bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 11
Genesis 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 12 →
1
Pasi chigare, vanhu vose vaingotaura mutauro mumwechete, vaine mazwi mamwechetewo.
2
Mukutamatama kwaiita vanhu kumabvazuva, vakazondogara vakaita musha wavo mubani reShinari kuBhabhironi.
3
Vakazorangana vachiti, “Ngatikanyei zvidhina tinyatsozvipisa zvakanaka.” Zvidhina ndozvaiva matombo avo, dhaka ravo rokuvakisa riri tara.
4
Vakazoti, “Ngatizvivakirei guta rine nhungamakore yeshongwe, tiite zita rino mukurumbira, tirege kungopararira nenyika.”
5
Tenzi akaburuka kudenga kuzoona guta neshongwe zvakanga zvavakwa navanhu.
6
Tenzi akati, “Onai vanhu ava vose vanongova rudzi rwumwechete uye vose vanotaura mutauro mumwechete. Idzi imviromviro chete dzezvavachaita. Hakuna chichavatadzisa kuita chinhu chose chose chavanofunga kuita.
7
Ngatiburukei tindopesanisa mutauro wavo vagorega kunzwana pakutaura.”
8
Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika yose, vakabva varega kuvaka guta riya.
9
Saka zita reguta iroro rakanzi Bhabheri nokuti Tenzi akapesanisa mutauro wapasi pose. Tenzi akavaparadzanisa vakapararira nenyika, pasi pose.
10
Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaShemu. Shemu akagara zana ramakore akabereka Aripakishadhi, makore maviri shure kwamafashamo emvura.
11
Abva mukubereka Aripakishadhi, Shemu akagara mazana mashanu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
12
Aripakishadhi akagara makumi matatu amakore ana makore mashanu, ndokuzobereka Shera.
13
Mushure mokubereka Shera, Aripakishadhi akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu, akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
14
Shera akagara makumi matatu amakore akabereka Ebheru.
15
Mushure mokubereka Ebheru, Shera akagarazve mazana mana amakore ana makore matatu akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
16
Ebheru akagara makore makumi matatu namana akabereka Peregi.
17
Mushure mokubereka Peregi, Ebheru akagarazve mazana mana ana makumi matatu amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
18
Peregi akagara makumi matatu amakore akabereka Reu.
19
Mushure mokubereka Reu, Peregi akagara mazana maviri amakore ana makore mapfumbamwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
20
Reu akagara makumi matatu amakore ana makore maviri, akabereka Serugu.
21
Mushure mokubereka Serugu, Reu akagara mazana maviri amakore ana makore manomwe akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
22
Serugu akagara makore makumi matatu akabereka Nahori.
23
Mushure mokubereka Nahori, Serugu akagara mazana maviri amakore akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana.
24
Nahori akagara makumi maviri amakore ana makore mapfumbamwe akabereka Tera.
25
Mushure mokubereka Tera, Nahori akagara zana ramakore namakore gumi namapfumbamwe akaberekawo vamwe vakomana navasikana.
26
Tera akagara makore makumi manomwe akabereka Abhuramu naNahori naHarani.
27
Hezvinoi zvizvarwa zvaTera. Tera akabereka Abhuramu naNahori naHarani. Harani ndiye baba vaRoti.
28
Harani akafa baba vake vasati vafa, akafira kunyika kwaakaberekerwa muguta reUru kunyika yevaKaradhia.
29
Abhuramu naNahori vakawana vakadzi vavo. Zita romukadzi waAbhuramu ndiSarai, zita romukadzi waNahori richinzi Mirika mwana waHarani. Harani, vakaberekawo Isika.
30
Asi Sarai akanga asina mbereko asina mwana.
31
Tera akatora mwanakomana wake Abhuramu, nomuzukuru wake Roti mwanakomana waHarani, nomuroora wake Sarai, mudzimai womwana wake Abhuramu. Vose ivavo vakabva kuguta reUru munyika yevaKaradhia vakasimuka voenda kuKanani. Asi pavakasvika kuHarani vakaita musha wavo ikoko.
32
Makore ose pamwechete aTera akagara mazana maviri amakore ana makore mashanu, ndokubva Tera azofira zvake kuHarani.
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50