bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 45
Genesis 45
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 46 →
1
Josefi akatadza kuzvisimbisa ari mberi kwavanhu vaivapo akadaidzira achiti, “Vamwe vanhu mose chimbobudai zvenyu panze.” Josefi akasara achizivisa kuvakoma navanun'una vake kuti iye ndiani.
2
Akachema nezwi guru zvokuti vaIjipiti navanhu vomumuzinda waFarao vakamunzwa.
3
Josefi akaudza vakoma navanun'una vake kuti, “Ndini Josefi! Baba vangu vachiri vapenyu here?” Vakoma navanun'una vake vakashaya romuromo nazvo ndokuti tuzu voshamiswa kuti inga chokwadi ndiye.
4
Josefi akataurira vakoma navanun'una vake achiti, “Chiswederai zvenyu kuno.” Ivo ndokuswedera. Akati, “Ndini Josefi munun'una wenyu, wamakatengesa kuno kuIjipiti.
5
Zvino regai zvenyu kusuruvara kana kuzvishatirirwa pamusana pokuti makanditengesa nokuti Mwari akafanondiunza kuno kuti ndibatsire kuchengetedza upenyu hwavanhu.
6
Izvozvi tava mugore rechipiri renzara, asi kwasara mamwe makore mashanu achange asina munhu anozorima kana kukohwa.
7
Asi Mwari akafanonditumira kuno kuti akuchengetedzerei chitsama chavanhu chinosara pasi pano uye, kuti pakati penyu vazhinji vapunyuke rufu zvinoshamisa.
8
Saka hamusirimi makandiunza kuno, asi zvakaitwa naMwari. Ndiye akandigadza ndikava jinda guru raFarao. Ndini changamire mumuzinda wamambo. Ndini ndinotonga nyika yake yose yeIjipiti.
9
“Chikurumidzai kuenda kuna baba vangu mundoti, ‘Zvanzi nomwana wenyu Josefi, Mwari akandiita changamire weIjipiti yose, uyai zvenyu kuno kwandiri, musanonoke.
10
Mungazogara zvenyu mudunhu reGosheni, muve pedyo neni munozogarako navana navazukuru venyu nemombe dzenyu nezvimwe zvipfuwo zvenyu nezvose zvamunazvo.
11
Ndichakuchengetai muri kuGosheni ikoko nokuti kuchine mamwe makore mashanu enzara. Mungadaro mukapinda muurombo imi nemhuri dzenyu nezvipfuwo zvenyu.’
12
“Handiti muri kuzvionera nameso enyu newewo Bhenjamini munun'una wangu kuti ndini Josefi chaiye ndiri kutaura nemi nomuromo wangu.
13
Endai mundoudza baba wangu zvose zvoushe hwangu hwomuIjipiti. Vaudzeiwo zvose zvamaona mozokurumidza kuuya navo baba kuno.”
14
Josefi akambundirana naBhenjamini munun'una wake akabva ahwihwidza kuchema, Bhenjamini ndokuhwihwidzawo.
15
Ipapo Josefi akatsvoda vakoma vake vose achihwihwidza kuchema. Vakoma vake vakazokurukura naye.
16
Shoko rakazosvikawo kumuzinda waFarao rokuti vakoma vaJosefi vakasvika. Farao namachinda ake vakafara kwazvo.
17
Farao akati kuna Josefi, “Taurira vakoma vako kuti, ‘Chidaii izvi, takudzai madhongi enyu mudzokere kuKanani,
18
mundotora baba venyu nemhuri dzenyu muuye kuno kwandiri ndichakupai pokugara pakanakisisa muno muIjipiti, mugowana zvokudya mugere zvakanaka.’
19
Uvatiwo, ‘Daii. Torai ngoro dzimwe dzomunyika ino yeIjipiti dzokutakurisa vana namadzimai enyu mundotora baba venyu muuye.
20
Regai zvenyu kuita hanya nezvezvinhu zvenyu zvichasarako, nokuti muchawana zvinhu zvakanyanya kunaka zvomuno muIjipiti.’ ”
21
Vanakomana ivava vaIsiraeri vakaita saizvozvo. Josefi akavapa ngoro sezvaakanzi naFarao aite, akavapawo mbuva yaparwendo.
22
Josefi akapa vakoma vake mumwe nomumwe hanzu itsva. Asi akapa Bhenjamini hanzu shanu itsva, nemari yamashekeri yesirivha inokwana mazana matatu.
23
Akatumira baba vake madhongi gumi makono akanga akatakura zvinhu zvakanaka zvomuIjipiti. Akatakudzawo mamwe madhongi makadzi gumi mbesanwa nechingwa nezvokudya zvababa wake zvaparwendo.
24
Josefi akaonekana nehama dzake, asi pavakasimuka akavati, “Regai kukakavadzana munzira.”
25
Ipapo vakabva muIjipiti vakandosvika kunyika yeKanani kuna baba wavo Jakobho.
26
Vakasvikoti, “Josefi achiri mupenyu! Ndiye ari kutonga nyika yose yeIjipiti!” Zvakaomesa Jakobho mate mukanwa nokuti haana kubvuma zvaakataurirwa.
27
Jakobho akarondedzerwa zvose zvakanga zvarehwa naJosefi. Paakazoona ngoro dzakanga dzatumirwa naJosefi kuzovatakura, ndipo pakadzokazve simba rake.
28
Isiraeri akati, “Zvatokwana izvozvi mwana wangu Josefi mupenyu! Ndinoda kuenda chete ndindomuona ndisati ndafa.”
← Chapter 44
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 46 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→