bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 34
Genesis 34
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 35 →
1
Dhina mwanasikana waRea waakaberekera Jakobho akashanyira vasikana vomunyika iyoyo.
2
Ipapo Shikemu mwanakomana waHamori wechiHivhi aiva muchinda wenyika iyoyo akamuona ndokumufumura nokumubata chibharo kwaakaita.
3
Akatorwa mwoyo naDhina mwana waJakobho, akamuda, akamutaurirawo nyaya dzorudo.
4
Shikemu akataura nababa vake Hamori achiti, “Ndiroorereiwo Dhina ave mukadzi wangu.”
5
Jakobho akanzwa kuti mwana wake Dhina akanganiswa, izvozvo vana vake vakomana vakanga vari kumafuro vachifudza zvipfuwo. Jakobho akanyarara zvake kudzamara vauya.
6
Hamori baba waShikemu akaenda kuna Jakobho kundokurukura naye.
7
Vanakomana vaJakobho vakadzoka musango mavaiva nokuti vakanga vazvinzwa. Varume ava vakaviruka nehasha, vakashatirwa kwazvo nokuti Shikemu akanga aita chinhu chisina nomusoro wose muIsiraeri chokutadza nomwanasikana waJakobho nokuti hazvifanire kunzarwo.
8
Hamori akataurirana naye achiti, “Mwana wangu Shikemu ari kuda Dhina mwana wenyu chaizvo. Ko hamungabvume here kuti amuroore zvake ave mukadzi wake?
9
Ngatirooreranei. Regai zvenyu tiroore vana venyu, imi muchiroorawo vedu.
10
Ngatigarei pamwechete, nyika ndiyo yose iyi, muite zvenyu mhindu dzinokuwanisai mari, muve noupfumi.”
11
Shikemu akataurirana nababa vaDhina nehanzvadzi dzake achiti, “Kana mafadzwa nechikumbiro changu ndinokupai zvose zvamunenge mareva.
12
Revai zvenyu roora pamunodira nezvirehwarehwa ndinokupai sokutaura kwamunenge maita, chandinongoda chete kuti mundipe musikana iyeyu kuti ave mukadzi wangu.”
13
Vana vaJakobho vakapindura Shikemu nababa vake Hamori vachivaita zvokunyengedza nokuti akanga akanganisa hanzvadzi yavo Dhina.
14
Vakavati, “Hatingabvume zvakadaro, zvokupa hanzvadzi yedu kumunhu asina kudzingiswa nokuti chinhu chinoshoreka kwatiri.
15
Isu tingabvumirane nazvo chete kana imi maitawo sesu, vanhurume vose vokwenyu vatodzingiswa.
16
Kana matodaro ndopatingazokupai vanasikana vedu, isuwo tichitora vanasikana venyu. Ndopatingazogara pamwechete tichiva rudzi rumwe chete.
17
Asi, kana maramba kuteerera zvatareva zvokudzingiswa izvi, tichatora mwana wedu, tobva taenda zvedu.”
18
Zvavakataura izvi zvakafadza Hamori nomwana wake Shikemu.
19
Jaya irori harina kumboita chinono chokuzviita nokuti raida chaizvo mwana waJakobho. Shikemu aiva mukuru mukuru mumhuri yababa vake.
20
Nezvo Hamori nomwana wake Shikemu vakaenda kudare ravanhu kusuo guru reguta ravo vakandotaurirana navanhu vemo vachiti,
21
“Vanhu ava vagere nesu zvakanaka kwazvo, dai vagara zvavo munyika ino vachiita zvavo mhindu dzinovawanisa mari nokuti tarisai muone nyika ihuru iyi. Ngatirooreranei navo, ivo vatore vanasikana vedu isu tichivapawo vedu.
22
Kuti vanhu ava vabvume kugara nesu tichiva rudzi rumwe chete navo ndokunge vanhurume vedu vose vabvuma kudzingiswa sezvavakaita.
23
Ko upfumi hwavo nezvipfuwo zvavo, handiti zvichazova zvedu here? Ngatichingotenderanai navo, vagare nesu.”
24
Vanhu vose vomuguta imomo vakabvumirana nezvakataurwa naHamori nomwana wake Shikemu. Vanhu vose vomuguta iroro vakabva vadzingiswa, vechirume vose, vose zvavo vomuguta iroro.
25
Kwakati kwapera mazuva matatu maronda avarume ava orwadza, vana vaviri vaJakobho, Simeoni naRevhi, hanzvadzi dzaDhina vakatora mapakatwa avo, vakapinda muguta umu zvechiverevere ndokubva vauraya varume vose vaivamo.
26
Vakauraya namapakatwa Hamori nomwana wake Shikemu, ndokubva vatora Dhina mumba maShikemu, vakaenda naye.
27
Vana vaJakobho vakaenda kuzvitunha zviye vakapamba guta iri nemhaka yokukanganiswa kwakanga kwaitwa hanzvadzi yavo.
28
Vakapamba hwai dzavo nemombe dzavo namadhongi nezvose zvaiva mugutamo nezvaiva kunze kwaro.
29
Vakatorawo upfumi hwavo hwose nezvinhu zvose zvaiva mudzimba dzavo pamwe chete navana navakadzi vachizviita zvavo.
30
Jakobho akati kuna Simeoni naRevhi, “Mandipa nhamo mandiparira moto muziso. Iye zvino vanhu vomunyika ino, vaKanani nevaPerizi vachandivenga. Ini ndinongova navanhu vashoma. Kana vakandikomberana vachandiparadza, ini nemhuri yangu.”
31
Simeoni naRevhi vakati, “Ko munoti tairega hanzvadzi yedu ichibatwa sepfambi here?”
← Chapter 33
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 35 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50