bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 5
Genesis 5
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 6 →
1
Haanoi mazita ezvizukuru zvaAdhamu. Mwari paakasika munhu, akamusika akafanana naiye Mwari pachake.
2
Akavasika vari munhurume nomunhukadzi, akavakomborera akavatumidza kuti vanhu paakavasika.
3
Adhamu akagara makore zana namakumi matatu ndokubereka mwana mukomana akafanana naye, akamutumidza kuti Seti.
4
Akazoberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Seti, Adhamu akazogarazve mazana masere amakore.
5
Saka ose pamwechete, Adhamu akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore makumi matatu, ndokuzofa zvake.
6
Seti akagara zana ramakore namakore mashanu ndokubereka Enoshi.
7
Seti akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Enoshi, Seti akagarazve mazana masere amakore ana makore manomwe.
8
Saka ose pamwechete, Seti akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore gumi namaviri ndokuzofa zvake.
9
Enoshi akagara makumi mapfumbamwe amakore ndokubereka Kenani.
10
Enoshi akazoberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Kenani, Enoshi akazogarazve mazana masere amakore namakore gumi namashanu.
11
Saka ose pamwechete, Enoshi akagara mazana mapfumbamwe amakore ana makore mashanu, ndokuzofa zvake.
12
Kenani akagara makumi manomwe amakore ndokubereka Mahararieri.
13
Kenani akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Mahararieri, Kenani akazogarazve mazana masere ana makumi mana amakore.
14
Saka ose pamwechete, Kenani akagara mazana mapfumbamwe ane gumi ramakore, ndokuzofa zvake.
15
Mahararieri akagara makumi matanhatu amakore ana makore mashanu akazobereka Jaredhi.
16
Mushure mokubereka Jaredhi, Mahararieri kagara mazana masere ana makumi matatu amakore, akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana.
17
Saka ose pamwechete, Mahararieri akagara makore mazana masere ana makumi mashanu, ndokuzofa zvake.
18
Jaredhi akagara zana rina makumi matanhatu amakore namakore maviri ndokubereka Enoki.
19
Jaredhi akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Enoki, Jaredhi akazogarazve mazana masere amakore.
20
Saka ose pamwechete, Jaredhi akagara mazana mapfumbamwe ana makumi matanhatu amakore ana makore maviri ndokufa zvake.
21
Enoki akagara makumi matanhatu amakore ana makore mashanu, ndokubereka Metushera.
22
Mushure mokubereka Metushera Enoki akanyatsowadzana naMwari kwamazana matatu amakore, akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana.
23
Saka ose pamwechete, Enoki akagara mazana matatu amakore ana makore makumi matanhatu namashanu.
24
Enoki ainyatsowadzana naMwari, ndokubva anyangarika nokuti Mwari akamutora.
25
Metushera akagara zana rine makumi masere amakore ana makore manomwe vakazobereka Rameki.
26
Metushera akaberekawo vamwe vana vakomana navasikana. Mushure mokubereka Rameki, Metushera akazogarazve mazana manomwe ana makumi masere amakore ana makore maviri.
27
Saka ose pamwechete, Metushera akagara mazana mapfumbamwe namakumi matanhatu amakore ana mapfumbamwe ndokuzofa zvake.
28
Rameki akagara zana namakumi masere amakore ana makore maviri, akaberekawo mwana mukomana
29
waakatumidza zita rokuti Nowa, achiti, “Mwana uyu ndiye achatizorodza mwoyo pabasa redu rakaoma ratinotambura tichiita namaoko edu zvakakonzerwa nenyika yakapiwa rushambwa naTenzi.”
30
Rameki akaberekawo vamwe vana, vakomana navasikana. Mushure mokubereka Nowa, Rameki akazogarazve mazana mashanu ana makumi mapfumbamwe amakore ana makore mashanu.
31
Saka ose pamwechete, Rameki akagara mazana manomwe ana makumi manomwe amakore ana makore manomwe, ndokuzofa zvake.
32
Nowa akagara mazana mashanu amakore ndokubereka Shemu naHamu naJafeti.
← Chapter 4
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 6 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→