bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 18
Deuteronomy 18
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 19 →
1
Ʋaprista ʋaRevi, norudzi rwose rwaRevi, haʋafaniri kuʋa nomugoʋe kana nhaka pamŋe cete naIsraeri; ʋanofanira kudya ɀipiriso ɀaJehova ɀinopiswa nenhaka yake.
2
Haʋafaniri kuʋa nenhaka pakati pehama dzaʋo; Jehova ndiye nhaka yaʋo, seɀaakataura kwaʋari.
3
Ɀino ndiɀo ɀinofanira kupiwa ʋaprista naʋanhu, naiʋo ʋanoʋuya neciɓayiro, kana iri nzombe kana gwai; ʋanofanira kupa muprista ɓandauko, neshaya mbiri, nesusu.
4
Ɀitȿa ɀeɀiyo ɀako, neɀewaini yako, neɀamafuta ako, nemvere dzokutaŋga dzamakwai ako, ndiɀo ɀaunofanira kuʋapa.
5
Nokuti Jehova Mŋari wako wakamutsaura iye pakati pamarudzi ako ose, kuti amire acishumira nezita raJehova, iye, naʋanakomana ʋake nokusiŋgaperi.
6
Ɀino kana muRevi akabva kunerimŋe ramasuʋo ako maIsraeri mose, kwaagere, akaʋuya nomŋoyo wake wose kunɀimbo icatsaurwa naJehova,
7
iye unofanira kuɓate‐ɓasa nezita reJehova Mŋari wake, seɀinoita hama dzake dzose ʋaRevi dzinomira’po pamberi paJehova.
8
Ʋanofanira kupiwa migoʋe yakaenzana yeɀokudya, kunze kweɀaakawana pakuteŋgesa nhaka yamadziɓaɓa ake.
9
Ɀino kana waȿika munyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, usadzidza kuteʋera ɀinonyaŋgadza ɀendudzi idzo.
10
Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu unopinza mŋanakomana wake kana mŋanasikana wake mumŋoto, kana unoʋuka, kana unotenda mashura, kana unoita mazaŋgo, kana muroyi,
11
kana ŋaŋga, kana unobvunza maȿikiro, kana muʋuki, kana unobvunza ʋakafa.
12
Nokuti ʋose ʋanoita ɀinhu iɀi ʋanonyaŋgadza Jehova; nokuɗa kweɀinonyaŋgadza iɀi Jehova Mŋari wako unoʋadziŋga pamberi pako.
13
Unofanira kuʋa wakarurama pamberi paJehova Mŋari wako.
14
Nokuti ndudzi idzi dzamunopiwa dziʋe dzenyu, dzinoterera ʋanotenda mashura naʋanoʋuka; asi iwe Jehova Mŋari wako haanakukutendera kuita iɀoɀo.
15
Jehova Mŋari wako ucakumutsira muprofita, unobva pakati pako, pahama dzako, wakafanana neni; unofanira kumuterera iye;
16
seɀawakakumbira kunaJehova Mŋari wako paHorebi nomusi weʋuŋgano, uciti: Ndirege haŋgu kuzonzwa ɀe inzwi raJehova Mŋari waŋgu, ʋuye ndirege haŋgu kuzoʋona ɀe mŋoto uyu mukuru, ndirege kufa.
17
Jehova akati kwandiri: Ɀose ɀaʋakareʋa, ʋakataura haʋo ɀakanaka.
18
Ndicaʋamutsira muprofita, unobva pakati pehama dzaʋo, wakafanana newe; ndicaisa mashoko aŋgu mumuromo make, iye ucaʋaʋudza ɀose ɀandinomuraira.
19
Ɀino munhu upi noupi usiŋgatereri mashoko aŋgu, aacataura muzita raŋgu, ndicamubvunza pamsoro paiɀoɀo.
20
Asi muprofita unotaura shoko muzita raŋgu aciɀikudza, riri shoko randisina‐kumuraira kuti aritaure, kana ɀimŋe unotaura muzita raʋamŋe ʋamŋari, muprofita uyo unofanira kufa.
21
Ɀino kana iwe ukati mumŋoyo mako: Ko ticaziʋa seiko shoko risina‐kutaurwa naJehova?
22
Kana muprofita aciŋge ataura muzita raJehova, cinhu ico cikasaitika, cikasaʋa’po, ndico cinhu cisina‐kutaurwa naJehova; muprofita wakaritaura aciɀikudza, haufaniri kumutya.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34