bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 38
Genesis 38
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 39 →
1
Panguva iyoyo Judha akasiya vakoma navanun'una vake akaenda kuno mumwe murume ainzi Hira wechiAdhuramu.
2
Ikoko Judha akaona mwanasikana womumwe murume wechiKanani ainzi Shua akabva amuroora, akagara naye.
3
Mukadzi uyu akava nepamuviri, akabereka mwana mukomana ndokumutumidza zita rokuti Eru.
4
Akazovazve napamuviri akabereka mwana mukomana waakatumidza zita rokuti Onani.
5
Akazoberekazve mumwe mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Shera. Akanga ari kuKezibhi paakamubereka.
6
Judha akazoroorera Eru dangwe rake mukadzi ainzi Tamari.
7
Asi pana Tenzi, Eru dangwe raJudha rakanga rakaipa mwoyo, saka Tenzi akabva amuuraya.
8
Judha akazoti kuna Onani, “Gara nhaka mukadzi womukoma wako umuberekere vana.”
9
Onani akaziva kuti vana vaizoberekwa havaizonzi ndevake. Saka aiti kana osangana naTamari, aidururira simba rake pasi kuti arege kuberekera mukoma wake vana.
10
Kuita kwaOnani hakuna kufadza Tenzi, ndokubva amuurayawo zvakare.
11
Judha akataura nomuroora wake Tamari achiti, “Dai machimbondogara kumusha kwababa venyu, muri chirikadzi kudai kusvikira Shera mwanakomana wangu akura.” Izvozvo Judha aifunga mumwoyo make kuti zvimwe Shera angafewo sezvakaita vakoma vake. Tamari akandogara zvake kumusha kwababa vake.
12
Kwapera nguva yakati rebei, mudzimai waJudha, mwana waShua akafa. Judha akati apedza nguva yokuchema mudzimai wake, akaenda kuTimina kwaiva navanhu vaiveura hwai dzavo. Akaenda pamwechete naHira shamwari yake yechiAdhuramu.
13
Kuzoti Tamari audzwa kuti, “Vatezvara vako vachaenda kuTimina kundoveura hwai dzavo,”
14
akabvisa hanzu dzouchirikadzi dzaaipfeka, ndokupfeka dzimwewo. Akazvifukidza nedhuku rake, ndokundogara pamusuo weguta rainzi Enaimi raiva panzira yaienda kuTimina. Tamari akanga aona kuti Shera akura, asi haana kunge amupiwa kuti amugare nhaka.
15
Judha akaona Tamari akafunga kuti zvimwe ipfambi zvayo nokuti akanga akazvifukidza uso.
16
Judha akatsaukira kwaari akataurirana naye kuti aite chakaipa naye, asingazivi kuti muroora wake. Tamari akati, “Munondipeiko kana maita izvozvo neni?”
17
Judha ndokuti, “Ndichasarudza mbudzana pazvipfuwo zvangu ndigokutumira.” Tamari ndokuti, “Ndipei chandinofanobata kudzamara maitumira.”
18
Judha akati, “Ndingagokupa chiiko?” Iye ndokuti, “Ndipei mhete yenyu yechidhindo netambo yayo pamwechete nomudonzvo wenyu.” Judha akamupa zvinhu izvozvo, ndokutadza zvake naye akabva ava napamuviri.
19
Tamari akasimuka ndokuenda zvake ndokusvikobvisa dhuku rake riya pauso, ndokupfekazve hanzu dzake dzouchirikadzi.
20
Judha akazotuma shamwari yake yechiAdhuramu kuenda nembudzana iya achiti andodzorerwa zvinhu zviya zvakanga zvafanobatwa, asi akasvikomushaya.
21
Hira akabvunza vanhu vomuEnaimi achiti, “Ko pfambi yaigara panzira muEnaimu iripiko?” Vanhu ndokuti, “Hakuna pfambi yakanga iri kuno.”
22
Hira akadzokera kuna Judha akasvikoti, “Handina kuiona, uye vanhu vokowo vati hakugari pfambi uku.”
23
Judha ndokubva ati, “Ngaasva agara zvake nazvo, zvingatinyadzise izvi. Tarisa uone ndatumira mbudzana asi iwe wasvikomushaya.”
24
Kuzoti kwapera mwedzi inenge mitatu, Judha akaudzwa kuti, “Muroora wako Tamari akaita upombwe, atova napamuviri paakabata muunzenza ihwohwo.” Judha akati, “Uyai naye apiswe afe.”
25
Pavakandoti vauye naTamari kudaro, iye Tamari akatuma shoko kuna vatezvara vake rokuti, “Ndava napamuviri pomuridzi wezvinhu izvi. Doongororai nyembe nomudonzvo mugoona kuti ndezvaani.”
26
Judha akaziva zvinhu zvake zviye akati, “Tamari haana mhosva. Ini ndini ndine mhosva. Handina kuzoti Shera mwana wangu amutore.”
27
Tamari paakanga osununguka, pakaoneka kuti aiva namapatya.
28
Kuzoti ava pahata achisununguka, mumwe mwana akabudisa ruoko. Ipapo vanyamukuta vaibatsira pakusununguka vakatora shinda tsvuku ndokusunga ruoko rwomwana vachiti, “Uyu ndiye atanga kubuda.”
29
Asi mwana uyu akadzosera ruoko rwake mukati, akanga ari mukati akabva abuda. Vanyamukuta ava ndokubva vati, “Inga wazvipeurira nzira yako!” Ndokusaka akatumidzwa zita rokuti Ferezi.
30
Mumwe wacho akazobuda akasungwa neshinda tsvuku ruoko rwake, akatumidzwa zita rokuti Zera.
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 39 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50