bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 18
Genesis 18
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 19 →
1
Tenzi akazviratidza kuna Abhurahamu ari pamiti yemioku yokwaMamure agere pamusuo wetendhe rake masikati zuva richipisa.
2
Akatarisa akaona varume vatatu vamire pakadaro apo. Paakavaona akabva pamusuo wetendhe akamhanyira kundosangana navo, akavagwadamira pasi.
3
Akati, “Changamire wangu, kana zvichikufadzai musanyenyeredze zvenyu musha womuranda wenyu.
4
Regai ndikupei tumvura, mushambe tsoka dzenyu mumbozorora zvenyu munyasi memuti,
5
ini ndichikutorerai chingwa kuti mudye mudzore mwoyo mozoti mosimudzira zvenyu rwendo rwenyu nokuti ndokusaka wani mauya nokuno kune muranda wenyu.” Ivo vakati, “Ita zvako sezvawataura.”
6
Abhurahamu akamhanyira kuna Sara mutendhe akati, “Kurumidza kutora zviero mwero mitatu yakaenzana youpfu hwekoroni hwakatsetseka hunokwana bhagidhi uhukanye ubike chingwa.”
7
Abhurahamu akamhanyira kumombe, ndokusarudza chimhuru chine nyama yakanaka yakapfava akaipa muranda wake kuti avagadzirire.
8
Akatora mukaka wakakora nomumbishi nenyama yechimhuru chiya chaakanga agadzirira akavaperekera, ndokumira panyasi pavo pasi pomuti, ivo vachidya zvavo.
9
Varume vaya vakazoti, “Ko Sara mudzimai wako ari kupiko?” Abhurahamu akati, “Ari mutendhe umu.”
10
Tenzi akati, “Chokwadi ini ndichakushanyirazve gore rinouya, panguva yepfumvudza. Ipapo Sara mudzimai wako achange ava nomwana mukomana.” Izvozvo Sara aizvinzwa zvake ari mutendhe raiva kuseri kwavo.
11
Abhurahamu naSara vakanga vachembera vakwegura. Sara akanga aguma, asisateveri.
12
Sara akabva aseka zvake nechomumwoyo achiti, “Iyeni ndachembera kudai, ndokunge ndichada zvomurume. Handiti vatenzi vangu kukwegura kwavaita izvozvi.”
13
Tenzi akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko seiko Sara aseka, achiti, ‘Ini pangu pano ndachembera kudai ndingaberekewo mwana here?’
14
Pane chinhu chingaomere Tenzi here? Saka gore rinouya panguva ino yepfumvudza ndichakushanyirazve, Sara achange ava nomwana mukomana.”
15
Asi Sara akaramba akati, “Handina kuseka ini,” nokuti akanga ava kutya. Mwari akati, “Aiwa, waseka iwe.”
16
Varume vaya vakazosimuka vonanga kuSodhomu. Abhurahamu akavaperekedza.
17
Tenzi akati, “Ko ndichavanzira Abhurahamu zvandava kuda kuita here,
18
ini ndichiziva kuti Abhurahamu achazova rudzi rukuru rune simba uye kuti ndudzi dzose dzapasi pose dzichakomborerwa pamusana pake?
19
Kwete. Handingamuvanzire nokuti ndakamusarudza ndichiti arayire vana vake nemhuri yake ichauya, kuti vatevere ini Tenzi vachiita zvakarurama nokuitirawo vamwe zvakarurama nezvine ruenzaniso kuti ndiwane mazadzikisiro ezvandakapika kuna iye Abhurahamu.”
20
Tenzi akati, “Mhosva dzeSodhomu neGomora dzasvika munzeve dzangu dzanyanya kuwanda, uye chitadzo chavo chaipisisa kwazvo.
21
Naizvozvo ndiri kudzikako kundoona kana kuchema kuri kusvika munzeve dzangu kuri kukonzerwa zvechokwadi nezviito zvavo, kana zvisizvo ndigoziva.”
22
Varume vaye vakabva ipapo, vakananga kuSodhomu. Abhurahamu akasara amire pana Tenzi.
23
Abhurahamu akaswedera pana Tenzi akati, “Ko muchaparadza vakarurama pamwechete navakaipa here?
24
Ngatiti muguta imomo mune vakarurama vanokwana makumi mashanu hamungarinzwire tsitsi here pamusana pemakumi mashanu arimo muchibva marega kuriparadza?
25
Regai zvenyu kuita zvakadaro kuuraya vakarurama pamwechete navakaipa muchienzanisa vakarurama navakaipa. Regai zvenyu kumbodaro ko iye mutongi wepasi pose angatadze here kuita zvakarurama?”
26
Tenzi akati, “Kana ndikawana muSodhomu muine vanhu vakarurama vanokwana makumi mashanu ndichanzwira tsitsi guta rose pamusana pavakarurama ivavo.”
27
Abhurahamu akati, “Kunyange zvangu ndiri guruva nedota, ndatsunga kutaura kwamuri Tenzi wangu.
28
Ngatitii poperevedza navanhu vashanu kuti vakwane makumi mashanu avakarurama, mungaparadze here guta rose pamusana pavashanu vanenge vashayikwa?” Mwari akati, “Handingariparadze kana ndikawana muine makumi mana navashanu ivavo.”
29
Abhurahamu akataurazve achiti, “Zvimwe muchawanikwa muine makumi mana.” Mwari akati, “Handingazviite nokuda kwamakumi mana iwayo.”
30
Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, regai zvenyu kunditsamwira kana ndikataurazve. Zvimwe muchawanikwa muine makumi matatu?” Mwari akati, “Handingazviite kana ndikawana muine makumi matatu iwayo.”
31
Abhurahamu akati, “Tenzi wangu, ndava kungoramba ndichikunyaudzai. Zvimwe muchawanikwa muine makumi maviri avakarurama.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwamakumi maviri iwayo.”
32
Abhurahamu akati, “Regai zvenyu kunditsamwira Tenzi wangu kana ndikataurazve kamwechete koga. Zvimwe muchawanikwa muine gumi rimwechete ravanhu.” Mwari akati, “Handingariparadze nokuda kwegumi iroro.”
33
Tenzi paakapedza kutaura naAbhurahamu akabva aenda zvake, Abhurahamu ndokudzokerawo zvake kwake.
← Chapter 17
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 19 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50