bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 35
Genesis 35
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 36 →
1
Mwari akataurira Jakobho kuti, “Chisimuka uende kuBhetieri ugareko, undigadzirire atari ikoko ini Mwari nyakuzviratidza kwauri panguva yawakatiza mukoma wako Esau.”
2
Jakobho ndokuudza mhuri yake navose vaaive navo kuti, “Rasai vamwari vamunavo vasirivo, mushambe mupfeke dzimwe hanzu.
3
Tichaenda kuBhetieri kundogadzira atari yokunamatira Mwari akandinzwa akandibatsira pandaitambudzika. Aiva neni kwose kwandaienda.”
4
Vakabva vapa Jakobho vamwari vasirivo vavakanga vainavo, nemhete dzaiva munzeve dzavo. Jakobho akazvicherera pasi pomuti womuoku waiva pedyo neShikemu akazvifushira.
5
Kuzoti vapinda munzira, vanhu vamaguta omunharaunda iyoyo vakabatwa nokutya kwakabva kuna Mwari zvokuti havana kudzingirira vanakomana vaJakobho.
6
Jakobho navanhu vake vose vaaiva navo vakazosvika kuguta rainzi Ruzi kana kuti Bhetieri riri munyika yeKanani.
7
Akavaka atari ipapo akapatumidza zita rokuti Eribhetieri nokuti Mwari akanga azviratidza kwaari ipapo panguva iya yaakatiza mukoma wake.
8
Ipapo ndipo pakafira Dhebhora akarera Ribheka. Akavigwa pasi pomuoku kumaodzanyemba kweBhetieri. Saka muti wacho wakatumidzwa zita rokuti Muoku Wokuchema.
9
Jakobho paakanga adzoka kuMesopotamia Mwari akazviratidzazve kwaari akamukomborera.
10
Mwari akati kwaari, “Handiti zita rako ndiJakobho, kubvira zvino hauchanzi Jakobho, wava kunzi Isiraeri.” Naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Isiraeri.
11
Mwari akamutizve, “Ndini iye Aripagomo. Bereka vana, muwande. Mumhuri yako muchabuda ndudzi dzavanhu muchabudawo madzimambo.
12
Nyika yandakanga ndapa Abhurahamu naIsaki ndinokupa iwe, ndinopawo nyika iyoyo kuzvizvarwa zvako zvichauya.”
13
Mwari akazobva paakanga achitaura naye oenda zvake kudenga.
14
Jakobho akamisa ibwe refu rechiyeuchidzo panzvimbo apa pakataura Mwari naye, akadururira pamusoro paro mupiro wechokunwa akadururirawo mafuta pariri.
15
Jakobho akatumidza nzvimbo iyi zita rokuti Bhetieri.
16
Vakabva kuBhetieri vosimudzira rwendo rwavo voenda. Asi vachiri chinhambwe nokusvika munyika yeEfurati nguva yaRakeri yokusununguka yakasvika. Rakeri akatambura chaizvo pakusununguka kwake.
17
Zvaakanga ari pahata akatambura zvikuru, vanyamukuta vakati, “Usatye zvako wapiwa zvakare chimwe chikomana.”
18
Rakeri akataura achitandadza kuti zita romwana rinonzi Bhenoni. Asi baba vake vakamutumidza zita rokuti Bhenjamini.
19
Rakeri akafirapo akavigwa panzira inoenda kuEfurati kana kuti Bheterehemu.
20
Jakobho akamisa ibwe refu kumusoro kweguva rake. Ndiro ibwe refu repaguva raRakeri riripo nanhasi uno.
21
Isiraeri wakareyo Jakobho akabvapo osimudzira rwendo rwake akandodzika matendhe ake ave panzvimbo yokunge tapfuura shongwe yeEdheri.
22
Isiraeri paaiva agereko Rubheni dangwe rake rakatadza naBhiriha murongo wababa vake, Isiraeri ndokuzvinzwa. Jakobho aiva navana vakomana gumi navaviri.
23
Vanakomana vaRea ndiRubheni dangwe rake, naSimeoni naRevhi naJudha naIsakari naZebhuruni.
24
Vanakomana vaRakeri ndiJosefi naBhenjamini.
25
Vanakomana vaBhiriha muranda wechikadzi waRakeri ndiDhani naNafutari.
26
Vanakomana vaZiripa muranda wechikadzi waRea ndiGadhi naAsheru. Ivava ndivo vanakomana vaJakobho vakaberekerwa kuMesopotamia.
27
Jakobho akandoona baba vake Isaki kuMamure kana kuti guta reAribha ndiro rimwechetero rinonzi Hebhuroni. Kwakambogara Abhurahamu naIsaki.
28
Isaki akagara zana namakumi masere amakore.
29
Isaki akazochembera zvake akakwegura zvokugutsikanawo ndokufa zvake oendawo kwakaenda vamwe vokwake vachakabvu. Esau naJakobho vana vavo vakavaviga.
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→