bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 6
Deuteronomy 6
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 7 →
1
Ɀino ndiwo murairo, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀandakarairwa naJehova Mŋari wenyu kuti ndikudzidzisei, kuti muɀiite kunyika kwamunoenda kuti iʋe yenyu;
2
kuti utye Jehova Mŋari wako, uceŋgete ɀose ɀaakatema nemirairo yake, yandinokuraira, iwe, nomŋanakomana wako, nomŋanakomana womŋanakomana wako, mazuʋa ose oʋupenyu bgako, kuti mazuʋa ako aʋe mazhinji.
3
Naiɀoɀo cinzwa Israeri, ucenjere kuti uɀiite; kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, muwande kwaɀo, seɀamakapikirwa naJehova Mŋari wamadziɓaɓa ako, panyika inoyerera mukaka noʋuci.
4
Cinzwa Israeri, Jehova Mŋari weɗu ndiJehova mumŋe cete.
5
Uɗe Jehova Mŋari wako nomŋoyo wako wose, nomŋeya wako wose, nesimba rako rose.
6
Ɀino mashoko awa andinokuraira nhasi, anofanira kuʋa mumŋoyo mako;
7
unofanira kushiŋgaira kuadzidzisa ʋana ʋako, nokuataura kana ugere mumba mako, kana ucifamba munzira, kana uciʋata pasi, kana ucimuka.
8
Unofanira kuasuŋgira paruʋoko rwako, ciʋe ciratidzo; ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso ako.
9
Unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako.
10
Ɀino kana Jehova Mŋari wako aciŋge akupinza munyika, yaakapikira madziɓaɓa ako, Abrahama, naIsaka, naJakobo, kuti ucakupa iyo, na maguta makuru akanaka, ausina‐kuʋaka iwe,
11
nedzimba dzizere neɀinhu ɀose ɀakanaka, dzausina‐kuzadza iwe, namakaŋgwa akacerwa, ausina‐kucera iwe, neminda yemizambiriŋga nemiorivi, yausina‐kusima iwe; iwe ukadya ukaguta,
12
ɀino cenjera kuti urege kukaŋganwa Jehova, wakakuɓuɗisa panyika yeEgipita, paimba yoʋuranda.
13
Unofanira kutya Jehova Mŋari wako, nokumushumira, nokupika nezita rake.
14
Regai kuteʋera ʋamŋe ʋamŋari, ʋamŋari ʋendudzi dzinokupoteredzai;
15
nokuti Jehova Mŋari wako, uri pakati pako, ndiMŋari unegoɗo; kuti Jehova Mŋari wako arege kukutsamŋira, akuparadze panyika pose.
16
Musaidza Jehova Mŋari wenyu, seɀamakamuidza paMasa.
17
Munofanira kushiŋgaira kuceŋgeta mirairo yaJehova Mŋari wenyu, neɀipupuriro ɀake, neɀaakatema, ɀaakakuraira.
18
Ʋuye unofanira kuita ɀakarurama neɀakanaka pamberi paJehova, kuti ɀiʋe ɀakanaka newe, upinde munyika yakanaka iʋe yako, iyo yakapikirwa madziɓaɓa ako naJehova,
19
kuti iye ucadziŋga ʋaʋeŋgi ʋako ʋose pamberi pako, seɀakataurwa naJehova.
20
Ɀino kana mŋanakomana wako akakubvunza pashure, aciti: Ko iɀi ɀipupuriro, neɀakatemŋa, neɀakatoŋgwa, ɀamakarairwa naJehova Mŋari weɗu, ɀinoɗiniko?
21
Unofanira kuti kumŋanakomana wako: Isu takaŋga tiri ʋaranda ʋaFarao, Jehova akatiɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba;
22
Jehova akaita ɀiratidzo neɀinoshamisa kwaɀo, ɀakaipa, paEgipita, nokunaFarao, nokuimba yake yose, ticiɀiʋona;
23
akatiɓuɗisa’po, kuti atipinze pano, atipe nyika yaakapikira madziɓaɓa eɗu.
24
Jehova akaraira kuti tiite iɀi ɀose ɀaakatema, titye Jehova Mŋari weɗu, kuti tiitirwe ɀakanaka ŋguʋa dzose, aticeŋgete tiʋe ʋapenyu, seɀatakaita nhasi.
25
Ɀicaʋa ɀakarurama kwatiri, kana ticicenjerera kuti tiite murairo wose pamberi paJehova Mŋari weɗu, seɀatakarairwa naye.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34