bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 15
Deuteronomy 15
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 16 →
1
Ŋguʋa dzose kana makore manomŋe apera munofanira kuʋa nesunuŋguro.
2
Nzira yesunuŋguro ndiyo: Mumŋe nomumŋe wakapa cikwerete, unofanira kusunuŋgura ico caakapa hama yake; ŋgaarege kucireʋa kunowokwake kana hama yake; nokuti sunuŋguro yaJehova yaparidzwa.
3
Uŋgaɀireʋa kumutorwa; asi ɀose ɀako ɀiri paruʋoko rwehama yako, unofanira kuɀisunuŋgura.
4
Asi usaʋa naʋarombo pakati pako (nokuti ɀirokwaɀo, Jehova ucakuropafadza panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako),
5
kana uciŋgoshiŋgaira kwoga kuterera inzwi raJehova Mŋari wako, kuti ucenjere kuita murairo uyu wose, wandinokuraira nhasi.
6
Nokuti Jehova Mŋari wako ucakuropafadza, seɀaakakupikira; iwe ucapa dzimŋe ndudzi zhinji cikwerete, asi iwe usatora cikwerete; iwe ucaɓata ndudzi zhinji, asi idzo hadziŋgakuɓati iwe.
7
Kana kunomurombo kwauri, mumŋe wehama dzako, mukati mamasuʋo api naapi panyika yako, yaunopiwa naJehova Mŋari wako, usatsuŋgira hama yako murombo, kana kumufumbatirira ruʋoko rwako;
8
asi umutambanudzire ruʋoko rwako kwaɀo, umuɓatsire necikwerete ɀinoriŋgana pakushaiwa kwake, seɀaanokumbira.
9
Cenjera kuti urege kufuŋga ɀakaipa mumŋoyo mako, uciti: Gore recinomŋe, iro gore resunuŋguro, riri pedyo; iwe ukaʋa nomufuŋgo wakaipa kuhama yako, ukasamupa cinhu; iye akacema kunaJehova Mŋari wako pamsoro pako, cikaʋa ciʋi kwauri.
10
Unofanira kumupa ɀakanaka, mŋoyo wako haufaniri kuʋa neshuŋgu, kana ucimupa; nokuti nokuɗa kwecinhu ici Jehova Mŋari wako ucakuropafadza pamaɓasa ako ose, napaɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako.
11
Nokuti ʋarombo haʋaŋgatoŋgoperi panyika; naiɀoɀo ndinokuraira ndiciti: Utambanudzire ruʋoko rwako ɀakanaka kuhama yako, kunaiye unoshaiwa, nokunaʋarombo ʋako panyika yako.
12
Kana hama yako murume muHeberu kana mukadzi muHeberu aciŋge ateŋgeswa kwauri, akakuɓatira makore matanhatu, iwe unofanira kumurega negore recinomŋe aende hake.
13
Ɀino kana ucimurega kuti aende hake, usamuendisa asinecinhu.
14
Unofanira kumugoʋerera ɀakanaka pamakwai ako, napaɓuriro rako, napaciȿiniro cako cewaini; seɀawakaropafadzwa naJehova Mŋari wako, unofanira kumupa saiɀoɀo.
15
Unofanira kuraŋgarira iwe kuti wakaŋga uri muranda munyika yeEgipita, Jehova Mŋari wako akakudzikinura; naiɀoɀo ndinokuraira cinhu ici nhasi.
16
Asi kana akati kwauri: Handiɗi haŋgu kubva kwamuri, nokuti unokuɗa iwe naʋeimba yako, nokuti unofara hake newe,
17
ipapo unofanira kutora runji ndokuʋurura nzeʋe yake narwo pamukoʋa, iye agoʋa muranda wako nokusiŋgaperi. Ʋuye murandakadzi wako unofanira kumuitira ʋo saiɀoɀo.
18
Haɀifaniri kuita sokukuȿiɓisa mŋoyo wako kana ucimurega kuti aende hake; nokuti wakakuɓatira makore matanhatu, acifanirwa nomuɓairo waʋaranda ʋaʋiri; Jehova Mŋari wako ucakuropafadza paneɀose ɀaunoita.
19
Mikono yose yaʋana ʋemhoŋgora dzeŋombe dzako nedzamakwai ako, unofanira kutsaurira Jehova Mŋari wako; haufaniri kuɓate‐ɓasa nomŋana wemhoŋgora dzeŋombe dzako, kana kuʋeʋura ʋana ʋemhoŋgora dzamakwai ako.
20
Unofanira kuɀidya pamberi paJehova Mŋari wako gore rimŋe nerimŋe panɀimbo icatsaurwa naJehova, iwe nemhuri yako.
21
Kana cakaremara, ɀimŋe cinokuremara kwokukamhina, kana ʋupofu, kana kuremara kwakaipa kupi nokupi, haufaniri kuciɓayira Jehova Mŋari wako.
22
Unofanira kucidya mukati mamasuʋo ako; wakanaka nousina‐kunaka ʋose ʋanofanira kucidya, seɀaʋanodya mhara nenondo.
23
Asi urege kudya ropa raco, unofanira kuriteʋurira pasi semvura.
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34