bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 2
Genesis 2
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 3 →
1
Uku ndiko kupera kwakaita kusikwa kwedenga napasi nezvinhu zvose zvirimo.
2
Musi wechinomwe Mwari akanga apedza basa rake raakaita. Akazorora musi wechinomwe pabasa rose raaiita, akasabata basa.
3
Mwari akakomborera zuva rechinomwe akarieresa nokuti pazuva irori Mwari akazorora pabasa rake rose raakaita rokusika.
4
Iyi ndiyo nhoroondo yokusikwa kwakaitwa denga napasi. Mwari Tenzi panguva yaakasika nyika nedenga,
5
pasi pose pakanga pasati pava namakwenzi. Kwakanga kusinawo zvinomera nokuti Mwari Tenzi akanga asati anayisa mvura panyika uye hakuna airima nokuti kwakanga kusati kwava nomunhu aivapo.
6
Asi mhute yaisimuka panyika ichinyorovesa pasi pose.
7
Mwari Tenzi akatora ivhu panyika akaumba munhu, akamufemera mweya woupenyu mumhuno dzake. Munhu ndokubva ava noupenyu.
8
Mwari Tenzi akasima bindu muEdheni kumabvazuva ndokuisamo munhu waakanga aumba.
9
Mwari Tenzi akameresa muEdhenimo miti yorudzi norudzi yaiyevedza kutarisa, yaiva yakanaka kudya. Muti woupenyu waivawo pakati pebindu iroro, maivawo nomuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa.
10
Kwaiva norwizi rwaibva muEdheni rwaidiridza bindu iroro rwaizobudamo rwokamukana ruchiita nzizi ina.
11
Rwizi rwokutanga ndiPishoni. Ndirwo runopoterera nenyika yeHavhira, kune ndarama.
12
Ndarama yenyika iyoyo yakanaka kwazvo, kunowanikawo masiriridzi edheriumu anonhuhwirira uye notumabwe tunokosha tweonikisi.
13
Rwizi rwechipiri ndiGihoni. Ndirwo runopoterera nyika yose yeKushi.
14
Rwizi rwechitatu ndiTigirisi, runopfuura nechokumabvazuva kweAsiria. Rwizi rwechina ndiYufuratesi.
15
Mwari Tenzi akatora munhu akamuisa mubindu reEdheni riya kuti aririme arichengete.
16
Mwari Tenzi akaudza munhu kuti, “Idya zvako michero yemiti yose iri mubindu umu.
17
Asi usadye muchero womuti woruzivo rwezvakanaka nezvakaipa, nokuti zvechokwadi musi waunoudya unofa.”
18
Mwari Tenzi akazoti, “Hazvina kunaka kuti munhu agare oga. Ndichamusikira mubatsiri akakodzerana naye.”
19
Mwari Tenzi akatora ivhu akaumba mhuka dzose dzesango, neshiri dzose dzedenga, akauya nadzo kuna Adhamu achida kuona kuti achadzitumidza mazita api. Mazita ose akatumidzwa zvinhu zvipenyu naAdhamu, ndiwo akava mazita azvo.
20
Adhamu akatumidza mazita zvipfuwo zvose, neshiri dzedenga nemhuka dzose dzesango. Asi Adhamu akanga asina mubatsiri aikodzerana naye.
21
Mwari Tenzi akavatisa Adhamu hope dzorufu. Avete kudaro, Mwari akamubvisa mbabvu yake imwechete ndokubva aisa nyama panzvimbo yayo.
22
Mwari Tenzi akatora mbabvu iya ndokuumba munhukadzi ndokumupereka kuna Adhamu.
23
Adhamu akati, “Hounoka zvino bvupa ramapfupa angu, nyama yomuviri wangu chaiyo. Achanzi munhukadzi, nokuti akatorwa pamunhurume.”
24
Naizvozvo murume achasiya baba vake naamai vake achiva chiname nomukadzi wake, vaviri ava vachiva nyama imwechete.
25
Izvozvi murume nomukadzi wake vose vari vaviri vakanga vasina kusimira asi vakanga vasinganyarani.
← Chapter 1
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 3 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50