bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 24
Genesis 24
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 25 →
1
Zvino Abhurahamu akanga achembera mazuva aendedzana Tenzi akanga amukomborera pazvinhu zvose.
2
Abhurahamu akataurira muranda wake mukuru pazera pana vose mumusha make aiva mutariri mukuru wokutarisa zvose zvemhuri yake, vachiti, “Isa ruoko rwako pasi pechidya changu,
3
ugopika naTenzi, Mwari wedenga napasi, kuti hauzotorera mwanakomana wangu mukadzi pavasikana veKanani vandigere navo
4
asi kuti uchazoenda kunyika kwangu, kune hama dzangu, kundotsvakira mwana wangu, Isaki, mukadzi ikoko.”
5
Muranda akati, “Ko kana mukadzi wacho akaramba kuuya neni kuno, ndinofanira kudzorera mwana wenyu kunyika kwamakabva here?”
6
Abhurahamu akati, “Kwete. Usambodzorera zvako mwana wangu ikoko.
7
Tenzi, Mwari wedenga akandibvisa pamusha wababa vangu, munyika yandakaberekerwa akandipikira achiti, ‘Nyika ino ndichaipa kuzvizvarwa zvako,’ ndiye achatuma mutumwa wake kuzokutungamirira kuti undotorera mwana wangu mukadzi ikoko.
8
Kana mukadzi iyeyo aramba kuuya newe, iwe uchasunungurwa pamhiko yangu yawapika. Asi chako iwe rega kudzokera nemwana wangu ikoko.”
9
Muranda uyu akaisa ruoko rwake pasi pechidya chaAbhurahamu, vatenzi vake, ndokupika mhiko yacho.
10
Muranda uyu akatora gumi, pangamera dzavatenzi vake, nezvipo zvakasiyana-siyana zvakanakisisa zvaibva kuna vatenzi vake, akasimuka, oenda kuMesopotamia kuguta raNahori.
11
Akaita kuti ngamera dzake dzirare patsime raiva kunze kweguta, manheru, nguva inouya vakadzi kuzochera mvura.
12
Akanamata achiti, “Tenzi, Mwari waAbhurahamu, vatenzi vangu, nzwirai tsitsi vatenzi vangu Abhurahamu, mundibatsire ndiwane zvandafambira.
13
Onai ndimire pano patsime pachauya vanasikana vavanhu vomuguta rino kuzochera mvura.
14
Zvino musikana wandinenge ndati nditekerewo mvura ndinwe, kana iye akapindura achiti, ‘Inwai zvenyu uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave musikana wamakasarudzira muranda wenyu Isaki. Ndizvo zvichandiratidza kuti maitira mwoyochena vatenzi vangu.”
15
Asati ambopedza kutaura pakabva pasvika Ribheka mwanasikana waBhetueri. Bhetueri uyu akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori munun'una waAbhurahamu. Ribheka akasvika akatakura chirongo chake papfudzi.
16
Zvino musikana uyu aiva nechimiro chakanaka kwazvo, iri mhandara isina kumbosangana nomurume. Akapinda mutsime akazadza chirongo chake nemvura akabuda.
17
Muranda uyu akamhanyira kwaari akati, “Regai ndingonyavawo pahuro nemvura yokunwa yomuchirongo chenyu.”
18
Musikana akati, “Inwai zvenyu tenzi wangu.” Akakurumidza kutura chirongo chake pasi ndokumubatira achinwa.
19
Kuzoti amupa mvura, musikana akati, “Chiregai zvenyu nditekerewo ngamera dzenyu mvura, dzinwe dzigute.”
20
Akabva atora mvura yaiva muchirongo chake akaidururira mokuti dzinwire, ndokumhanyira kutsime kundocherera ngamera dzake dzose mvura yokunwa.
21
Murume akatarisisa anyerere achida kuziva kuti chokwadi Tenzi anditungamirira kuwana zvandafambira here, kana kuti kwete.
22
Kuzoti ngamera dzake dzanwa dzaguta muranda uyu akatora mhete yendarama yairema sechidimbu chapakati napakati cheshekeri, ndokushongedza Ribheka. Akamupawo makoza maviri endarama airema mashekeri gumi.
23
Muranda akati, “Uri mwana waaniko? Ko tingawanawo here pokurara kumba kwababa venyu?”
24
Iye akati, “Ndiri mwana waBhetueri akaberekwa naMirika, mudzimai waNahori.”
25
Akatiwo, “Tine zvose zvakawanda, mashanga nezvokudya zvezvipfuwo uye pokurara paripo.”
26
Murume uyu akapfugama akanamata Tenzi achiti,
27
“Ngaarumbidzwe Tenzi, Mwari watenzi wangu Abhurahamu nokuti akaramba akatendeka, akaita zvaakatsidzira tenzi wangu. Kana ndirini, Tenzi anditungamirira akandisvitsa kumusha kwehama dzatenzi wangu.”
28
Musikana uyu akabva amhanyira kumba kwamai vake, ndokundovaudza zvose.
29
Ribheka aiva nehanzvadzi yake yainzi Rabhani. Rabhani akamhanyira kumurume uye, kutsime,
30
nokuti akanga aona hanzvadzi yake iine mhete, namakoza mumaoko ayo, akanzwawo kutaura kwaiita Ribheka achiti, “Ndizvo zvandaudzwa nomurume iyeyo.” Ndopaakamhanyira kumurume uya, akamuwana amire patsime paya nengamera dzake.
31
Rabhani akati, “Titambireika vanyakukomborerwa naTenzi! Ko manga muchadarirei kumirira kunze kunze kuno uku. Izvozvi tatokugadzirirai imba nepokutenhera ngamera.”
32
Saka murume uyu akandopinda mumba. Rabhani akasunungura ngamera dziya, akamupa mashanga nezvokudya zvengamera. Akapawo murume uyu navaaiva navo mvura yokushamba tsoka.
33
Vakamuperekera zvokudya, asi iye akati, “Handingadyi ndisati ndataura mashoko angu.” Rabhani akati, “Tipire zvako tinzwe.”
34
Iye akati, “Ndiri muranda waAbhurahamu.
35
Tenzi akakomborera vatenzi vangu kwazvo zvokuti vakapfuma zvikuru. Vane hwai, mombe, sirivha, ndarama, navaranda vechirume nevechikadzi nengamera namadhongi mazhinji.
36
Sara, mudzimai wavatenzi vangu, kunyange akanga achembera zvake, akaberekera vatenzi vangu mwana mukomana. Ivo vatenzi wangu vakapa mwana wavo iyeyo zvinhu zvose zvavanazvo.
37
Zvino vatenzi vangu vakandiitisa mhiko vachiti, ‘Usatsvakire mwana wangu mukadzi mukati mevanasikana verudzi rwevaKanani vane nyika yandigere.
38
Asi enda kumusha kwababa vangu, kuhama dzangu undotsvakira mwana wangu mukadzi ikoko.’
39
Ndakati kuna vatenzi vangu. ‘Zvimwe mukadzi wacho acharamba kuuya neni.’
40
Ivo vatenzi vangu ndokuti, ‘Tenzi wandinogara ndichinamata muupenyu, achatuma mutumwa wake akuperekedze kuti zvaunofambira zvibudirire, undotorera mwana wangu mukadzi kuhama dzangu kumusha kwababa vangu.
41
Kana wasvika kuhama dzangu, vakaramba kukupa mukadzi iyeyo, uchasunungurwa zvako pamhiko yangu.’
42
“Pandasvika patsime nhasi uno ndati, ‘Tenzi, Mwari wavatenzi vangu Abhurahamu, nditungamirireiwo ndigowana zvandafambira.’
43
Zvino zvandimire patsime pano, kana pakauya musikana kuzochera mvura ndikamuti, ‘Dondipawo mvura muchirongo chako ndinwe,’
44
kana iye akati, ‘Inwai zvenyu, ndichatekerawo ngamera dzenyu mvura yokunwa,’ iyeyo ngaave mukadzi akasarudzirwa mwana wavatenzi vangu naTenzi.
45
Zvino ndisati ndapedza kunamata nechemumwoyo ndabva ndaona Ribheka achiuya akatakura chirongo pamapfudzi ake, ndokusvikopinda mutsime, ndokuchera mvura. Ini ndamuti, ‘Dondipawo mvura yokunwa.’
46
Pakarepo iye abva atura chirongo chake pamafudzi akati, ‘Inwai zvenyu, uye ndichapawo ngamera dzenyu mvura yokunwa.’ Ndanwa ndokubva iye apawo ngamera dzangu dzikanwa.
47
Ipapo ndamubvunza ndichiti, ‘Ko nhai, uri mwana waaniko?’ Iye ati, ‘Ndiri mwana womwana waNahori, baba vangu ari Bhetueri aberekwa naMirika mudzimai waNahori.’ Ini ndabva ndaisa mhete pamhuno yake namakoza mumaoko ake.
48
Ndapfugama ndikanamata Tenzi, ndikarumbidza Tenzi wavatenzi vangu Abhurahamu nokuti anditungamirira kuti ndinange kuhama yavatenzi vangu Abhurahamu kuti ndiwanire muroora wavatenzi vangu.
49
Zvino kana imi muchida kuva vanhu vakatendeka vanoita zviri pachokwadi kuna vatenzi vangu ndiudzei. Asi kana musingadi, ndiudzeiwo zvangu ndione zvokuita.”
50
Ipapo Rabhani naBhetueri vakapindura vachiti, “Zvinhu izvi zvabva kuna Tenzi. Isu hapana chatingataure.
51
Ribheka ndiyeyu ari pano mutore zvako uende naye, andova mudzimai womwanakomana wavatenzi vako sokutaura kwakaita Tenzi.”
52
Muranda waAbhurahamu paakanzwa zvavakataura akapfugama pasi akanamata Tenzi.
53
Muranda uyu akabva abudisa zvishongo zvesirivha nezvendarama nehanzu dzokupa Ribheka. Akaburitsawo zvipo zvinokosha ndokupa amai vaRibheka nehanzvadzi yake Rabhani.
54
Muranda uyu navarume vaakanga anavo vakadya, vakanwa, ndokurarapo usiku ihwohwo. Kuzoti vamuka mangwanani akati, “Chiregai ndichidzokera zvangu kuna vatenzi vangu.”
55
Hanzvadzi yake naamai vake vakati, “Regai timboti garei nomusikana uyu nguva yakati kuti kana mazuva angaite gumi zvawo agoti oenda zvake.”
56
Asi iye akati, “Dai machirega zvenyu kundinonotsa, onai Tenzi andipa zvandafambira. Chiregai zvenyu ndidzokere kuna vatenzi vangu.”
57
Ivo vakati, “Regai tidaidze mhandara yacho tinzwe.”
58
Vakadaidza Ribheka vakati kwaari, “Unoda kuenda nomurume uyu here?” Iye akati, “Hongu ndinoda.”
59
Vakabvumidza Ribheka mwana wavo kuenda. Akaenda nomuranda wechikadzi nyakumurera. Vakaenda nomuranda waAbhurahamu pamwechete navanhu vake.
60
Vakakomborera Ribheka vachiti, “Dai iwe mwana wedu ukava amai vamazana akazanirana avanhu! Zvizvarwa zvako ngazvikurire maguta avavengi vazvo.”
61
Ribheka navasikana vake vaimushandira vakagadzirira zvokusumuka, vakatasva ngamera dzavo, vakaenda nomurume uye vachimutevera. Muranda uyu ndiko kutora kwaakaita Ribheka akabva aenda zvake.
62
Ipapo Isaki akanga achangotama kuBheerirahairoi, ava kugara kuNegevhu.
63
Ava manheru, Isaki akaenda musango achimbondoti avarairwe zvake achifunga. Akasumudza musoro akaona ngamera dzichiuya.
64
Ribheka akati tarisei, paakaonawo Isaki akabva akurumidza kuburuka pangamera yake,
65
ndokubvunza muranda uyu achiti, “Ko murume uyo ari kuuya nomusango umo kuzochingurana nesu ndiani?” Muranda akati, “Ndivatenzi vangu.” Ribheka akatora dhuku rake akazvifukidza kumeso.
66
Muranda uyu akaudza Isaki zvose zvaakanga aita.
67
Isaki akaunza Ribheka mutendhe rakanga riri raSara amai vake. Akatora Ribheka akava mukadzi wake. Isaki akamuda. Saka ndiko kunyaradzwa kwaakaitwa mushure mokufa kwaamai vake Sara.
← Chapter 23
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 25 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50