bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 14
Genesis 14
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 15 →
1
Panguva yaAmuraferi mambo weShinari, Arioku mambo weErasari naKedhoriraomeri mambo weEramu naTidhari mambo weGoimu,
2
madzimambo iwaya akaita hondo namadzimambo aya anoti: Bhera mambo weSodhomu naBhirisha mambo weGomora naShinabhu mambo weAdhima naShemebheri mambo weZebhoimu namambo weBhera (kana kuti Zoari).
3
Madzimambo iwaya ari mashanu akafunga zvokuita chirwirangwe akaunganidza hondo dzawo mubani reSidhimu kana kuti Gungwa roMunyu.
4
Vakanga vari pasi pamambo Kedhoriraomeri kwamakore gumi nemaviri. Asi vakazomuitira chimurenga mugore regumi nechitatu.
5
Zvino mugore regumi nechina Kedhoriraomeri akauya namadzimambo aaiva nawo akakunda vaRefaimu vaigara kuAsherotikarinaimu, nevaZuzimu kuHamu nevaEmimu kuShavhekiriataimu
6
nevaHori mugomo ravo reSeiri kusvikira kuEriparani kumucheto werenje.
7
Vakazodzoka vakaenda kuEnimishipati (kana kuti kuKadheshi), vakakurira nyika yose yavaAmereki navaAmori vakanga vagere Hazazonitamari.
8
Madzimambo mashanu anoti, mambo weSodhomu namambo weGomora namambo weAdhima namambo weZebhoimu mambo weBhera (kana kuti Zoari) akandounganidza hondo dzawo mubani reSidhimu
9
vakarwisana namadzimambo mana anoti; mambo weKedhoriraomeri weEramu namambo Tidhari weGoimu namambo Amuraferi weShinari namambo Arioku weErasari. Vakarwisana vachiti uku vana, uku vashanu.
10
Bani reSidhimu rakanga riine migodhi mizhinji yetara. Madzimambo eSodhomu neGomora akatiza, vamwe vanhu vavo vakawira mumigodhi yacho. Vakasarawo vakatizira kumakomo.
11
Madzimambo mana aye akapamba upfumi hwose hweSodhomu neGomora, nezvokudya zvavo zvose vakaenda nazvo.
12
Kunyange Roti uya, mwanakomana womunun'una waAbhuramu akanga agere kuSodhomu vakamutapawo, vakapambawo upfumi hwake, vakaenda.
13
Mumwewo akapunyuka ipapo akaenda akandoudza Abhuramu muHebheru kwaiva nemiti yemioku yokwaMamure kwavakanga vagere. Mamure uyu aiva worudzi rwevaAmori, iye aivawo mukoma nomunun'una naEshikoru naAneru. Ivava vose vaibatana pamwechete naAbhuramu pakurwa.
14
Abhuramu paakanzwa zvokutapwa kwehama yake akaunganidza vanhu vake mazana matatu ane gumi navasere vakanga vakanyatsodzidziswa zvehondo vakaberekwa mumhuri dzavaranda vake. Vakaronda madzimambo aya kusvika kuDhani.
15
Abhuramu akakamura varwi vake akavarwisa nousiku akavakunda, akavadzingirira kusvika kuHobha kuchamhembe kweDhamasikusi.
16
Akadzoka nezvinhu zvose zvakanga zvapambwa, akadzokawo nehama yake Roti nezvinhu zvake, navakadzi navamwe vanhu.
17
Kuzoti Abhuramu adzoka kuya kwaakanga akunda Kedhoriraomeri namadzimambo aakanga anawo, mambo weSodhomu akandomuchingamidza pabani reShavhe (kana kuti bani raMambo).
18
Merekizedhekiwo mambo weSaremu aiva mupristi waMwari Wokumusorosoro akauyawo nechingwa newaini kuna Abhuramu.
19
Akamukomborera achiti; “Mwari Wokumusorosoro, Musiki wedenga napasi, ngaakomborere Abhuramu.
20
Ngaakudzwe Mwari Wokumusorosoro, akaisa vavengi venyu mumaoko enyu.” Abhuramu akabvisa chegumi chezvinhu zvose zvaakanga adzoka nazvo, akapa kuna Merekizedheki.
21
Mambo weSodhomu akati kuna Abhuramu, “Pane zvawadzoka nazvo, ndipe vanhu utore zvako upfumi.”
22
Asi Abhuramu akapindura mambo weSodhomu achiti, “Ndakapika naTenzi Mwari Wokumusorosoro
23
ndichiti, ‘Pazvinhu zvenyu zvose handidi kutora kana chinhu zvacho, kunyange kashinda kana tambo zvayo yeshangu kuti murege kuzondikonora muchiti, ndini ndakatopfumisa Abhuramu.’
24
Ini pachangu handidi chinhu. Zvakadyiwa navarwi vangu pamwechete nomugove unopiwa vanhu vandakaenda navo, ndizvo zvanguwo zvandinowana. Asi regai Aneru naEshikoru naMamure vatore mugove wavo.”
← Chapter 13
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 15 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50