bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 44
Genesis 44
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 45 →
1
Josefi akaraira mutariri wezvemba yake achiti, “Zadza tsapo dzavarume ava nezvokudya zvavanokwanisa kutakura, uise mari yomumwe nomumwe mumuromo wetsapo yake,
2
uisewo kapu yangu iya yesirivha mumuromo wetsapo yegotwe racho pamwechete nemari nembesanwa dzake.” Mutariri akaita zvaakaudzwa naJosefi.
3
Fume mangwana varume ava vakanzi vachienda zvavo namadhongi avo.
4
Vachangobuda muguta vasati vaenda kure, Josefi akataurira mutariri wezvemba yake akati, “Tevera varume vaya, kana wavabata uti, ‘Seiko mandidzorera nechakaipa pane zvandakuitirai zvakanaka? Ko mazobireiko kapu yesirivha yatenzi wangu?
5
Hamuzivi here kuti ndoinonwira tenzi wangu uye anoishandisawo pakuona zvichazoitika? Matopara mhosva huru kwazvo!’ ”
6
Mutariri paakavabata akavaudza mashoko iwaya.
7
Varume ava vakati, “Ko changamire, ishe wedu anotaurireiko mashoko akadaro? Isu varanda venyu hatingaite chinhu chakadaro.
8
Inga wani mari yatakawana mumiromo yetsapo dzedu takadzoka nayo tichibva kunyika yeKanani. Ko taizoba seiko sirivha kana ndarama mumba matenzi wenyu?
9
Ani naani wedu isu varanda venyu, anenge awanikwa anayo, ngaafe. Isu vamwe tichava varanda vatenzi wenyu.”
10
Mutariri akati, “Ndizvozvo, tichaita zvamataura. Munhu wandichawana ane kapu iyoyo mutsapo yake, ndiye achava muranda wangu. Asi vamwe mose hamuzovi nemhosva.”
11
Ipapo mumwe nomumwe akaburutsa tsapo yake, akaisunungura.
12
Mutariri akatanga kutsvaka mutsapo yomukuru akazogumisira neyorugotwe. Kapu yakazowanikwa mutsapo yaBhenjamini.
13
Izvozvi zvakaita kuti vabvarure hanzu dzavo. Mumwe nomumwe akatakudza dhongi rake vakabva vadzokera kuguta kuya.
14
Judha navamwe vake vakasvikowana Josefi achiri mumba make, vakamugwadamira vachimuremekedza.
15
Josefi akavati, “Ko ndicho chii chamaita ichochi? Ko manga musingazive here kuti munhu akaita seni anogona kuziva zvakavanzika.”
16
Judha akati, “Tingati kudiiko kwamuri changamire? Ko tingataureiko iyo mhosva iri yedu? Mwari aisa pachena mhosva yedu. Saka isu tatova varanda venyu, iyesu pamwechete naiye awanikwa ane kapu yenyu.”
17
Asi Josefi akati, “Handizi munhu angaite izvozvo. Munhu awanikwa ane kapu yangu ndiye chete achava muranda wangu. Imi vamwe mose endai zvenyu kuna baba venyu mufambe zvakanaka.”
18
Judha akaswedera kuna Josefi akati, “Pamusoroi. Changamire regai zvenyu ini muranda wenyu ndimbotaurawo shoko muchinzwa nenzeve dzenyu, changamire. Musanditsamwire zvenyu nokuti imi makaita saFarao pachavo.
19
Changamire, ndimi makatibvunza muchiti, ‘Muna baba here? Muno munun'una here?’
20
Isu ndokuti kwamuri changamire, ‘Tina baba vedu vave harahwa. Tine munun'una wedu akaberekwa baba vedu vatokwegura, asi mukoma wake akafa. Zvino uyu ndiye angosara ari oga mumba mamai vake. Baba vake vanomuda.’
21
Imi makatiudza isu varanda venyu kuti, ‘Uyai naye kwandiri ndinoda kumuona.’
22
Isu tikakupindurai changamire tichiti, ‘Mukomana iyeyo haangasiyane nababa vake nokuti kana akasiyana navo vangafe.’
23
Ipapo makatitaurira isu varanda venyu kuti, ‘Kana munun'una wenyu wokupedzesera asina kuuya nemi, handidi kana kukuonai pano pandiri.’
24
“Kuzoti tasvika kuna baba vedu, muranda wenyu, takavaudza zvamakanga mareva.
25
Baba vedu pavakazoti, ‘Endaizve munotitengera twokudya,’
26
isu takati, ‘Hatingakwanise kuendako. Tingatoenda chete kana munun'una wedu achitoendawo nesu. Asi kana tisinaye, murume iyeyo haadi zvake kana kutiona pameso pake.’
27
Baba vedu, muranda wenyu, vakatiti, ‘Munoziva kuti mudzimai wangu Rakeri akandiberekera vana vaviri,
28
mumwe akandisiya, ndikati akaparadzwa nezvikara chete kubvira ipapo handina kuzombomuonazve.
29
Zvino kana mukanditorera zvakare Bhenjamini, kana akawana chinomuwana munenge maita kuti ini ndachena musoro ndisvike pakufa ndiine shungu mumwoyo.’
30
“Naizvozvo kana ndikadzokera kune muranda wenyu, ivo baba vangu, ndisina mukomana iyeyu wepamwoyo pavo wavanodisa zvikuru,
31
pavanongoona kuti isu tinenge tisina mukomana iyeyu vanofa. Ivo varanda venyu tinobva takonzera kuti baba wedu, ivo muranda wenyu, vachena musoro vasvike pakufa vaine shungu mumwoyo.
32
Ndinodaro nokuti muranda wenyu ini ndakatsidzira baba vangu kuti, ‘Kana ndisina kudzoka naye kwamuri ndini wacho ndichava nemhosva upenyu hwangu hwose.’
33
Saka ndinokumbira kuti ini muranda wenyu nditore nzvimbo yomwana uyu ndisare somuranda wenyu tenzi wangu, asi murege mukomana uyu aende zvake navakoma vake.
34
Ko ndingaende seiko kuna baba vangu ndisina mukoma iyeyu? Handidi zvangu kuona kutambudzika kuchaita baba wangu.”
← Chapter 43
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 45 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→