bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 17
Genesis 17
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 18 →
1
Abhuramu paakanga ava namakore makumi mapfumbamwe, Tenzi akazviratidza kwaari akati, “Ndini Aripagomo. Tevera gwara rangu uvewo munhu akarurama.
2
Ndichaita chitenderano changu newe, ndichaitawo kuti uve nezvizvarwa zvakawanda kwazvo.”
3
Abhuramu akati pasi gwadagwa akatyora uso, Mwari ndokuti,
4
“Chitenderano changu newe ndechichi: uchava baba vendudzi zhinji zhinji dzavanhu.
5
Zita rako harichanzi Abhuramu, asi rava kunzi Abhurahamu nokuti ndakuita baba vendudzi zhinji dzavanhu.
6
“Ndichakupa vana vakawanda, mauri muchabva ndudzi dzakawanda, uye muchabudawo madzimambo mazhinji.
7
“Ndichaita chitenderano changu newe chichagara nokusingaperi chinosvikira kuvana vako pazvizvarwa zvavo zvose zvichauya chokuti ndichava Mwari wako nowavana vako vachauya.
8
Ndichapa iwe navana vako vachauya nyika ino yauchiri kumboti apa garei tamei apa garei. Nyika yose yeKanani ichava yavana vako narini wose, ini ndichava Mwari wavo.”
9
Mwari akataurira Abhurahamu kuti, “Unofanira kuchengeta chitenderano changu newe, iwe navana vako vachauya pazvizvarwa zvavo zvose.
10
Chitenderano changu chaunofanira kuchengeta, iwe nezvizvarwa zvako zvichauya, ndechichi chokuti, mwana wose mukomana pakati penyu ngaadzingiswe.
11
Munofanira kudzingiswa. Kudzingiswa ikoku ndiko kuchava chiratidzo chechitenderano changu nemi.
12
Pazvizvarwa zvenyu zvose, mwana mukomana anenge ava namazuva masere okuberekwa pakati penyu ngaadzingiswe, angave mwana womuranda wako akaberekwa mumusha mako kana womuranda wokutenga nemari yako, asiri worudzi rwako.
13
Naizvozvo varanda vanoberekwa mumusha mako navaunotenga nemari yako, vose ngavadzingiswe. Nokudaro kudzingiswa ndiko kuchava chitenderano changu nemi chisingaperi chiri pamuviri wenyu.
14
Munhurume wose anenge asina kudzingiswa, upenyu hwake nevokwake ngahugurwe nokuti atyora chitenderano changu.”
15
Mwari akataurirazve Abhurahamu kuti, “Mudzimai wako Sarai, chirega kunge uchamudaidza nezita rokuti Sarai, zita rake rava kunzi Sara.
16
Ndichakomborera Sara akuberekere mwana mukomana. Ndichakomborera Sara, agova amai vendudzi dzavanhu, maari muchabudawo madzimambo avanhu.”
17
Abhurahamu akati gwadagwa akatyora uso akazviti nechomumwoyo, “Iye munhu ane zana ramakore angaite mwana nhai? Ko Sara ava namakumi mapfumbamwe amakore angabereke mwana nhai?”
18
Abhurahamu akati kuna Mwari, “Madii zvenyu kuchengetera Ishimaeri nhaka iyoyi?”
19
Mwari akati, “Kwete. Sara, mudzimai wako ndiye achakuberekera mwana mukomana ugomutumidza zita rokuti Isaki. Iyeyu nezvizvarwa zvake ndiye wandichaita kuti chitenderano changu newe chienderere mberi nokusingaperi.
20
Kana zviri zvaIshimaeri, zvawataura ndazvinzwa. Chiteerera unzwe, ndichamukomborera ndichimupa vana vakawanda. Achava tateguru wamadzishe gumi namaviri uye ndichamuita rudzi rukuru.
21
Asi chitenderano changu ndichachiita naIsaki wauchaberekerwa naSara gore rinouya panguva ino.”
22
Kuzoti Mwari apedza kutaura naye, Mwari akabva paiva naAbhurahamu oenda zvake kudenga.
23
Abhurahamu akatora mwana wake Ishimaeri pamwechete navaranda vose vomumusha make vaiti: varanda vakaberekwa mumusha make novokutenga nemari yake. Munhu wose wechirume akadzingiswa musi iwoyo sokutaura kwakaita Mwari kwaari.
24
Abhurahamu akanga ava namakumi mapfumbamwe amakore ana makore mapfumbamwe paakadzingiswa.
25
Ishimaeri mwana wake mukomana akanga ava namakore gumi namatatu paakadzingiswa.
26
Abhurahamu nomwana wake Ishimaeri vakadzingiswa pamusi wakarewo,
27
navanhurume vose vaiti vakaberekerwa mumusha make navaya vaakatenga nemari kuvatorwa vakadzingiswa pamwechete naye.
← Chapter 16
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 18 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50