bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 26
Deuteronomy 26
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 27 →
1
Ɀino kana wapinda panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, kuti iʋe nhaka yako, ikaʋa yako, ukagara’mo;
2
unofanira kutora ɀitȿa ɀeɀiɓereko ɀose ɀenyika, ɀaunowana panyika yaunopiwa naJehova Mŋari wako, ndokuɀiisa muɗeŋgu, ndokuenda naɀo kunɀimbo icatsaurwa naJehova Mŋari wako, kuti agarise’po zita rake.
3
Ɀino uende kumuprista ucaʋa’po pamazuʋa iwayo, uti kwaari: Ndinoreʋa pacena nhasi pamberi paJehova Mŋari wako, kuti ndaȿika panyika yakapikirwa madziɓaɓa eɗu naJehova, kuti ucatipa iyo.
4
Ipapo muprista unofanira kutora ɗeŋgu paruʋoko rwako, ndokurigadza pamberi peartari yaJehova Mŋari wako.
5
Iwe ugopupura, uciti pamberi paJehova Mŋari wako: Ƃaɓa ʋaŋgu ʋakaŋga ʋari muArameya, mufambi wakaŋga oɗo‐kuparara, akaɓurukira Egipita, akagara’po, anaʋanhu ʋashoma haʋo; ʋakaitwa’po rudzi rukuru, runesimba, runaʋanhu ʋazhinji.
6
ƲaEgipita ʋakatiitira ɀakaipa, nokutitambudza, ʋakatiɓatisa maɓasa anorema.
7
Ipapo takaɗana kunaJehova Mŋari wamadziɓaɓa eɗu, Jehova akanzwa inzwi reɗu, akaʋona kutambudzika kweɗu, namaɓasa eɗu, nokuremedzwa kweɗu;
8
Jehova akatiɓuɗisa paEgipita necanza cinesimba, noruʋoko rwakatambanudzwa, neɀinotyisa, neɀiratidzo, neɀishamiso;
9
akatiȿitsa panɀimbo ino, akatipa nyika ino, nyika inoyerera mukaka noʋuci.
10
Ɀino tarira, ndaʋuya neɀitȿa ɀeɀiɓereko ɀenyika yamakandipa, imi Jehova. Ipapo unofanira kuɀiisa pasi pamberi paJehova Mŋari wako; ndokunamata pamberi paJehova Mŋari wako.
11
Unofanira kufarira ɀose ɀakanaka, ɀaunopiwa naJehova Mŋari wako, iwe, naʋeimba yako, nomuRevi, nomutorwa uri pakati pako.
12
Ɀino kana wapedza kutsaura ɀegumi ɀeɀiɓereko ɀako ɀose negore recitatu, nokuti ndiro gore rokutsaura ɀegumi, unofanira kuɀipa muRevi, nomutorwa, nenherera, necirikadzi, kuti ʋadye mukati mamasuʋo ako, ʋagute.
13
Ipapo iwe unofanira kutaura pamberi paJehova Mŋari wako, uciti: Ndabvisa mumba maŋgu ɀinhu ɀakatsaurwa, ndikaɀipa muRevi, nomutorwa, nenherera, necirikadzi, ɀose seɀamakandiraira; handina‐kuɗarika mumŋe wemirairo yenyu, kana kuikaŋganwa.
14
Handina‐kuɀidya pakucema kwaŋgu, kana kuʋiga ɀimŋe ɀaɀo, ndisinakunaka, kana kupa ʋakafa ɀimŋe ɀaɀo; ndakaterera inzwi raJehova Mŋari waŋgu, ndikaita ɀose ɀamakandiraira.
15
Ƌotarirai muri paʋugaro bgenyu bgutȿene, pakuɗeŋga, muropafadze ʋanhu ʋenyu Israeri, nenyika yamakatipa, seɀamakapikira madziɓaɓa eɗu, nyika inoyerera mukaka noʋuci.
16
Nhasi Jehova Mŋari wako unokuraira kuti uite iɀi ɀakatemŋa neɀakatoŋgwa; naiɀoɀo unofanira kuɀiceŋgeta nokuɀiita nomŋoyo wako wose nomŋeya wako wose.
17
Wapikisa Jehova nhasi kuti aʋe Mŋari wako, newe kuti unofanira kufamba munzira dzake, nokuceŋgeta ɀaakatema, nemirairo yake, neɀaakatoŋga, ʋuye kuti ucaterera inzwi rake.
18
NaJehova wakakupikisa iwe kuti ucaʋa rudzi rwake cairwo, seɀaakakupikira, ʋuye kuti ucaceŋgeta mirairo yake yose;
19
kuti akukurise kwaɀo kupfuʋura ndudzi dzose dzaakaita, pakurumbidzwa, napamukurumbira, napakukudzwa; kuti uʋe rudzi rutȿene kunaJehova Mŋari wako, seɀaakataura.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34