bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 5
Deuteronomy 5
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 6 →
1
Ɀino Mosesi akaɗana ʋaIsraeri ʋose, akati kwaʋari: Inzwai ʋaIsraeri, ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa, ɀandinotaura nhasi muciɀinzwa, kuti muɀidzidze nokuɀiceŋgeta mugoɀiita.
2
Jehova Mŋari weɗu wakaita suŋgano nesu paHorebi.
3
Jehova haana‐kuita suŋgano iyi namadziɓaɓa eɗu, asi nesu, isu tose tiri ʋapenyu nhasi pano.
4
Jehova akataura nemi, ɀiso ɀakatarisana, ari mukati momŋoto,
5
(Neŋguʋa iyo ini ndakaŋga ndimire pakati paJehova nemi, kuti ndikuziʋisei shoko raJehova; nokuti imi makaŋga mucitya nokuɗa kwomŋoto, mukasakwira mugomo;) akati:
6
Ndini Jehova Mŋari wako, wakakuɓuɗisa munyika yeEgipita, muimba yoʋuranda.
7
Usaʋa naʋamŋe ʋamŋari kunze kwaŋgu.
8
Usaɀiitira mufananidzo wakaʋezwa, kana uri mufananidzo wecinhu ciri kuɗeŋga kumsoro, kana weciri panyika pasi, kana weciri mumvura pasi penyika.
9
Usafugamira iɀoɀo, kana kuɀishumira; nokuti ini Jehova Mŋari wako, ndiri Mŋari unegoɗo; ndinoroʋa ʋana nokuɗa kweɀiʋi ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna rwaʋanondiʋeŋga;
10
ndiciitira nyasha ʋaneɀuru ɀamazana ʋanondiɗa, ʋanoceŋgeta mirairo yaŋgu.
11
Usareʋa zita raJehova Mŋari wako pasina; nokuti Jehova haaŋgaregi kumupa mhoȿa unoreʋa zita rake pasina.
12
Ceŋgeta zuʋa resaɓata, riʋe dɀene, seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako.
13
Uɓate mazuʋa matanhatu, uite maɓasa ako ose.
14
Asi zuʋa recinomŋe isaɓata raJehova Mŋari wako; usatoŋgoɓata maɓasa naro, iwe, kana mŋanakomana wako, kana mŋanasikana wako, kana muranda wako, kana murandakadzi wako, kana ŋombe yako, kana mboŋgoro yako, kana cimŋe ceɀipfuwo ɀako, kana mŋeni wako uri mukati mamasuʋo ako; kuti muranda wako nomurandakadzi wako ʋazorore sewe.
15
Unofanira kuraŋgarira kuti newe ʋo waiʋa muranda panyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakuɓuɗisa necanza cinesimba noruʋoko rwakatambanudzwa; naiɀoɀo Jehova Mŋari wako wakakuraira kuti uceŋgete zuʋa resaɓata.
16
Kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako, seɀawakarairwa naJehova Mŋari wako; kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji, ufare panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako.
17
Usaʋuraya.
18
Ʋuye usaita ʋupombge.
19
Ʋuye usaɓa.
20
Ʋuye usapupurira wokwako nhema.
21
Ʋuye usaciʋa mukadzi wowokwako; ʋuye usacocora imba yowokwako, kana munda wake, kana muranda wake, kana murandakadzi wake, kana ŋombe yake, kana mboŋgoro yake, kana cimŋe cinhu cowokwako.
22
Jehova wakataura mashoko awa ose pagomo kuʋuŋgano yenyu yose, ari mukati momŋoto negore, nokuȿiɓa kukuru, nenzwi guru; haana‐kuwedzera mamŋe. Akaanyora pamahwendefa maʋiri amabge, akandipa iwo.
23
Ɀino imi makati mucinzwa inzwi ricibva mukati merima, negomo ricipfuta nomŋoto, mukasweɗera kwandiri, ʋakuru ʋose ʋamarudzi enyu, naʋakuru ʋenyu,
24
mukati: Tarirai, Jehova Mŋari weɗu watiratidza kubginya kwake noʋukuru bgake, tikanzwa inzwi rake ricibva mumŋoto; taʋona heɗu nhasi kuti Mŋari uŋgataura nomunhu, akararama hake.
25
Naiɀoɀo ɀino ticafireiko? Nokuti mŋoto uyu mukuru ucatiparadza; kana tikaramba ticinzwa inzwi raJehova Mŋari weɗu ticafa.
26
Nokuti ndianiko pakati paʋanhu ʋose wakanzwa inzwi raMŋari mupenyu acitaura ari mumŋoto, sesu, akararama here?
27
Sweɗera hako iwe, unzwe ɀose ɀicarebga naJehova Mŋari weɗu, ugozotiʋudza ɀose ɀaucaʋudzwa iwe naJehova Mŋari weɗu; ticaɀinzwa, nokuɀiita.
28
Ɀino Jehova akanzwa inzwi ramashoko enyu, ŋguʋa yamakataura neni; Jehova akati kwandiri: Ndanzwa inzwi ramashoko aʋanhu aʋa, aʋakataura newe; ɀose ɀaʋakareʋa ʋakataura haʋo ɀakanaka.
29
Ƌai ʋaiʋa nemŋoyo yakaɗai, ʋakanditya nokuceŋgeta mirairo yaŋgu ŋguʋa dzose, kuti ɀiʋe ɀakanaka naʋo, iʋo naʋana ʋaʋo, nokusiŋgaperi!
30
Enda, undoti kwaʋari: Dzokerai kumatente enyu.
31
Asi iwe, mira pano kwandiri, ndikuʋudze murairo wose, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀaunofanira kuʋadzidzisa, kuti ʋaɀiite panyika yandinoʋapa, kuti iʋe yaʋo.
32
Naiɀoɀo cenjerai, kuti muite seɀamakarairwa naJehova Mŋari wenyu; musatsaukira kurutiʋi rworudyi kana rworuɓoshwe.
33
Munofanira kufamba nenzira yose yamakarairwa naJehova Mŋari wenyu, kuti murarame, ɀiʋe ɀakanaka nemi, namazuʋa enyu aʋe mazhinji panyika iyo, icaʋa yenyu.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34