bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 19
Genesis 19
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 20 →
1
Vatumwa vaMwari vaviri ava vakasvika kuSodhomu ava manheru. Roti akanga agere pasuo guru reSodhomu. Roti avaona akasimuka akandochingurana navo akavagwadamira pasi akatyora uso
2
akati, “Madzishe angu, uyai zvenyu kumba kwangu ini muranda wenyu, mushambe tsoka dzenyu, murareko mozofumomuka zvenyu moenda.” Asi ivo vakati, “Kwete. Tichavata zvedu pamusika.”
3
Roti akavateterera chaizvo kusvikira aenda navo kumba kwake, vakapinda mumba. Akavaitira mabiko akavabikira chingwa chisina mbiriso vakadya.
4
Asi vasati vamborara, varume vomuguta iroro, varume muSodhomu vakuru navadiki, vanhu vose zvavo pasina akasara vakakomba imba iyi.
5
Vakadaidzira kuna Roti vachiti, “Varume vauya kwauri manheru ano vari kupiko? Vaburitse pano panze kwatiri kuti tivaite vakadzi vedu.”
6
Roti akaenda kumusuo akabuda panze kuvanhu ivavo ndokupfiga musuo.
7
Akati, “Hama dzangu regai kuita chakaipa chikadai.
8
Ndine vanasikana vangu vaviri vachiri mhandara. Regai ndivaunze kwamuri muite zvenyu zvamunoda navo. Kana zviri zvavarume ava regai zvenyu kuwana chamungaite kwavari nokuti vaeni vauya mumba mangu.”
9
Asi ivo vakati, “Ibvapo.” Vakatiwo, “Muchinda uyu akauya somuuyi, asi zvino ava kuzvitora somutongi! Zvino tichakuorora kupfuura zvatanga tichavaita.” Vakamomotera Roti vachimusunda vachida kupaza musuo wemba yake.
10
Asi varume vaviri vaya vakatambanudza maoko avo, vakakwevera Roti mumba mavakanga vari, vakapfiga musuo.
11
Vakapofomadza vanhu vose vaya vakanga vari pamusuo wemba, vakuru navaduku, vakadzungaira zvokutadza kuona musuo iwoyo.
12
Varume vaviri vaya vakabvunza Roti vachiti, “Une vamwe vokwako muguta rino here, vakaita savakuwasha, kana kuti vana vakomana kana vasikana, kana vamwewo?
13
Vaburitse muno nokuti tava kuda kuparadza nzvimbo ino. Chatinodariro ndechichi: mhosva dzavanhu vayo dzasvika munzeve dzaTenzi, dzanyanya kuwanda zvokuti Tenzi atituma kuzoparadza.”
14
Roti akabuda akandotaurira vakuwasha vake vaitarisirwa kuzoroora vana vake achiti, “Simukai mubve muno nokuti Tenzi achaparadza guta rino.” Asi vakuwasha vake vakafunga kuti vari kuita jee navo.
15
Kuzoti ava mambakwedza vatumwa vakakurumidzisa Roti vachiti, “Chisimuka utore mukadzi wako navanasikana vako vaviri vaunavo pano uende, kuitira kuti murege kuparadzwa pacharangwa guta rino.”
16
Asi Roti akaita chinono, varume ava ndokubva vati Roti nomukadzi wake navanasikana vake vaviri, maoko chapu, vakavaburitsa vachivakwekweretsera kunze kweguta nokuti Tenzi akavanzwira tsitsi.
17
Pavakasvika navo kunze kweguta vakati, “Chitotizai muponese upenyu hwenyu, musacheuke muchitarisa shure kana kumira papi zvapo mubani. Tizirai kugomo mungadaro mukaparadzwa.”
18
Asi Roti akati, “Kweteka, madzishe angu.
19
Inga makafadzwa neni muranda wenyu wani mukandinzwira tsitsi dzenyu dzakawanda mukandinunura. Asi zvokutizira kugomo handingazvikwanise, njodzi ingadaro ikandiwira ndisati ndasvikako, ndikafa.
20
Inga pane kaguta kari pedyo ako, handiti kadiki zvako, regai nditizireko ndirarame.”
21
Mutumwa akati, “Zvakanaka, chichemo chako ndachinzwa. Chimwezve ndechokuti handichaparadza guta rawareva.
22
Chikurumidza kutizira ikoko nokuti hakuna chandingaite usati wasvikako.” Saka zita reguta iroro rakatumidzwa kuti Zoari.
23
Zuva rakanga ratobuda pakasvika Roti muZoari.
24
Pakarepo Tenzi akanayisa moto wesarufa paSodhomu neGomora uchibva kudenga kuna iye Tenzi.
25
Akaparadza maguta iwayo nebani rose navagari vomumaguta iwayo vose. Akaparadzawo zvose zvaimerapo.
26
Asi mudzimai waRoti aivatevera ari shure, akacheuka akabva aita churu chomunyu.
27
Abhurahamu akafumoenda paakanga amire naTenzi paya.
28
Akatarisa kuSodhomu neGomora nokubani rose, onei utsi hwenzvimbo yose iyoyo huchitogoka mudenga soutsi hwevira romoto.
29
Saka Mwari paakaparadza maguta omubani, akarangarira Abhurahamu, akaburitsa Roti mukati menhamo yokuparadzwa kwamaguta aaigara.
30
Roti akazobva muZoari, akandogara mugomo, mubako, navanasikana vake vaviri vaya nokuti vakatya kugara muZoari.
31
Mwana wavo wedangwe akataurira munun'una wake kuti, “Baba vedu vachembera uyezve hakuna varume munyika ino iyi vatingawanana navo sezvinongoitawo vanhu vose vose panyika.
32
Ngatinwisei baba vedu waini tigorara navo kuti tiwane machengetero orudzi rurege kutsakatika.”
33
Usiku ihwohwo vakanwisa baba vavo waini. Wedangwe akapinda muna baba vavo, akandovata navo. Baba ava havana kumboziva kuvata kwaakaita navo kana kuzobva kwaakaita pavari.
34
Ramangwana racho, wedangwe akataurira munun'una wake achiti, “Ndakarara nababa usiku hwapfuura. Zvino ngativanwisei zvakare waini usiku hwanhasi, uendewo undorara navo kuti tiwane machengetero orudzi, rurege kutsakatika.”
35
Usiku ihwohwo vakanwisazve baba vavo waini. Munun'una wacho akandorarawo navo. Baba ava havana kumboziva kuvata kwaakaita navo kana kuzobva kwaakaita pavari.
36
Saka vanasikana vaRoti, vose vari vaviri, vakaita vana nababa vavo.
37
Mwanasikana wedangwe akabereka mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Moabhu. Ndiye tateguru wevaMoabhu.
38
Munun'una wake akaberekawo mwana mukomana, akamutumidza zita rokuti Bheniami. Ndiye tateguru wevaAmoni variko nhasi uno.
← Chapter 18
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 20 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50