bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 49
Genesis 49
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 50 →
1
Jakobho akakokorodza vanakomana vake akati, “Chiunganai pano mose ndikuudzei zvichazoitika kwamuri mune ramangwana.
2
Unganai nuteerere imi vana Jakobho, munzwe zvandava kutaura ini Isiraeri baba wenyu.
3
Rubheni, ndiwe dangwe rangu, chiratidzo chokutanga chesimba rangu, wandakabereka ndichiri kuzvinzwa. Pasimba napakukudzwa ndiwe wapamusoro.
4
Unovhaira semvura iri kuvira, asi hauzovi mukuru nokuti wakapinda iwe mumba mangu, ini baba ukan'oresa pandinorara, uchitoenda zvako pauriri hwangu.
5
“Simeoni naRevhi mukoma nomun'una, zvombo zvehondo zvavo ndezvokumutsisa musindo chete.
6
Pabangano ravo handitsikipo, handina chandinoronga navo, nokuti vakauraya vanhu vakashatirwa. Vakacheka marunda emombe, vachiita zvoutsinye zvavo.
7
Mwari ngaarange kutsamwa kwavo, nokuti kunotyisa. Ngaarange hasha dzavo nokuti dzinovaitisa utsinye. Ndichati mumwararire zvenyu muzvizvarwa zvaJakobho muti mwarara zvenyu mukati mavaIsiraeri.
8
“Iwe Judha, ndiwe ucharumbidzwa nehama dzako. Uchadzipa huro dzavavengi vako uchivakurira, vana vababa vako vachakugwadamira.
9
Judha mwana weshumba chaiyo, anobata nyama achibva adzokera kubako rake, ondozorora zvake akazvambarara. Seshumba hadzi hakuna angashinge kumumutsa.
10
Tsvimbo youshe haizobvi pana Judha. Haazotorerwa nyembe youmambo, kusvikira muridzi wenyembe asvika. Ndudzi dzose dzavanhu dzichamuteerera.
11
Achasungirira dhongi rake pamugirepisi achasungirira chigondora chake chedhongi pamugirepisi wakanaka kwazvo, hanzu dzake achisuka zvake muwaini, zvipfeko zvake achisuka muwaini yakati piriviri kutsvuka.
12
Meso ake achatsvuka kunge waini, meno ake agochena kuti mbe-e somukaka.
13
“Zebhuruni achava mugari wokumahombekombe kwegungwa. Nyika yake ichava yokusvikira ngarava, muganhu wake uchisvika kuSidhoni.
14
“Isakari idhongi chairo kusimba, sedhongi riri pakati pemitoro yaro.
15
Paachaona kuti agere panyika yakanaka nyika inomufadza kwazvo, achabvuma zvake kutakura mutoro pamapfudzi.
16
“Dhani achavawo mutongi wavanhu vake, sezvichangoitawo mamwe madzinza evaIsiraeri.
17
Dhani achaita senyoka iri panzira, senyoka inouturu iri panofamba vanhu, inoruma bhiza nechepazondo raro, mutasvi waro achiwira pasi negotsi.
18
Tenzi we-e ini ndamirira ruponeso rwenyu.
19
“Gadhi acharwiswa namagandanga, asi iye achatsikirirana nawo kutevera.
20
“Asheru achawana zvokudya, zvokudya zvakawanda zvakanaka, zvinotodyiwawo kwazvo namadzimambo.
21
“Nafutariwo ungati isheshe yenondo inotamba-tamba zvayo, inoberekawo mhuru dzakanaka.
22
“Josefi akaita sembizi imire pachisipiti, ungati imbizi iri mujinga megomo.
23
“Mhandu dzake dzinomurwisa zvinotyisa, dzichimudzingirira nouta nemiseve.
24
Asi uta hwaJosefi hunoramba hwakatsigirwa. Maoko ake achiramba akasimbaradzwa, nesimba raiye Samasimbaose, waJakobho ndiye mufudzi ndiye bako raIsiraeri.
25
Mwari wababa vako ngaakubatsire, iye Aripagomo akukomborere. Akukomborere nokukunayisira mvura, akupewo mvura inobva muvhu. Ngaakomborere madzimai enyu agobereka vana vavanozoyamwisa, akomborerewo zvipfuwo zvenyu zvigobereka vana vokuyamwisa.
26
“Makomborero andakupa ini baba vako anopfuura makomborero anobva mumakomo epasi chigare. Anopfuura zvinokosha zviri mumakomo okugara nokugara. Ndiwo makomborero achava aJosefi, akasarudzwa naMwari kutungamirira vakoma vake.
27
“Bhenjamini mhumhi chaiyo inorura, inobata nyama mangwanani, manheru yogara pasi kuigovanisa.”
28
Iwaya ose ndiwo madzinza gumi namaviri evaIsiraeri. Mashoko aya ndiwo akataurwa nababa wavo achivakomborera, achipa mumwe nomumwe chikomborero chakakodzerana naye.
29
Jakobho akazorongera vana vake achiti, “Nguva yangu yokuti ndichiendawo kwakaenda vamwe vokwangu yava kusvika. Munofanira kuzondiviga pane madzibaba angu, mubako riya riri mugura raEfuroni worudzi rwechiHiti.”
30
Ndiro bako riya riri mugura kuMakipera riri nechokumabvazuva kweMamure, munyika yeKanani, rakatengwa naAbhurahamu pamwechete nomunda wacho kuna vaEfuroni muHiti ikava nzvimbo yavo yokuviga vanhu.
31
Ipapo ndipo pakavigwa Abhurahamu nomudzimai wake Sara. Isaki nomudzimai wake Ribheka vakavigwawo ipapo. Rea ndakazomuvigwawo ipapo.
32
Munda wacho nebako ririmo zvakatengwa kuvaHiti.
33
Kuzoti Jakobho apedza kurongera vana vake akarara pamubhedha wake, ndiye sarai oendawo kwakaenda vamwe.
← Chapter 48
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 50 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→