bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
/
Deuteronomy 23
Deuteronomy 23
Shona (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke)
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 24 →
1
Munhu wakakuʋadzwa manhu ake kana cirema cake haafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova.
2
Mŋana woʋupombge haafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova; kunyaŋge kuȿikira parudzi rwegumi ʋana ʋake haʋafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova.
3
MuAmoni nomuMoabi haʋafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova; kunyaŋge kuȿikira parudzi rwegumi mumŋe wokwaʋo haafaniri kupinda paʋuŋgano yaJehova nokusiŋgaperi;
4
nokuti haʋana‐kundokuciŋgurai neɀokudya nemvura panzira, ŋguʋa yamakaɓuɗa Egipita; ʋuye nokuti ʋakatsaka kuripira Barami, mŋanakomana waBeori, wePetori, paMesopotamia, kuti akutuke.
5
Asi Jehova Mŋari wako wakaŋga asiŋgaɗi kuterera Barami, asi Jehova Mŋari wako wakashandura kutuka akakuropafadza, nokuti Jehova Mŋari wako wakakuɗa.
6
Haufaniri kuʋatȿakira rugare kana mufaro, mazuʋa ako ose nokusiŋgaperi.
7
Haufaniri kusema muEdomi, nokuti ihama yako; haufaniri kusema muEgipita, nokuti wakaŋga uri mutorwa iwe panyika yake.
8
Ʋana ʋaʋo ʋaʋanoɓerekerwa parudzi rwecitatu, ʋaŋgapinda paʋuŋgano yaJehova.
9
Kana ucindorwa naʋaʋeŋgi ʋako, unofanira kuɀiceŋgeta paɀinhu ɀose ɀakaipa.
10
Kana kunomumŋe pakati penyu usina‐kunaka nokuɗa kweɀakamuwira ʋusiku, unofanira kuɓuɗa kunze kwemisasa, ŋgaarege kupinda pamisasa;
11
ɀino kana aʋa maɗekwana, unofanira kuɀishambidza nemvura; kana zuʋa raʋira uŋgapinda hake pamisasa.
12
Iwe unofanira kuʋa nenɀimbo kunze kwemisasa kwauŋgaenda.
13
Unofanira kuʋa neciraya ʋo pakati penhumbi dzako dzokurwa nadzo; ɀino kana woenda kunze, unofanira kucera naco, ndokuzofusira ɀinobva kwauri;
14
nokuti Jehova Mŋari wako unofamba pakati pemisasa yako, kuti akurwire, nokuisa ʋaʋeŋgi ʋako mumaʋoko ako; naiɀoɀo misasa yako inofanira kuʋa mitȿene, kuti arege kuʋona cinhu cakaipa pakati penyu, akufuratire.
15
Usadzosera muranda kunatenzi wake, wakatizira kwauri, acibva kunatenzi wake;
16
unofanira kugara newe, pakati pako, paanotsaura hake pakati perimŋe ramasuʋo ako, paanofarira; haufaniri kumumanikidza.
17
Hapafaniri kuʋa necifeʋe pakati paʋanasikana ʋaIsraeri; ʋuye hapafaniri kuʋa nemhombge pakati paʋanakomana ʋaIsraeri.
18
Haufaniri kuʋuya nomuɓayiro wecifeʋe, kana muteŋgo wembga, muimba yaJehova Mŋari wako, kuti upike nawo; nokuti iɀo ɀiʋiri ɀose ɀinonyaŋgadza Jehova Mŋari wako.
19
Usapa hama yako cikwerete, ucireʋa mhindu, iri mhindu yemari, kana yeɀokudya, kana yecinhu cipi necipi cinopiwa cicireʋa mhindu.
20
Mutorwa uŋgamupa cikwerete, ucireʋa mhindu; asi haufaniri kupa hama yako cikwerete, ucireʋa mhindu; kuti Jehova Mŋari wako akuropafadze paɀose ɀaunoɓata namaʋoko ako, panyika yaunoenda kuti iʋe yenyu.
21
Kana ukapikira Jehova Mŋari wako mhiko, usanonoka kuiripa; nokuti ɀirokwaɀo, Jehova Mŋari wako ucaibvunza kwauri; ɀiŋgaʋa ɀiʋi kwauri.
22
Asi kana ukarega hako kupika, haɀiŋgaʋi ɀiʋi kwauri.
23
Ucenjere kuti uite seɀawakataura; seɀawakapikira Jehova Mŋari wako, ciri cipo cokuɗa kwako, cawakapikira nomuromo wako.
24
Kana ukapinda mumunda wemizambiriŋga wowokwako, uŋgadya mazambiriŋga seɀaunoɗa, ugute; asi haufaniri kuisa mamŋe mumudziyo wako.
25
Kana ukapinda muɀiyo ɀowokwako ɀigere kukohiwa, uŋgavuna hako hura noruʋoko rwako; asi haufaniri kuceka ɀivo ɀowokwako nejeko.
← Chapter 22
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 24 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34