kana munhu upi noupi akaʋeŋga wokwake, akamuʋandira, akamumukira, ndokumuroʋa akafa, kana iye akatizira kunerimŋe ramaguta awa;
12
ipapo ʋakuru ʋeguta rake ʋanofanira kutuma munhu kundomutora’ko, ʋagomuisa mumaʋoko omutsiʋi weropa, afe.
13
Haufaniri kumunzwira tsitsi, asi iwe unofanira kubvisa ropa romunhu usinemhoȿa pakati paIsraeri, kuti ɀiʋe ɀakanaka newe.
14
Usashandura miganho yowokwako, yakatarwa naʋekare, panhaka yako yaucazopiwa, panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe yako.
15
Capupu cimŋe hacifaniri kupupurira munhu pacinhu cakaipa cipi necipi, kana ciʋi cipi necipi, ciri ciʋi cipi necipi caakatadza; shoko rinofanira kusimbiswa neɀapupu ɀiʋiri kana ɀitatu.
16
Kana capupu cisina‐kururama cikapupurira munhu upi noupi kuti wakatadza;
17
ipapo ʋarume ʋaʋiri ʋose ʋanenharo ʋanofanira kumira pamberi paJehova, pamberi paʋaprista naʋatoŋgi ʋacaʋa’po namazuʋa iwayo;
18
ɀino ʋatoŋgi ʋanofanira kuferefeta kwaɀo; kana ʋakaʋona kuti capupu ico capupu cenhema, cakapupurira hama yaco nhema,
19
munofanira kumuitira iye seɀaakafuŋga kuitira hama yake; nokuɗaro iwe unofanira kubvisa cakaipa pakati pako.
20
Ʋakasara ʋanofanira kuɀinzwa ʋo, ʋatye, ʋarege kuzoita cakaipa cakaɗai pakati pako.
21
Haufaniri kumunzwira tsitsi; ʋupenyu bgunofanira kutsibga noʋupenyu, ziso neziso, zino nezino, ruʋoko noruʋoko, rutsoka norutsoka.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34