bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 9
Genesis 9
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 10 →
1
Mwari akakomborera Nowa navana vake akati, “Berekanai muwande muzadze nyika.
2
Mhuka dzose dzapasi pose, neshiri dzose dzedenga, nezvose zvinokambaira nokuzvova napasi, nehove dzose dzomugungwa dzichakutyai dzichikudederai. Dzose ndadziisa mumaoko enyu.
3
Zvinhu zvipenyu zvose zvinofamba zvichava chokudya chenyu. Ndakupai zvose zvazvo sokukupai kwandakaita miriwo minyoro.
4
Asi chete nyama ichine ropa rayo, ichine upenyu hwayo, musaidye.
5
Ndinoti kuurayiwa kwenyu vanhu kunofanira kutoripwa. Mhuka kana munhu anouraya munhu ndinoda kuona kuti atoripa. Munhu anouraya mumwe munhu, mhaka iyoyo inoripwa norufu rwomunhu.
6
Ani naani zvake anodeura ropa romumwe munhu, ropa rakewo rinofanira kutoita zvokudeurwa nomunhu nokuti Mwari akasika munhu akamufananidza naiye pachake.
7
“Asi imi berekanai muwande, muite zararira chairo kuzara panyika, murambe muchiwanda mairi.”
8
Mwari akataurira Nowa navanakomana vake achiti,
9
“Chinzwai, ndava kuita chitenderano changu newe nezvizvarwa zvako zvichauya,
10
pamwechete nezvipenyu zvose zvaunazvo, zvinoti: shiri nezvipfuwo nemhuka dzose dzepanyika dzinewe nezvose zvabuda mungarava nemhuka dzose dzapasi pose.
11
Chitenderano chandinoita nemi ndechichi chokuti, ‘Handichazomboparadza zvakare zvipenyu zvose namafashamo emvura uye hakuchazovizve namafashamo emvura okuparadza pasi pose.’ ”
12
Mwari akati, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandinoita nemi nezvipenyu zvose zvinemi nezvizvarwa zvose zvichauya.
13
Ndamisa muraraungu wangu mumakore kuti uve chiratidzo chechitenderano changu napasi pose.
14
Kana ndichinge ndauyisa makore panyika, muraraungu ukaonekwa mumakore,
15
ndipo pandichayeuka chitenderano changu chandaita nemi nezvipenyu zvose, saka mvura haizombove mafashamo okuparadza zvinhu zvipenyu zvose.
16
Kana muraraungu wamira mumakore, ndichauona ndigoyeuka chitenderano chokugara nokugara chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
17
Mwari akataurira Nowa achiti, “Ichi ndicho chiratidzo chechitenderano chandaita nezvipenyu zvose zviri panyika.”
18
Vanakomana vaNowa vakabuda mungarava ndiShemu naHamu naJafeti. Hamu ndiye baba vaKanani.
19
Ivava ndivo vanakomana vatatu vaNowa. Kwavari ivava ndiko kwakazobva vanhu vose vari panyika pano.
20
Nowa aiva murimi akasima munda wemagirepisi.
21
Akanwa waini akararadza akarara mutendhe rake asina kupfeka.
22
Hamu baba waKanani akaonerera baba wake asina kupfeka, akandoudza mukoma nomunun'una wake panze.
23
Shemu naJafeti vakatora nguwo vakaisumudza kusvika pamapfudzi avo vose vari vaviri, vakadududza namakotsi vakasvikofukidza baba vavo vakatarisa rutivi, saka havana kutarisa baba vavo vakanga vasina kupfeka.
24
Nowa paakapengenuka mukuraradza newaini, akaziva zvakanga zvaitwa kwaari nomwanakomana wake muduku.
25
Akati, “Kanani ngaawirwe norushambwa, ngaave muranda chaiye wokupedzesera kuvakoma navanun'una vake.”
26
Akatiwo, “Ngaarumbidzwe Tenzi Mwari waShemu, Kanani ngaave muranda waShemu.
27
Mwari ngaakudziridze Jafeti, ngaagare mumatendhe aShemu, Kanani ave muranda wake.”
28
Shure kwamafashamo emvura Nowa akagara mazana matatu amakore ana makore makumi mashanu.
29
Saka ose pamwechete, Nowa akaita makore mazana mapfumbamwe ana makumi mashanu ndokuzofa zvake.
← Chapter 8
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 10 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→