bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 31
Deuteronomy 31
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
1
Ɀino Mosesi akaenda kundotaura mashoko awa kuʋaIsraeri ʋose,
2
akati kwaʋari: Ndaʋa namakore anezana namakumi maʋiri nhasi, handicagoni kuɓuɗa nokupinda; ɀino Jehova wakati kwandiri: Iwe hauŋgayambuki Joridani urwu.
3
Jehova Mŋari wako ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka; iye ucaparadza ndudzi idzi dzose pamberi pako, dzicaʋa dzako; Joshua ndiye ucakutuŋgamirira pakuyambuka, seɀakataurwa naJehova.
4
Jehova ucaʋaitira iʋo seɀaakaitira Sihoni naOgi, madzimambo aʋaAmori, nenyika yaʋo, ʋaakaparadza.
5
Jehova ucaʋaisa mumaʋoko enyu, nemi munofanira kuʋaitira ɀose seɀandakakurairai.
6
Simbai, mutsuŋge mŋoyo, musatya kana kuvunduswa naʋo; nokuti Jehova Mŋari wako ndiye unoenda newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi.
7
Ɀino Mosesi akaɗana Joshua, akati kwaari pamberi paʋaIsraeri ʋose: Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti iwe ucaenda naʋanhu aʋa panyika yakapikirwa madziɓaɓa aʋo naJehova, kuti ucaʋapa iyo; iwe ucaʋagarisa nhaka iyo.
8
Jehova ndiye unokutuŋgamirira, iye ucaʋa newe, haaŋgakuregi, haaŋgakusiyi; usatya kana kuvunduswa.
9
Ɀino Mosesi akanyora murairo uyu, akaupa ʋaprista naʋana ʋaRevi, ʋaitakura areka yesuŋgano yaJehova, naʋakuru ʋose ʋaIsraeri.
10
Mosesi akaʋaraira, akati: Ŋguʋa dzose pakupera kwamakore manomŋe, paŋguʋa yakatarwa pagore resunuŋguro, pamutambo wemisasa,
11
kana ʋaIsraeri ʋose ʋaʋuya kuɀiratidza pamberi paJehova Mŋari wako panɀimbo icatsaurwa naye, unofanira kuraʋa murairo uyu pamberi paʋaIsraeri ʋose, ʋaunzwe.
12
Ʋuŋganidza ʋanhu, ʋarume naʋakadzi, nepxere, naʋatorwa ʋako ʋari pakati pamasuʋo ako, kuti ʋanzwe, ʋadzidze, ʋatye Jehova Mŋari wenyu, ʋacenjere kuita mashoko ose omurairo uyu;
13
ʋuye kuti ʋana ʋaʋo ʋakaŋga ʋasiŋgaziʋi ʋanzwe, ʋadzidze kutya Jehova Mŋari wenyu, ŋguʋa yose yamucazogara panyika yamunoyambuka Joridani kwairi, kuti iʋe yenyu.
14
Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Tarira, mazuʋa okufa kwako asweɗera; ɗana Joshua mundomira mutente rokusoŋgana, kuti ndimuraire iye. Mosesi naJoshua ʋakandomira mutente rokusoŋgana.
15
Jehova akaɀiratidza muTente mushoŋgwe yegore, shoŋgwe yegore ikamira pamsoro pomukoʋa weTente.
16
Ipapo Jehova akati kunaMosesi: Tarira, iwe ucaʋata namadziɓaɓa ako; ɀino ʋanhu aʋa ʋacasimuka ndokupata ʋaciteʋera ʋamŋari ʋaʋatorwa ʋenyika, kwaʋanondogara pakati paʋo; ʋacandisiya, nokuputsa suŋgano yandakaita naʋo.
17
Ɀino kutsamŋa kwaŋgu kucaʋamukira neŋguʋa iyo, ndicaʋasiya nokuʋaʋanzira ciso caŋgu, ʋacaparadzwa, neɀakaipa ɀizhinji nenhamo zhinji ɀicaʋawira; naiɀoɀo neŋguʋa iyo ʋacati: Ko ɀinhu ɀakaipa iɀi haɀina‐kutiwira nokuti Mŋari weɗu haazi pakati peɗu here?
18
Neŋguʋa iyo ndicaʋanza ciso caŋgu nokuɗa kweɀakaipa ɀose ɀaʋakaita pakutsaukira kwaʋo kunaʋamŋe ʋamŋari.
19
Naiɀoɀo ɀino munofanira kuɀinyorera rwiyo urwu, ugorudzidzisa ʋana ʋaIsraeri; uruise mumiromo yaʋo, kuti rwiyo urwu rundipupurire kuʋana ʋaIsraeri.
20
Nokuti kana ndaʋapinza panyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo, iyo inoyerera mukaka noʋuci, iʋo ʋakadya, ʋakaguta, ʋakakora, ipapo ʋacatsaukira kunaʋamŋe ʋamŋari nokuʋashumira, ʋakandiɀidza ini, nokuputsa suŋgano yaŋgu.
21
Ɀino kana ɀakaipa ɀizhinji nenhamo zhinji ɀikaʋawira, rwiyo urwu rucaʋa capupu kupupura pamberi paʋo; nokuti haruŋgakaŋganikwi pamiromo yaʋana ʋaʋo, nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzaʋanoruka nhasi, ndicigere kuʋapinza panyika yandakaʋapikira.
22
Naiɀoɀo Mosesi wakanyora rwiyo urwu nomusi iwoyo, akarudzidzisa ʋana ʋaIsraeri.
23
Akaraira Joshua, mŋanakomana waNuni, akati: Simba, utsuŋge mŋoyo, nokuti iwe ucapinza ʋana ʋaIsraeri panyika yandakaʋapikira; neni ndicaʋa newe.
24
Ɀino Mosesi wakati apedza kunyora mashoko omurairo uyu mubuku, kuȿikira apera,
25
Mosesi akaraira ʋaRevi, ʋaitakura areka yesuŋgano yaJehova, akati:
26
Torai buku iyi yomurairo, muiise parutiʋi rweareka yesuŋgano yaJehova Mŋari wenyu, kuti ikupupurire’po.
27
Nokuti ndinoziʋa kusanzwa nokusaterera kwenyu; tarirai, ini ndiciri mupenyu pakati penyu nhasi, makamukira Jehova; hamucanyanyisi here kana ndafa?
28
Ʋuŋganidzai kwandiri ʋakuru ʋose ʋamarudzi enyu, naʋatariri ʋenyu, kuti ʋanzwe ndicitaura mashoko awa nokuɗana ɗeŋga napasi ɀiʋapupurire.
29
Nokuti ndinoziʋa kuti kana ndafa mucaɀishatsa kwaɀo, nokutsauka panzira yandakakurairai; ɀakaipa ɀicakuwirai pamazuʋa okupedzisira, nokuti makaita ɀakaipa pamberi paJehova, mucimutsamŋisa namaɓasa amaʋoko enyu.
30
Ɀino Mosesi akataura mashoko orwiyo urwu, kuȿikira apera, ʋuŋgano yose iciɀinzwa.
← Chapter 30
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 32 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34