bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 12
Genesis 12
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 13 →
1
Tenzi akataurira Abhuramu kuti, “Chibva munyika mako, ubve mukati mehama dzako, usiye musha wababa vako utamire kunyika yandichakuratidza.
2
Ndichakuita rudzi rukuru, ndichakukomborera. Ndichaita kuti zita rako rikurumbire, iwe uchiva chikomborero.
3
Ndichakomborera vanokumborera. Vanoti uwirwe norushambwa, ndichivapinza murushambwa. Ndudzi dzose dzichakomborerwa pamusana pako.”
4
Saizvozvo Abhuramu akasimuka akaenda sokuudzwa kwaakaitwa naTenzi. Roti akaendawo naye. Abhuramu akanga ava namakumi manomwe amakore ana makore mashanu paakatama kuHarani.
5
Abhuramu akatora mudzimai wake Sarai naRoti mwanakomana womunun'una wake, noupfumi hwake hwose hwaakanga awana navaranda vaakanga awana muHarani. Akasimuka achienda kuKanani. Kuzoti asvika kuKanani,
6
Abhuramu akafamba nomunyika imomo akasvikogara kuShikemu pamuti womuoki. Panguva iyoyo vaKanani vakanga vagere munyika iyoyi.
7
Tenzi akazozviratidza kuna Abhuramu akati, “Ndichapa nyika ino kuzvizvarwa zvako.” Naizvozvo akavakira atari Tenzi akanga azviratidza kwaari.
8
Akabva ipapo akaenda kugomo riri kumabvazuva kweBhetieri. Akadzika matendhe ake panoti Bhetieri kumavirira, guta reAi nechokumabvazuva. Akavakira Tenzi atari ipapo, akanamata Tenzi.
9
Abhuramu akaramba achienda nechokuNegevhu.
10
Munyika iyoyo makaita nzara, shangwa chaiyo yenzara. Saka Abhuramu akaenda Ijipiti kumbondogarako.
11
Kuzoti ava kusvika Ijipiti, Abhuramu akafanotaurira mudzimai wake Sarai achiti, “Iwe uri mukadzi akanaka kwazvo.
12
Naizvozvo kana vaIjipiti vakakuona vachati, ‘Uyu mukadzi wake uyu,’ vakandiuraya, iwe vachikurega uri mupenyu.
13
Chitoti zvako iwe uri hanzvadzi yangu ndiko kuti vatondiitira zvakanaka pamusana pako ndirege kuurayiwa.”
14
Abhuramu paakasvika kuIjipiti, vaIjipiti vakaona kuti mukadzi wacho akanga akanaka kwazvo.
15
Kuzoti machinda aFarao amuona akamurumbidza pana Farao. Mukadzi uya ndokubva atorwa akaendwa naye kumba kwaFarao.
16
Pamusana paSarai, Farao akabata Abhuramu zvakanaka kwazvo, akava nehwai nemombe, namadhongi makono namakadzi navaranda vechirume nevechikadzi nengamera.
17
Asi Tenzi akaunzira Farao navanhu veimba yake matambudziko makuru kwazvo pamusana paSarai mudzimai waAbhuramu.
18
Farao akadaidza Abhuramu akati, “Chiiko ichi chawaita kwandiri.” Wakaregerereiko kundiudza kuti mukadzi uyu mudzimai wako?
19
Seiko wakati, “Ihanzvadzi yangu, ndosaka ndakamutora kuti ave mukadzi wangu. Aiwa! Hoyu mudzimai wako. Chimutora ubve pano uende.”
20
Farao akatuma vamwe vanhu vake kuti vaburitse Abhuramu nomudzimai wake munyika iyoyo, nezvinhu zvose zvavaiva nazvo vachimuperekedza.
← Chapter 11
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 13 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50