bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 22
Genesis 22
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 23 →
1
Mushure maizvozvi, Mwari akaedza Abhurahamu akati, “Abhurahamu.” Iye akati, “Ndiri pano.”
2
Mwari akati, “Tora mwanakomana wako, iye mumwechete oga, wepamwoyo, Isaki uende naye kunyika yeMoria umuite chibayiro chomupiro wokupisa ikoko pane rimwe gomo randichakuudza.”
3
Abhurahamu akafumomuka akaisa chityaro padhongi rake akatora varanda vake vaviri nomwanakomana wake Isaki. Akatema huni dzokupisa nadzo mupiro wokupisa, ndokusimuka oenda kunzvimbo yaakanga audzwa naMwari.
4
Pazuva retatu Abhurahamu akatarisa akaona nzvimbo iyoyo ichiri chinhambwe.
5
Abhurahamu akataurira varanda vake achiti, “Chimbosarai pano apa nedhongi iri, ini nomwana timboenda kundonamata tigozoti todzoka zvedu kuno kwamuri.”
6
Abhurahamu akatora huni dziye akadzitakudza Isaki mwana wake. Iye akatakura moto nebanga mumaoko, vakaenda zvavo vose vari vaviri.
7
Isaki akabvunza Abhurahamu baba vake achiti, “Nhai baba!” Iye akati, “Chiiko mwanangu?” Isaki akati, “Moto nehuni tinazvo, ko hwayana yokundoita chibayiro chomupiro wokupisa iri kupi?”
8
Abhurahamu akati, “Mwanangu, Mwari pachake ndiye achaona kuti tawana hwayana yechibayiro chemupiro wokupisa.” Saka vose vari vaviri vakaenda zvavo.
9
Vakasvika panzvimbo yavakanga vataurirwa naMwari. Abhurahamu akavaka atari ipapo. Akanyatsoronga huni, akasunga Isaki mwanakomana wake akamuradzika paatari, pamusoro pehuni.
10
Abhurahamu ndokutambanudza ruoko rwake otora banga kuti achibaya mwana wake.
11
Pakarepo mutumwa waMwari akadaidzira ari mudenga achiti, “Abhurahamu, Abhurahamu!” Abhurahamu akati, “Ndiri pano.”
12
Mutumwa akati, “Usakuvadze mwana wako kana kuwana chaungaite paari. Zvino ndazoziva kuti unotya Mwari, zvausina kurambira nomwanakomana wako, mumwe chete oga.”
13
Abhurahamu akatarisa onei seri kwake kuine hondohwe yakakochekera nenyanga dzayo mugwenzi. Abhurahamu akandotora hondohwe iyoyo, akaiita chibayiro chomupiro wokupisa panzvimbo yomwana wake.
14
Saka Abhurahamu akatumidza nzvimbo iyoyo zita rokuti “Tenzianoonazvokuita,” kunyange nanhasi uno zvichiri kungonzi, “Pagomo raTenzianoonazvokuita.”
15
Ipapo mutumwa waTenzi akadaidzira rwechipiri ari mudenga kuna Abhurahamu
16
achiti, “Ndinopika neni pachangu. Ndini Tenzi ndinodaro kutaura. Zvawaita chinhu chakadai ichi ukarega kurambira nomwanakomana wako, mwana wako mumwechete oga,
17
ndichanyatsokukomborera chaizvo. Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga, sejecha romumahombekombe egungwa. Maguta avavengi vavo, vana vako vachaaita avo.
18
Nokuda kwavana vako marudzi apasi pose achakomborerwa nokuti wateerera zvandinoreva.”
19
Abhurahamu akadzokera kuvaranda vake ndokusumuka voenda vose kuBheerishebha. Abhurahamu akaita musha wake kuBheerishebha.
20
Shure kwaizvozvo Abhurahamu akazoudzwa kuti, “Mirika akaberekera munun'una wake Nahori vana vakomana.”
21
Wedangwe ndiUzi achiteverwa naBhuzi, kwozouya Kemueri baba waAramu,
22
tevere Kesedhi naHazo naPiridhashi naJidhirafu naBhetueri.
23
Bhetueri ndiye akazobereka Ribheka. Aya ndiwo majaya masere akaberekwa naMirika mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu.
24
Nahori akaberekawo vamwe vana nomurongo wake ainzi Reuma. Murongo iyeyo akabereka Tebha naGahamu naTahashi naMaaka.
← Chapter 21
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 23 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→