bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 25
Genesis 25
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 26 →
1
Abhurahamu akaroorazve mumwe mukadzi ainzi Ketura.
2
Ketura akamuberekera Zimurani naJokishani naMedhani, naMidhiani naIshabhagi naShua.
3
Jokishani akabereka Shebha naDhedhani. Zvizvarwa zvokwaDhedhani ndivo vaAshurimu navaRetushimu navaReumimu.
4
Vanakomana vaMidhiani vaiva vanaEfa naEferi naHanoki naAbhidha naEridha. Ava vose vaiva vana vaKetura.
5
Abhurahamu akapa Isaki zvose zvaakanga anazvo.
6
Asi iye achiri mupenyu akapa zvipo vamwe vanakomana vake vaakabereka navamwe vakadzi, akavati vabve pana Isaki mwanakomana wake, vaende kunyika dziri kumabvazuva.
7
Iri ndiro zera rakasvitswa naAbhurahamu, akagara panyika zana namakumi manomwe amakore ana makore mashanu.
8
Abhurahamu akanyatsochembera zvake zvokugutsikanawo ndokubva azoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake.
9
Isaki naIshimaeri vanakomana vake vakamuviga mubako reMakipera panzvimbo yaiva yaEfuroni mwanakomana waZohari, muHiti nechokumabvazuva kweMamure.
10
Ndiyo nzvimbo yakatengwa naAbhurahamu kuna Efuroni muHiti. Abhurahamu nomudzimai wake Sara ndipo pavakavigwa ipapo.
11
Mushure mokufa kwaAbhurahamu, Mwari wakakomborera Isaki mwanakomana wake. Isaki akambogara pedyo neBheerirahairoi.
12
Izvi ndizvo zvizvarwa zvokwaIshimaeri mwanakomana waAbhurahamu naHagari muIjipiti uya aiva muranda waSara.
13
Haanoi mazita avanakomana vavaIshimaeri sokutevedzana kwavo: kwaiti dangwe ravo Nebhayoti tevere Kedhari naAdhibhieri naMibhusamu,
14
kwouya Mishima naDhuma naMasa,
15
kwoti Hadhadhi naTema naJeturi, kwozoti Nafishi naKedhima.
16
Ivava ndivo vanakomana vaIshimaeri uyewo iwaya ndiwo mazita ematunhu avo nemisha yavo, vari vakuru vakuru gumi navaviri namamiriro akaita madzinza avo.
17
Makore oupenyu hwaIshimaeri ndeaya, akagara zana namakumi matatu amakore ana makore manomwe zvoupenyu zvakazomuperera akafa ndokuzoenda zvake kwakaenda vamwe vokwake.
18
Vezvizvarwa zvokwaIshimaeri vaigara munyika inobvira paHavhira ichindosvika kuShuru pakatarisana neIjipiti takananga kuAsiria. Asi vaigara kure nehama dzavo vasingawirirane nehama dzavo.
19
Heinoi nhoroondo yemhuri yaIsaki mwanakomana waAbhurahamu. Abhurahamu akabereka Isaki.
20
Isaki akanga ava namakore makumi mana panguva yaakaroora Ribheka mwanasikana waBhetueri worudzi rwavaAramu wokuPadhaniaramu, hanzvadzi yaRabhani muAramu.
21
Isaki akanamata kuna Tenzi achikumbirira mudzimai wake Ribheka nokuti akanga asina mbereko. Tenzi akanzwa chichemo chake, ndokubva mudzimai wake Ribheka ava napamuviri.
22
Zvino vana vaikikiridzana munhumbu make, ndokubva ati, “Kana zvichidai zvichandisvitsa kupiko?” Saka akaenda kundonzwa kuna Tenzi.
23
Tenzi akamuti, “Munhumbu mako mune ndudzi mbiri dzavanhu. Uchasununguka ndudzi dzavanhu mbiri dzichagara dzakamukirana. Rumwe rwacho ruchange rune simba kupfuura rumwe. Mukoma achashandira munun'una.”
24
Kuzoti nguva yokusununguka kwake yasvika akapona vana vaviri, mapatya.
25
Wokutanga akabuda akatsvukuruka, muviri wake wose wakati mvere tsvete, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Esau.
26
Ndokuzobudawo munun'una wake akabata chitsitsinho chaEsau, naizvozvo akatumidzwa zita rokuti Jakobho. Isaki akanga ava namakore makumi matanhatu paakabereka vana ivava.
27
Vakomana ava vakakura, Esau akava hombarume yokuvhima, munhu wokugara musango; Jakobho ari munhu akanyarara aida zvake zvokugara pamba.
28
Isaki aida Esau nokuti aimuvhimira nyama, asi Ribheka aida Jakobho.
29
Rimwe zuva Jakobho akati achibika rupiza Esau ndokudzoka achibva musango aziya nenzara.
30
Esau akati kuna Jakobho, “Dondipawo zvawabika zvakatsvukirira izvo ndidye nokuti ndaziya nenzara!” (Ndosaka akatumidzwa zita rokuti Edhomu).
31
Jakobho akati, “Tanga wanditengesera udangwe hwako!”
32
Esau ndokuti, “Ini ndava kufa nenzara kudai, ko udangwe hungandibatsirei?”
33
Jakobho akati, “Tanga wapika izvozvo kwandiri nhasi uno. Naizvozvo Esau akapika akabva atengesera Jakobho udangwe hwake.
34
Jakobho akapa Esau chingwa norupiza rwenyemba. Akadya akanwa akasumuka oenda zvake, nokudaro Esau akazvikanganisira udangwe hwake.”
← Chapter 24
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 26 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50