bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 11
Deuteronomy 11
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 12 →
1
Naiɀoɀo unofanira kuɗa Jehova Mŋari wako, nokuceŋgeta ŋguʋa dzose murairo wake, neɀaakatema, neɀaakatoŋga, neɀaakaraira.
2
Ziʋai nhasi — nokuti handitauri naʋana ʋenyu ʋasina‐kuziʋa, ʋasina‐kuʋona kuraŋga kwaJehova Mŋari wenyu — ʋukuru bgake, necanza cake cinesimba, noruʋoko rwake rwakatambanudzwa,
3
neɀiratidzo ɀake, namaɓasa ake, aakaitira Farao, mambo weEgipita, pakati peEgipita nenyika yake yose;
4
neɀaakaitira hondo yeEgipita, namabiza aʋo, neŋgoro dzaʋo; kuti wakaʋafukidza nemvura yeGuŋgwa Dɀuku, ŋguʋa yaʋakakuteʋererai, Jehova akaʋaparadza kuȿikira nhasi;
5
nezaakakuitirai murenje, kudzimana makaȿika panɀimbo ino;
6
neɀaakaitira Datani naAbirami, ʋanakomana ʋaEriabi, mŋanakomana waRubeni; namashamisire akaita nyika muromo wayo, ikaʋamedza, iʋo naʋedzimba dzaʋo, namatente aʋo, neɀipenyu ɀaʋo ɀose ɀakaŋga ɀiciʋateʋera, pakati paʋaIsraeri ʋose.
7
Asi meso enyu akaʋona maɓasa ose makuru aJehova aakaita.
8
Naiɀoɀo munofanira kuceŋgeta murairo wose wandinokuraira nhasi, kuti musimbe, mupinde, mutore nyika iyo kwamunoyambuka kundoiita yenyu;
9
kuti mazuʋa enyu awedzerwe panyika, yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova, kuti ucaipa iʋo naʋana ʋaʋo, nyika moyerera mukaka noʋuci.
10
Nokuti nyika kwaunoenda kundoiita yako, haina‐kufanana nenyika yeEgipita, kwamakaɓuɗa, kwawaidɀara mbeu dzako, ucidziɗiridza namakumbo ako, somunda wemiriʋo;
11
asi nyika kwamunoyambuka, kundoiita yenyu, inyika yamakomo nemipata, inonwa mvura yokuɗeŋga;
12
inyika inoceŋgetwa naJehova Mŋari wako; meso aJehova Mŋari wako anoramba aciitarira, kubva pakutaŋga kwegore kuȿikira pakupedzisira kwegore.
13
Ɀino kana mukaterera ɀakanaka mirairo yaŋgu, yandinokuraira nhasi, mukaɗa Jehova Mŋari wenyu nokumushumira nomŋoyo wenyu wose ʋuye nomŋeya wenyu wose,
14
ndicapa nyika yenyu mvura paŋguʋa yayo, mvura yokutaŋga nemvura yokuteʋerera, kuti ugone kukohwa ɀiyo ɀako, newaini yako, namafuta ako.
15
Ndicameresa ʋuswa bgeŋombe dzako pamafuro ako, udye, ugute.
16
Cenjerai kuti mŋoyo yenyu irege kunyeŋgerwa, murege kutsauka, mukashumira ʋamŋe ʋamŋari, nokunamata kwaʋari;
17
kuti Jehova arege kukutsamŋirai, akapfiga kuɗeŋga, kuti mvura irege kunaya nenyika irege kuɓereka ɀiɓereko ɀayo; imi mukakurumidza kuparadzwa panyika yakanaka yamunopiwa naJehova.
18
Naiɀoɀo munofanira kuceŋgeta mashoko aŋgu awa mumŋoyo yenyu nomumŋeya yenyu; munofanira kuasuŋgira pamaʋoko enyu, ciʋe ciratidzo, ʋuye anofanira kuʋa rundanyara pakati pameso enyu.
19
Ʋuye munofanira kuadzidzisa ʋana ʋenyu, mucitaurirana pamsoro pawo, kana iwe ugere paimba yako, kana ucifamba panzira, kana uciʋata pasi, ʋuye kana ucimuka;
20
unofanira kuanyora pamagwatidziro emikoʋa yeimba yako, napamasuʋo ako;
21
kuti mazuʋa enyu awedzerwe, namazuʋa aʋana ʋenyu, panyika yakapikirwa madziɓaɓa enyu naJehova kuti ucaʋapa iyo, aite samazuʋa okuɗeŋga pamsoro penyika.
22
Nokuti kana mukaceŋgeta ɀakanaka murairo uyu wose wandinokurairai, kuti muuite; mukaɗa Jehova Mŋari wenyu, nokufamba nenzira dzake dzose, nokumunamatira;
23
Jehova ucadziŋga ndudzi idzi dzose pamberi penyu, imi mucaɓata ndudzi dzinokupfuʋurai noʋukuru nesimba, dziʋe dzenyu.
24
Nɀimbo ipi neipi inotsikwa netsoka dzenyu icaʋa yenyu, nenyika yenyu icabva parenje, neRebanoni, kubva parwizi, rwizi Ufratesi, kuȿikira kuguŋgwa rokumaʋirazuʋa.
25
Hakunomunhu uŋgagona kumira pamberi penyu; Jehova Mŋari wenyu ucatyisa nokuvundusa nyika yose pamsoro penyu, nyika iyo yamucazotsika pamsoro payo, seɀaakataura kwamuri.
26
Tarirai, nhasi ndinoisa pamberi penyu kuropafadzwa nokutukwa;
27
kuropafadzwa, kana mukaterera mirairo yaJehova Mŋari wenyu, yandinokurairai nhasi;
28
nokutukwa, kana musiŋgatereri mirairo yaJehova Mŋari wenyu, asi mucitsauka panzira yandinokurairai nhasi, mukateʋera ʋamŋe ʋamŋari ʋamusina‐kuziʋa.
29
Ɀino kana Jehova Mŋari wako akupinza panyika, kwamunoenda, kundoiita yako, unofanira kuisa kuropafadzwa pagomo reGerizimi, nokutukwa pagomo reEbari.
30
Ko makomo awo haazi mhiri kwaJoridani, mberi kwenzira yokumaʋirira ezuʋa, munyika yaʋaKanani, ʋagere paMupata, pakatarisana neGirgari, pamiouki yeMore here?
31
Nokuti munofanira kuyambuka Joridani, mupinde kundotora nyika yamunopiwa naJehova Mŋari wenyu; icaʋa yenyu, mugare’mo.
32
Cenjerai kuti muite ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa ɀose, ɀandinoisa pamberi penyu nhasi.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34