bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 4
Genesis 4
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 5 →
1
Adhamu akaziva mukadzi wake Evha. Evha akabva ava napamuviri akabereka mwana mukomana, Kaini. Akati, “Ndabatsirwa naTenzi kuwana mumwe munhu.”
2
Akaberekazve munun'una wake Abhero. Abhero akazova mupfuwi wehwai, Kaini ari murimi.
3
Gare gare Kaini akaunza zvimwe zvirimwa zvake akapira kuna Tenzi.
4
Abhero akaunzawo nyama yakakora yehwayana pahwayana dzake sheshe dzamatangwe. Tenzi akafadzwa naAbhero nomupiro wake.
5
Asi haana kufadzwa naKaini kana nomupiro wake. Kaini akatsamwa zvikuru akafundumwara.
6
Tenzi akabvunza Kaini achiti, “Watsamwireiko? Wapfundumwarireiko?
7
Handiti kana ukaita zvakanaka unogamuchirwawo here? Asi nokuti hauna kuita zvakanaka, chitadzo chakugaririra pamusuo, chichikutsvaka. Asi iwe unofanira kuchikunda, uchitonge.”
8
Kaini akazotaurirana nomunun'una wake Abhero achiti, “Ngatimboendaika zvedu musango.” Ikoko Kaini akamukira munun'una wake, Abhero akamuuraya.
9
Mwari akazobvunza Kaini achiti, “Ko munun'una wako, Abhero aripiko?” Kaini akati, “Handizivi. Ko ndini muchengeti womunun'una wangu here?”
10
Mwari akati, “Ko izvozvi uri kuti waiteiko? Ropa romunun'una wako radeukira pasi, riri kuchema kwandiri.
11
Chinzwa, wapinda rushambwa rwokudzingwa munyika ino yashama muromo wayo ikanwa ropa romunun'una wako rawadeura, iyewe noruoko rwako.
12
Kana ukarima, nyika hapana chainokupa. Uchava swerakuenda nomudzungairi panyika.”
13
Kaini akapindura Tenzi achiti, “Chirango chamanditemera chakanyanya kukura zvokuti handikwanisi kuchitakura.
14
Chionaika kuti zvamandidzinga munyika ino ndichandotambura ndiri kwamusinganditariri, kwandichava swerakuenda nomudzungairi panyika. Ani naani anosangana neni achandiuraya.”
15
Asi Tenzi akati, “Kwete. Ani naani anenge auraya Kaini anotsiviwa kakapetwa kanomwe.” Tenzi akaisa Kaini rupawo kuitira kuti munhu anenge azomuona arege kumuuraya.
16
Kaini akabva paiva naTenzi akandogara kunyika yainzi Nodhi yaiva kumabvazuva kweEdheni.
17
Kaini akasangana nomudzimai wake. Mudzimai wake akabva ava napamuviri ndokubereka Enoki. Akavaka guta akaritumidza zita romwana wake rokuti Enoki.
18
Enoki akabereka Iradhi, Iradhi akabereka Mehuyaeri. Mehuyaeri akabereka Metushaeri. Metushaeri akabereka Rameki.
19
Rameki aiva navakadzi vaviri, mumwe ainzi Adha mumwe achinzi Zira.
20
Adha akabereka Jabhari, ndiye aiva baba vavanhu vanogara mumatendhe vanochengeta zvipfuwo.
21
Munun'una wake ainzi Jubhari, ndiye akatanga kuridza madimbwa nenyere.
22
Zira akabereka Tubharikaini, mupfuri wesimbi dzendarira noutare. Hanzvadzi yaTubharikaini yainzi Naama.
23
Rameki akati kumadzimai ake: “Adha naZira, ndinzwei. Imi vakadzi vaRameki teererai zvandava kureva. Ini pachangu ndakauraya murume akandikuvadza, kunyange iye akandidenha aiva chigwindiri chaicho.
24
Kana kuuraya Kaini kuchitsiviwa kakapetwa kanomwe, kuuraya ini kunotsiviwa makumi manomwe akapetwa kanomwe.”
25
Adhamu nomudzimai wake vakaberekazve mumwe mwana mukomana. Evha akamutumidza zita rokuti Seti achiti, “Mwari andipa zvakare mumwe mwana panzvimbo yaAbhero uya akaurayiwa naKaini.”
26
Seti akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Enoshi. Panguva iyoyo vanhu vakatanga kunamata Tenzi.
← Chapter 3
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 5 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50