bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 26
Genesis 26
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 27 →
1
Zvino munyika imomo makaita nzara isati iri nzara iya yakamboitika pamazuva aAbhurahamu. Isaki akaenda kuGerari, kuna Abhimereki mambo wavaFirisitia.
2
Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Usadzike kuIjipiti, asi gara munyika yandichakuudza.
3
Chimbogara zvako munyika ino. Ini ndichava newe. Ndichakukomborera. Ndichakupa nyika idzi dzose iwe navana vako. Ndichaita zviya zvandakapika kuna Abhurahamu, baba vako.
4
Ndichaita kuti vana vako vawande senyenyedzi dzedenga. Ndichavapa nyika idzi dzose. Vana vako vachawanisawo ndudzi dzose dzavanhu vapasi pano makomborero,
5
nokuti Abhurahamu aiteerera zvandaireva, aiita zvose zvandaimutemera kuita achitevedza zvirongwa zvangu, achichengetawo mirao yangu nokuteerera mitemo yangu.”
6
Saizvozvo Isaki akagara kuGerari.
7
Vanhu venyika iyoyo vakamubvunza nezvomukadzi wake, iye akati, “Ihanzvadzi yangu.” Izvozvo aitya kutaura kuti mudzimai wangu achiti zvimwe vanhu venyika ino vangandiuraye pamusana paRibheka nokuti akanga aine chimiro chakanaka kwazvo.
8
Kuzoti Isaki agarapo nguva ndefu, Abhimereki mambo wavaFirisitia akatarisa napahwindo akaona Isaki achibata-bata Ribheka mudzimai wake.
9
Ipapo Abhimereki akadaidza Isaki akati, “Ko zvaari mukadzi wako wani! Wakagotaurirei kuti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ ” Isaki ndokuti, “Ndaiti zvimwe ndingaurayiwe pamusana pake.”
10
Abhimereki akati, “Zvino, ndochii ichochi chawakatiitira ipapa? Mumwe munhu aigona kunge akatadza nomudzimai wako iwe wotiparisa mhosva.”
11
Naizvozvo Abhimereki akayambira vanhu vake vose achiti, “Kuwana ane chakaipa chaanoita kune murume uyu, kana mudzimai wake anofanira kuurayiwa.”
12
Isaki akarima mbesa munyika iyoyo, gore iroro akakohwa mbesa dzakawanda kwazvo, Tenzi akamukomborera
13
akava mupfumi. Akaramba achibudirira kudzamara ava noupfumi hwakawanda.
14
Akanga ano upfumi hwemombe nezvimwe zvipfuwo navaranda vazhinji zvokuti vaFirisitia vakamuitira shanje.
15
VaFirisitia vakafushira vakazadza namavhu matsime ose akanga acherwa navaranda vababa wavo Abhurahamu, akacherwa Abhurahamu achiri mupenyu.
16
Abhimereki akataurira Isaki kuti, “Chibvai zvenyu medu muno nokuti mava nesimba kupinda isu.”
17
Naizvozvo Isaki akatamapo akandodzika matendhe ake mubani reGerari, akamboita musha wake ipapo.
18
Isaki akafukunura matsime emvura akanga acherwa pamazuva ababa wake Abhurahamu, nokuti Abhurahamu paakafa vaFirisitia vakabva vaafushira. Akaatumidzazve mazita aakanga akatumidzwa nababa wake.
19
Varanda vaIsaki vakati vachichera mubani umu, vakawanawo tsime remvura yechitubu.
20
Vafudzi vomuGerari vakaitirana nharo navafudzi vaIsaki vachiti, “Mvura iyi ndeyedu.” Saka Isaki akatumidza tsime irori zita rokuti, “Nharo,” nokuti vakanga vaitirana nharo navo.
21
Varanda vaIsaki vakacherazve rimwe tsime. Vakaitirana nharo zvakare navafudzi vomuGerari pamusoro paro, Isaki akaritumidza zita rokuti, “Ruvengo.”
22
Isaki akazobvapo akandocherazve rimwe tsime. Ipapo havana kuzomboitirana nharo. Akabva aritumidza zita rokuti, “Ziendanakuenda,” vachiti, “Zvino Tenzi atipa nzvimbo huru kuti tigova vazhinji munyika ino.”
23
Zvino Isaki akabvapo akatamira kuBheerishebha.
24
Tenzi akazviratidza kwaari usiku ihwohwo akati, “Ndini Mwari waAbhurahamu baba vako. Usatye zvako nokuti ndinewe. Ndichakukomborera ndichiita kuti vana vako vawande kwazvo pamusana paAbhurahamu muranda wangu.”
25
Isaki akavaka atari ipapo akanamata Tenzi ndokubva adzika tendhe yake ipapo. Varanda vake vakacherapo tsime.
26
Ipapo Abhimereki nejinda rake Ahuzati naPikori mukuru wehondo yake vakabva Gerari vakaenda kuna Isaki.
27
Isaki akavati, “Mavingeiko kuno? Handiti munondivenga imi. Inga makandidzinga wani kwenyu!”
28
Ivo ndokuti, “Tanyatsoona kuti Tenzi anewe. Saka tanga tafunga kuti dai paitwa chibvumirano pakati pedu newe, tiite chitenderano
29
chokuti ugorega kutiitira zvakaipa. Sezvatakaita isu, hatina chatakakutadzira asi takakuitira zvakanaka tikazotiwo uende zvako zvakanaka. Nhasi iwe wava nechikomborero chaTenzi.”
30
Isaki akavaitira mabiko vakadya vakanwa.
31
Vakafumomuka vakaita chibvumirano. Isaki akavaperekedza ndokuenda zvavo norugare.
32
Nomusi iwoyo varanda vaIsaki vakauya vakamuudza nezvetsime ravakanga vachera. Vakati, “Tabata mvura.”
33
Isaki akatumidza tsime iri zita rokuti, “Mhiko.” Naizvozvo zita reguta iroro rinonzi Bheerishebha kusvikira pari nhasi.
34
Esau paakanga ava namakore makumi mana, akaroora vakadzi vechiHiti kwaiti Judhisi mwana waBheeri naBhasimati mwana waEroni.
35
Vakadzi vacho vaifurusa Isaki naRibheka.
← Chapter 25
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 27 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50