bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 40
Genesis 40
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
1
Kwakati kwapera nguva yakati kuti, mukuru mukuru wamambo weIjipiti wokuona nezvewaini, nomukuru mukuru wavabiki vakatadzira tenzi wavo, mambo weIjipiti.
2
Farao akashatirirwa vashandi vake vaviri ava vanoti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki.
3
Akavasunga akavapfigira mumba yomukuru mukuru wavachengeti vokwamambo, mujeri makanga makaiswawo Josefi muya.
4
Mukuru mukuru wavachengetedzi iyeyo akaudza Josefi kuti avashandire. Vakagara mujeri kwenguva ndefu.
5
Rimwe zuva vashandi vamambo weIjipiti vaviri vaya, vaiti mukuru mukuru wokuona nezvewaini nomukuru mukuru wavabiki vachiri mujeri kudaro, vakarota hope usiku humwechete. Mumwe nomumwe wavo akarota hope dzake dzaiva nezvadzaireva.
6
Ava mangwanani Josefi akauya akavaona vakasuruvara.
7
Akabvunza vashandi vaFarao ava vaiva mujeri pamwechete naye muimba yatenzi wake achiti, “Ko nhasi uno zviso zvenyu zvakati hurududu kusuwa seiko?”
8
Vakamuti, “Tarota hope dzedu, asi tashaya munhu anogona kudzidudzira.” Josefi ndokuti kwavari, “Ko handiti kududzira hope ndokwaMwari here? Dondirondedzerai henyu ndinzwe.”
9
Ipapo mukuru mukuru wokuona nezvewaini akarondedzera Josefi hope dzake achiti, “Ndarota ndichiona mugirepisi.
10
Mugirepisi wacho wanga una mapazi matatu. Pawangoti bukirei, wabva waburitsa tumaruva. Matsumbu awo akabva aita magirepisi akaibva.
11
Ndanga ndakabata mukombe waFarao muruoko rwangu. Ndatora magirepisi ndikasvinira muto wacho mumukombe ndikapa Farao.”
12
Josefi akamuti, “Hezvinoi zvadzinoreva: Mapazi matatu anoreva mazuva matatu.
13
Kana mazuva matatu apera, Farao achatonga mhosva yenyu, agokudzoserai kubasa renyu. Ipapo muchagamuchidzazve mambo mukombe wake sezvamaiita kare somukuru mukuru wokuona nezvewaini.
14
Asi ndinokumbira kuti muzondiyeukawo kana zvazokufambirai zvakanaka. Mundinzwire tsitsi, mundirevererewo kuna Farao, kuti ndibudiswe muno,
15
nokuti zvechokwadi ini ndakabiwa kunyika yavaHebheru. Kunyange kuno hapana chandakatadza chingasakise kuti ndiiswe mujeri.”
16
Kuzoti mukuru mukuru wavabiki anzwa dudziro yakanaka yakanga yapiwa naJosefi akati, “Neniwo ndarota ndakatakura pamusoro tswanda nhatu dzakaturikidzana dzanga dziine chingwa.
17
Mutswanda yapamusoro manga muine mhando nemhando dzezvokudya zvaFarao, asi zvanga zvichidyiwa neshiri zviri mutswanda yanga iri pamusoro pangu.”
18
Josefi ndokupindura achiti, “Izvi ndizvo zvinoreva hope dzenyu: Tswanda nhatu dzinoreva mazuva matatu.
19
Kana mazuva matatu apera, Farao achatonga mhosva yenyu, agokusungirirai mumuti shiri dzichizodya mutumbi wenyu.”
20
Kuzoti kwapera mazuva matatu, mambo Farao akaitira varanda vake mabiko okupemberera zuva rokuberekwa kwake. Akaunza padare mukuru mukuru wokuona nezvewaini pamwechete nomukuru mukuru wavabiki uya paiva namakurukota ake.
21
Mukuru mukuru wokuona nezvewaini akadzorerwa pabasa rake rakare rokugamuchidza mambo waini.
22
Asi mukuru mukuru wavabiki akamusungirirwa mumuti, sokududzirwa kwazvakanga zvaitwa naJosefi.
23
Mukuru mukuru wokuona nezvewaini uya haana kuzorangarira Josefi, asi akatomukanganwa.
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→