bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 15
Genesis 15
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 16 →
1
Mushure maizvozvi zvose, Abhuramu akaona chiratidzo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Usambotya zvako Abhuramu. Ndini nhoo yako yokukudzivirira. Mubayiro wako uchava mukuru kwazvo.”
2
Asi Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, zvamuchandipa zvichandibatsirei ndichidai kufamba zvangu ndisina kana mwana? Iyeka Ereazari wokuDhamasikusi ndiye achadya zvake nhaka yacho yomumba mangu.”
3
Abhuramu akatizve, “Tarisai muoneka kuti hamuna kundipa mwana. Saka muranda akaberekerwa mumusha mangu ndiye achatodya nhaka yangu.”
4
Ipapo akanzwa izwi raTenzi richiti, “Munhu wauri kutaura uyu haasi iye achadya nhaka yako. Mwana wako chaiye wokubereka ndiye achadya nhaka yako.”
5
Mwari akabuda naye panze akati, “Tarisa kudenga uverenge nyenyedzi kana uchikwanisa kudziverenga.” Ndokuti, “Ndiko kuwanda kuchaita vana vako.”
6
Abhuramu akatenda Tenzi zvikaita kuti Tenzi amuti akarurama.
7
Mwari akati, “Ndini Tenzi ndakakuburitsa kuUru yevaKaradhia kuti ndikupe nyika ino kuti ive yako.”
8
Abhuramu akati, “Nhai Mwari Tenzi, ndichaziva sei kuti ichazova yangu?”
9
Mwari akati, “Chitora tsiru remombe rina makore matatu nenhunzvi yembudzi ina makore matatu nehondohwe ine makore matatu nenjiva nenyana rehangaiwa.”
10
Abhuramu akandotora izvozvo zvose ndokuuya nazvo kuna Mwari. Akatsemura dzose napakati, ndokuisa mapandi emhuka imwe neimwe pasi akatarisana. Asi shiri haana kudzitsemura.
11
Kwaiti kukauya magora pamitumbi iya yakanga yatsemurwa, Abhuramu oadzinga.
12
Kuzoti zuva rodoka, Abhuramu akabatwa nehope akakotsira hope dzorufu, akaputirwa nezarima guru raityisa.
13
Ipapo Tenzi akati kuna Abhuramu “Ndinoda kuti unyatsoziva izvi zvokuti, vana vako vachava vatorwa munyika isiri yavo. Ikoko vachange vari varanda vachibatwa zvakaipa kwamazana mana amakore.
14
Asi ini ndicharanga rudzi irworwo runenge ruchivaita varanda. Vana vako vachazobva ikoko vaine upfumi uzhinji.
15
Asi iwe uchaenda zvakanaka kwakaenda vamwe, kumadzitateguru ako, wanyatsokwegura zvako wozovigwa.
16
Vachadzokera kuno panguva yechizvarwa chavo chechina nokuti uipi hwavaAmori hahusati hwasvika pakundifinha.”
17
Kuzoti zuva radoka, kwasviba, kwakaoneka mbaura yaipfumbuka utsi nezhenje romoto richipfuura napakati pamapandi enyama aye.
18
Pazuva iroro Tenzi akaita chitenderano naAbhuramu achiti, “Ndapa kuvana vako nyika ino inobvira mukakova keIjipiti kundosvika kurwizi rukuru, muna Yufuratesi.
19
Munzvimbo iyoyi ndimo mune nyika dzamarudzi aya anoti: vaKeni navaKenizi navaKadhimoni
20
kwouya vaHiti navaPerizi navaRefaimu
21
kwozotiwo vaAmori navaKanani navaGirigashi navaJebhusi.”
← Chapter 14
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 16 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50