bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 32
Genesis 32
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 33 →
1
Jakobho akasimudzirawo rwendo rwake, vatumwa vaMwari ndokusangana naye.
2
Jakobho paakavaona akati, “Inga ihondo yaMwari chaiyo!” Saka nzvimbo iyoyo akaitumidza zita rokuti Mahanaimu.
3
Jakobho akafanotuma nhume kuna Esau mukoma wake aigara kuSeiri munyika yeEdhomu.
4
Akadzirayira achiti, “Endai kuna changamire wangu Esau mumutaurire kuti, ‘Zvanzi nomuranda wenyu Jakobho, ndanga ndiri kwaRabhani kwandanga ndigere kusvikira iye zvino.
5
Ndava nemombe namadhongi nehwai nembudzi, navaranda vechikadzi nevechirume. Zvino ndatuma nhume kunemi changamire wangu kuti mundiitire tsiye nyoro.’ ”
6
Nhume idzi padzakadzokera kuna Jakobho dzakamutaurira kuti, “Takasvika kune mukoma wenyu, Esau. Zvino naiyewo ava munzira namazana mana avarume kuzosangana nemi.”
7
Jakobho akabva atya akatambudzika mumwoyo zvikuru, akakamura vanhu vavaiva navo nezvipfuwo nemombe nengamera ndokuita mapoka maviri,
8
achifunga kuti kana Esau akauya kune rimwe boka akariparadza, rimwe iri rinogona kutiza.
9
Jakobho ndokuti, “Mwari wavasekuru vangu Abhurahamu, imi Mwari wababa vangu Isaki imi Tenzi ndimi makanditi, ‘Chidzokera zvako kunyika yako, kune hama dzako ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka.’
10
Ini handikodzeri kuwana kunyange kai zvako kwomwoyochena wenyu, nokutendeseka kwenyu kwamakandiitira, ini muranda wenyu nokuti pandakayambuka Jorodhani urwu ndaingova iyeni ndoga netsvimbo yangu. Asi nhasi uno ndava namapoka maviri.
11
Ndapota ndinunureiwo mumaoko emukoma wangu Esau. Ndava kutya ini kuti angauye akatiuraya tose akauraya madzimai navana.
12
Ndimi makambonditsidzira muchiti, ‘Ndichaita kuti zvinhu zvikufambire zvakanaka. Ndichakupa vana vakawanda sejecha regungwa vasingaverengeki nokuwanda kwavo.’ ”
13
Jakobho akararapo usiku ihwohwo. Pazvinhu zvaaiva nazvo akasarudza chipo chokupa mukoma wake Esau
14
chamazana maviri enhunzvi dzembudzi, namakumi maviri emakotora, namazana maviri enhunzvi dzehwai, namakumi maviri ehondohwe,
15
namakumi matatu enghamera hadzi nemhuru dzadzo, namakumi mana emhou dzemombe, negumi rehandira, namadhongi echikadzi makumi maviri, negumi remikono yamadhongi.
16
Jakobho akaisa izvi mumaoko avaranda vake kuti vatinhe zvipfuwo zvacho zviri mumapoka azvo, boka rimwe nerimwe riri paro roga. Akati, “Chifanoendai, asi musiye chinhambwe chakati kuti pakati peboka rimwe nerimwe.”
17
Akarayira veboka repamberimberi achiti, “Kana mukoma wangu Esau akasangana nemi akakubvunzai achiti, ‘Muri vekwaani? Ko muri kuenda kupiko? Zvamuri kutinha ndezvaani?’
18
Imi itii, ‘Ndezvomuranda wenyu Jakobho, chipo ichi chatumirwa kunemi changamire, Esau, asi iye Jakobho pachake ari mumashure.’ ”
19
Akarayirawo boka rechipiri nerechitatu navose vaitevera mapoka achiti, “Kana mukasangana naEsau muudzei zvimwechetezvo.
20
Uye muudzei kuti, ‘Muranda wenyuwo Jakobho ari mushure,’ ” nokuti aifunga kuti, “Regai ndimufadze nokufanotumira chipo ichi ndigozoti ndosangana zvangu naye, zvimwe angandigamuchire.”
21
Naizvozvo akafanotumira zvipo izvozvo mberi, iye ndokusara usiku ihwohwo ari pamatendhe.
22
Usiku ihwohwo Jakobho akamuka akatora madzimai ake ari maviri navaranda vake vechikadzi vaviri navana vake gumi nomumwechete, ndokundoyambuka Jabhoku napazambuko.
23
Akavayambutsa rwizi, pamwechete nezvinhu zvose zvavaiva nazvo.
24
Jakobho ndokusarako oga. Mumwe murume akaita tsimba naye kusvikira utonga hwabuda.
25
Murume uyu paakaona kuti atadza kukurira Jakobho akamurova nechepahudyu, hudyu yake ikasvodogoka.
26
Murume uyu ndokuti, “Chindirega ndiende! Utonga hwatsvuka!” Asi Jakobho akati, “Handikurege uchienda kunze kwokunge wandikomborera!”
27
Murume uyu akati, “Zita rako ndiani?” Iye ndokuti, “Ndinonzi Jakobho!”
28
Murume uyu ndokuti, “Zita rako harichanzi Jakobho, rava kunzi Isiraeri nokuti wakakwikwidzana naMwari navanhu ukakunda.”
29
Jakobho akamubvunza achiti, “Iwe ndiudzeiwo zita rako.” Iye akati, “Unondibvunzireiko zita rangu?” Akamukomborera ipapo.
30
Jakobho ndokubva apatumidza zita rokuti Penueri achiti, “Ndaonana naMwari uso nouso, asi ndaramba ndiri mupenyu!”
31
Zuva rakamubudira muPenueri ava kubvamo achikamhina pamusana pehudyu yake.
32
Ndokusaka nanhasi uno vaIsiraeri vasingadye runda rwepahudyu runogara mumbiya yepfupa rapahudyu, nokuti murume iyeyo akarova Jakobho parunda rwapahudyu.
← Chapter 31
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 33 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50