bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 8
Genesis 8
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 9 →
1
Mwari akazorangarira Nowa nezvipenyu zvose nezvipfuwo zvese zvaaiva nazvo mungarava, saka Mwari akaita kuti mhepo ivhuvhute pasi pose mvura ikabva yava kuserera.
2
Zvisipiti zviya zvapasipasi namahwindo edenga zvakamiswa kubudisa mvura, mvura yokunaya ikagasa,
3
mvura ndokuramba ichiserera pasi pose. Kwamazuva zana namakumi mashanu mvura yaingoserera.
4
Zvino mumwedzi wechinomwe pamusi wegumi nechinomwe womwedzi iwoyo, ngarava yakagara pamakomo eArarati.
5
Mvura yakaramba ichingoserera kusvikira pamwedzi wegumi. Zvino mumwedzi wegumi, pazuva rokutanga rawo, misoro yamakomo yakaonekwa.
6
Kuzoti kwapera mazuva makumi mana, Nowa akazurura hwindo rengarava riya raakagadzira.
7
Akatuma gunguo asi rakaramba richidzengerera zvaro kusvikira mvura yapwa panyika.
8
Akazotumawo njiva achida kuziva kuti mvura yapwa here panyika.
9
Asi njiva yakashaya pokumhara, ikadzokera kungarava nokuti mvura yakanga ichiripo panyika. Akaburitsa ruoko akaibata ndokuidzosera mungarava.
10
Akagara mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya mungarava.
11
Ava manheru njiva yacho yakadzokera kwaari yakaruma pamuromo wayo shizha nyoro romuorivhi richangobva mukutanhwa. Saka Nowa akaziva kuti mvura yapwa panyika.
12
Akagara mamwe mazuva manomwe ndokuburitsazve njiva iya, asi haina kuzodzokerazve kwaari.
13
Pazuva rokutanga, mumwedzi wokutanga wegore rechimazana matanhatu ane gore rimwechete raNowa rokuberekwa, mvura yakanga yapwa panyika. Nowa akabvisa denga rengarava akaona kuti mvura yakanga yapwa panyika uye pakaoma pava kutoonekwa.
14
Pazuva rechimakumi maviri namanomwe romwedzi wechipiri nyika yakanga yanyatsoti gwa kuoma.
15
Mwari akataurira Nowa kuti,
16
“Chibuda zvako mungarava iwe nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako.
17
Ubudewo nezvinhu zvipenyu zvose zvaunazvo zvinoti, mhuka dzose neshiri nezvipfuwo nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi, zviite zararira kuwanda panyika, zviberekane zviwande panyika.”
18
Saka Nowa nomudzimai wake navanakomana vake navaroora vake vakabuda.
19
Mhuka dzose nezvose zvinokambaira nezvinozvova napasi neshiri dzose nezvose zvinofamba panyika zvakabuda mungarava zviri mhando nemhando.
20
Nowa akavakira Tenzi atari. Akatora mhuka imwechete pamhando yoga yoga yemhuka neyeshiri dzisina kun'ora, akapira mipiro yokupisa paatari.
21
Tenzi akanzwa kunhuhwirira kwayo akati nechemumwoyo, “Handichazorega nyika ichiwirwa norushambwa pamusana pomunhu, nokuti ndangariro dzomwoyo womunhu dzakaipa kubvira pauduku hwake. Handichazomboparadzazve zvinhu zvipenyu zvose sezvandakaita rwendo runo.
22
“Kana pasi richiripo, mwaka wokudyara nowokukohwa, wokutonhora nowokudziya, wezhizha nowechando, nguva yamasikati nousiku, zvichagara zviripo.”
← Chapter 7
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 9 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→