bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 6
Genesis 6
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 7 →
1
Vanhu pavakatanga kuwanda panyika, vakabereka vana vasikana.
2
Vanakomana vaMwari vakaona kuti vasikana ivavo vakanga vakanaka, vakasarudza zvavo vakadzi vavakada, vakavaroora.
3
Tenzi akati, “Handichabvumiri kuti mweya wangu uri mumunhu ugare maari nokusingaperi nokuti munhu ndowenyama, anofa. Saka haachagara panyika nguva inodarika zana ramakore rina makore makumi maviri.”
4
Mazuva iwayo namazuva akatevera, panyika paiva nemazihofori chaiwo avanhu vakareba vakaberekwa navanakomana vaMwari pavakatorana navanasikana vavanhu. Vana vacho ndivo magamba aye makuru akarekare aiva nomukurumbira.
5
Tenzi akaona kuti uipi hwevanhu hwakanga hwanyanya kuwanda panyika. Akaonawo kuti twavaiswerofunga zuva rose mumwoyo yavo, hwaiva huipi hwoga hwoga.
6
Mwari akakungura kuti dai zvake asina kusika munhu pasi pano, zvikamushungurudza mumwoyo.
7
Tenzi akati, “Ndichatsakatisa panyika vanhu vandakasika, ivo vanhu nemhuka nezvinokambaira nezvinozvova napasi, neshiri dzedenga. Ndino urombo kuti ndakasika vanhu.”
8
Asi Tenzi akafadzwa zvake naNowa.
9
Izvi ndizvo zvizvarwa zvaNowa. Nowa akanga ari munhu akarurama ano unhu huzere chaihwo pachizvarwa chake. Nowa ainyatsowadzana naMwari.
10
Nowa aiva navana vakomana vatatu, mazita avo ndiShemu naHamu naJafeti.
11
Mukuona kwaMwari nyika yose yakanga yaora noupi, izere nokupandukirana.
12
Mwari akatarisa panyika ndokuona kuti paora kwazvo nouipi nokuti vanhu vose panyika vakanga voita zviito zvakaora.
13
Mwari akataurira Nowa kuti, “Ndafunga kutsakatisa vanhu vose nokuti ndivo vakaita kuti nyika izare nokupandukirana. Ndichavaparadza pamwechete nenyika.
14
Asi iwe chizvigadzirira ngarava yomuti womugoferi, uikamure-kamure kuita dzimba mukati mayo, uiname netara mukati nokunze.
15
Igadzire wakadai, urefu hwayo ngahuite zana nemakumi matatu amamita ana mamita matatu. Hwasha hwayo ngahuite makumi maviri amamita ana mamita maviri. Urefu hwayo kukwira mudenga kuite gumi ramamita namamita matatu.
16
Unoisa denga pangarava usiye gwanza rina masendimita makumi mana namana pakati pedenga nechengo chayo, uite musuo necheparutivi rwengarava. Igadzire iine uriri hutatu hwakaturikidzana.
17
Chinzwaka, ini ndichaunza panyika mafashamo emvura achaparadza zvinhu zvose zvino mweya unofema. Zvinhu zvose zviri panyika zvichafa.
18
Asi ini ndichaita chitenderano changu newe. Ndichati iwe upinde mungarava, nomudzimai wako navanakomana vako navaroora vako.
19
Pamhando yoga yoga yezvinhu zvose zvipenyu unotora zviviri, chikono nechikadzi uende nazvo mungarava zvirarame pamwechete newe.
20
Utorewo zviviri zviviri pamhando yoga yoga yeshiri nemhuka nezvinokambaira nokuzvova napasi zvirarame.
21
Unofanirawo kutora mhando dzose dzezvokudya uzviunganidzemo zvive chokudya chako nechazvo.”
22
Nowa akaita zvose zvaakanzi naMwari aite.
← Chapter 5
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 7 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→