bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 22
Deuteronomy 22
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 23 →
1
Haufaniri kuʋona nzombe yehama yako, kana gwai rake, ɀicirashika, ukaɀinyenyeredza; ɀirokwaɀo unofanira kuɀidzosera kuhama yako.
2
Kana hama yako iri kure newe, ɀimŋe usiŋgaciziʋi, unofanira kuenda naco kumusha kwako, cigare kwauri kuȿikira hama yako icicitȿaka, ugocidzosera kwaari.
3
Unofanira kuita saiɀoɀo ʋo nemboŋgoro yake; unofanira kuita saiɀoɀo ʋo neŋguʋo yake; unofanira kuita saiɀoɀo ʋo neɀinhu ɀose ɀehama yako ɀakarashika, caakaŋga arashikirwa naco, cikawanikwa newe; haufaniri kuɀinyenyeredza.
4
Haufaniri kuʋona mboŋgoro, kana nzombe, ɀehama yako ɀawira pasi panzira, ukaɀinyenyeredza; unofanira kumuɓatsira ɀirokwaɀo kuɀimutsa.
5
Mukadzi haafaniri kufuka ŋguʋo dzomurume, nomurume haafaniri kufuka ŋguʋo dzomukadzi; nokuti aninani unoita iɀoɀo unonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.
6
Kana ukawana ɗendere reshiri panzira, pamuti upi noupi, kana pasi, rinaʋana kana mazai, mai icivuvatira ʋana kana mazai, haufaniri kutora mai naʋana;
7
unofanira kurega mai, asi ʋana uŋgatora hako; kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, uwedzerwe mazuʋa ako.
8
Kana ukaʋaka imba itȿa, unofanira kuisa rumhanda paɗeŋga rako, kuti urege kuʋuyisa mhoȿa yeropa pamsoro peimba yako, kana mumŋe munhu akawa’po.
9
Haufaniri kudɀara mbeu dzamarudzi maʋiri pamunda wako wemizambiriŋga, kuti ɀiɓereko ɀose ɀirege kutsaurirwa nɀimbo tȿene, idzo mbeu dzawadɀara, neɀiɓereko ɀomunda wemizambiriŋga.
10
Usarima nenzombe nemboŋgoro ɀakasuŋgwa pamŋe cete.
11
Usafuka ŋguʋo dzakarukwa neɀinhu ɀakaveŋganiswa, mvere pamŋe cete nomuceka.
12
Unofanira kuziitira masa pamiromo minna yeŋguʋo yako yaunoɀifukidza nayo.
13
Kana munhu akawana mukadzi, akapinda kwaari, akazomuʋeŋga,
14
akamupomera ɀinonyadza, nokutaura ɀakaipa pamsoro pake, aciti: Ndakawana mukadzi uyu, asi ndakati ndicisweɗera kwaari, handina‐kuwana ɀiratidzo ɀoʋumhandara bgake kwaari;
15
ɀino ɓaɓa ʋomusikana namai ʋake ʋanofanira kuenda neɀiratidzo ɀoʋumhandara bgake kuʋakuru ʋeguta pasuʋo;
16
ɀino ɓaɓa ʋomusikana ʋanofanira kuti kuʋakuru: Ndakapa murume uyu mŋanasikana waŋgu, kuti aʋe mukadzi wake, asi ɀino womuʋeŋga;
17
tarirai, wamupomera ɀinhu ɀinonyadza, aciti: Handina‐kuwana ɀiratidzo ɀoʋumhandara kumŋanasikana wako; asi heɀi ɀiratidzo ɀoʋumhandara bgomŋanasikana waŋgu. Ɀino ʋanofanira kuwarira ŋguʋo pamberi paʋakuru ʋeguta.
18
Ipapo ʋakuru ʋeguta iro ʋanofanira kuɓata murume uyo, ʋamuroʋe;
19
nokumuripisa mashekeri esirveri anezana, ʋagoapa ɓaɓa ʋomusikana, nokuti wakataura ɀakaipa pamsoro pomusikana waIsraeri; ɀino iye unofanira kuʋa mukadzi wake, haaŋgamurashi mazuʋa ake ose.
20
Asi kana riri shoko reɀokwaɗi, kuti ɀiratidzo ɀoʋumhandara ɀakashaikwa kumusikana,
21
ʋanofanira kuɓuɗisira musikana kumukoʋa weimba yaɓaɓa ʋake, ʋarume ʋeguta rake ʋagomutaka namabge, afe; nokuti wakaita seɓenzi pakati paIsraeri, pakupata kwake paimba yaɓaɓa ʋake; saiɀoɀo unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
22
Kana murume akawanikwa aciʋata nomukadzi wakawanikwa nomurume wake, iʋaʋo ʋose ʋanofanira kuʋurawa, murume wakaʋata nomukadzi naiye mukadzi ʋo; saiɀoɀo iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati paIsraeri.
23
Kana kunomusikana, iciri mhandara, wakanyeŋgwa nomurume, mumŋe murume akamuwana muguta, akaʋata naye;
24
ipapo munofanira kuʋaɓuɗisa ʋose ʋari ʋaʋiri pasuʋo reguta, mugoʋataka namabge, ʋafe, musikana nokuti haana‐kuridza mhere, ari muguta hake, ʋuye murume, nokuti wanyadzisa mukadzi wowokwake; saiɀoɀo iwe unofanira kubvisa ɀakaipa pakati pako.
25
Asi kana murume akawana musikana uyo wakanyeŋgwa ari kusaŋgo, murume akaita simba naye, akaʋata naye, iye murume wakaʋata naye unofanira kufa, iye oga;
26
asi musikana haufaniri kumuita cinhu; musikana haana‐kuita ciʋi cinofanirwa norufu; nokuti shoko iri rakafanana neromurume wakamukira wokwake akamuʋuraya;
27
nokuti wakamuwana kusaŋgo, musikana wakanyeŋgwa akaridza mhere, asi kwakaŋga kusinomunhu kumurwira.
28
Kana murume akawana musikana, iciri mhandara, ugere kunyeŋgwa, akaita simba naye, akaʋata naye, ʋakaʋonekwa;
29
ipapo murume wakaʋata naye unofanira kupa ɓaɓa ʋake mashekeri anamakumi mashanu esirveri, ɀino iye unofanira kuʋa mukadzi wake, nokuti wamunyadzisa; haafaniri kuzomurasha paʋupenyu bgake bgose.
30
Murume haafaniri kutora mukadzi waɓaɓa ʋake, haafaniri kufukura nhere yaɓaɓa ʋake.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34