bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 48
Genesis 48
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 49 →
1
Kuzoti kwati perei chinguva Josefi akaudzwa kuti baba vake varwara, nokudaro akaendako navanakomana vake vaviri Manase naEfuremu.
2
Jakobho paakanzwa kuti mwana wake Josefi auya akazvisimbaradza akamuka akaita zvokugara pamubhedha.
3
Jakobho akataurira Josefi achiti, “Iye Aripagomo akazviratidza kwandiri paRuzi kuKanani akandikomborera.
4
Akanditiwo, ‘Ndichakupa vana vazhinji, ndigokuitai kuti muwande zvokuita madzinza namadzina avanhu. Ndichapa zvizvarwa zvako zvichauya nyika ino kuti ive yavo nokusingaperi.’
5
“Zvino vanakomana vako vaviri vakaberekerwa muno muIjipiti ndisati ndauya kuno vava vana vangu. Vana vako ava Efuremu naManase, vava vana vangu chaivo zvakangoita Rubheni naSimeoni.
6
Asi vawakazoberekerwa mushure mavo, ndivo vachava vana vako. Nhaka yavo vanotozoiwana muzita ravakoma vavo ivavo.
7
Ndinodaro nokuti pandaibva kuMesopotamia, amai vako Rakeri vakandifira panzira munyika yeKanani tava kuda kundosvika kuEfurati, ndiyowo Bheterehemu, ndikavaviga ipapo.”
8
Isiraeri paakaona vana vaJosefi vakomana akati, “Ko ava ndivananaaniko ava?”
9
Josefi akati kuna baba vake, “Ava ndivo vana vangu vandakapiwawo naMwari muno umu.” Iye akati, “Chiuya navo kuno ndivakomborere.”
10
Meso aIsiraeri akange oonera madzerere asisaone zvakanaka nokuti akanga akwegura. Josefi akaswededza vana vake pana baba vake. Jakobho akavatsvoda achivafungatira.
11
Jakobho akataurira Josefi achiti, “Handina kufunga kuti ndichazokuonazwe. Asi Mwari akandibatsira ndikatoonawo navana vako.”
12
Josefi akazovabvisa pamakumbo ababa vake akabva apfugama akakotamisa musoro.
13
Josefi akauya navana vake vari vaviri akati Efuremu kurudyi, Manase kuruboshwe. Akavaisa pana baba vake Isiraeri akati Efuremu kuruboshwe rwavo Manase kurudyi rwavo.
14
Isiraeri akapesanisa maoko ake achiisa ruoko rwake rworudyi pamusoro waEfuremu aiva muduku, akaisa ruoko rwake rworuboshwe pamusoro waManase aiva dangwe.
15
Jakobho akakomborera Josefi achiti, “Mwari aiteverwa namadzibaba angu Abhurahamu naIsaki, Mwari akava mufudzi wangu muupenyu hwangu hwose kusvikira zuva ranhasi,
16
iye mutumwa waMwari aindinunura pose pandainge ndawirwa nenjodzi, ngaakomborerewo vakomana ava. Zita rangu namazita amadzibaba angu Abhurahamu naIsaki ngaarege kurova pavana ivava. Mwari ngaavape vana vazhinji.”
17
Josefi paakaona baba vake vaisa ruoko rwavo rworudyi pamusoro waEfuremu, hazvina kumufadza. Akabata ruoko rwababa vake achida kurubvisa pamusoro waEfuremu kuti aruise pamusoro waManase
18
Josefi akati, “Handizvo baba, uyu ndiye dangwe. Dai maisa ruoko rwenyu rworudyi pamusoro wake.”
19
Asi baba vake vakaramba vakati, “Ndinoziva zvandiri kuita mwanangu. Iye achazovawo dzinza guru ravanhu. Asi munun'una wake ndiye achava mukuru kupinda iye. Vana vaEfuremu vachava ndudzi zhinji dzavanhu.”
20
Jakobho akavakomborera pamusi iwoyo achiti, “VaIsiraeri vachakomborerana vachiti, ‘Mwari ngaakuitei saEfuremu naManase.’ ” Naizvozvo Jakobho akapa Efuremu ukuru hunopfuura hwaManase.
21
Jakobho akarayira Josefi achiti, “Ini ndava kufa, asi Mwari achava nemi, achakudzoserai kunyika yemadzibaba enyu.
22
Iwe ndinokupa mumwe mugove wandisingape vakoma nevanun'una vako. Ndinokupawo dunhu reShikemu randakatora pandakarwisa vaAmori nebakatwa rangu nouta hwangu.”
← Chapter 47
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 49 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→