bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 29
Genesis 29
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 30 →
1
Jakobho akabvapo osumudzira rwendo rwake rwokuenda kunyika yavanhu vokumabvazuva.
2
Akatarisa akaona tsime musango ndiye onei matanga matatu ehwai dzakanga dzirerepo zvadzo, ndopavainwisa zvipfuwo zvavo mvura. Pamuromo wetsime racho pakanga pane ibwe guru kwazvo.
3
Vafudzi vaiti kana zvipfuwo zvavapo zvose, vaikungurutsa ibwe riya pamuromo wetsime, vopa hwai dzavo mvura yokunwa, vozodzosera ibwe riya pakare pamuromo wetsime.
4
Jakobho akabvunza vafudzi kuti, “Ko, munobva kupiko nhai hama dzangu?” Vakati, “Tinobva kuHarani.”
5
Jakobho ndokuti, “Ko munozivawo here Rabhani mwana wokwaNahori?” Ivo vakati, “Tinomuziva.”
6
Akati kwavari, “Akadii zvake?” Ivo vakati, “Aripo zvake! Mwanasikana wake, Rakeri ndiye uyo ari kuuya nehwai uyo!”
7
Jakobho akati, “Ko zvaachiri masikati wani! Inga nguva yokukokorodza nokuunganidza zvipfuwo haisati yakwana! Ko madii kupa hwai mvura maenda nadzo kumbondodzifudzazve?”
8
Vafudzi vakati, “Hatingadzipe mvura kunze kwokunge mamwe matanga ose aungana, ibwe rapamuromo wetsime rakungurutswa. Ndopatinopa hwai dzedu mvura yokunwa.”
9
Achingunotaura kudaro navarume vaye, Rakeri akasvika nehwai dzababa vake nokuti ndiye aiva mufudzi wadzo.
10
Jakobho akati achiona Rakeri mwana waRabhani, hanzvadzi yaamai vake, nehwai dzaRabhani sekuru vake, akakungurutsa ibwe pamuromo wetsime, ndokupa hwai dzasekuru vake mvura yokunwa.
11
Jakobho akatsvoda Rakeri achikwazisana naye, akaburitsa misodzi yokufara.
12
Akataurira Rakeri kuti, “Ini ndiri muzukuru wababa wako. Ndiri mwana waRibheka.” Rakeri ndokubva amhanyira kundoudza baba vake.
13
Rabhani paakanzwa nezvaJakobho mwana wehanzvadzi yake akamhanyira kundomuchingura, akasvikomumbundira, akamutsvoda ndokuenda naye kumba kwake. Jakobho akarondedzera Rabhani zvinhu izvozvi zvose.
14
Rabhani ndokuti, “Iwe uri hama yangu chaiyo! Tiri veropa rimwe chete!” Jakobho akagara nasekuru wake mwedzi wose.
15
Rabhani akazoti kuna Jakobho, “Kunyange zvazvo uri hama yangu, ndopaungandishandire here pasina chaunowana? Chindiudza kuti ndokupawo pakadii.”
16
Zvino Rabhani aiva navanasikana vake vaviri, mukuru ainzi Rea, muduku achinzi Rakeri.
17
Rea aiva akatsvetsvereka maziso, asi Rakeri aiva tsvarakadenga yomusikana kunaka aino uso hunoyevedza.
18
Jakobho aida Rakeri saka akati, “Ndichagara makore manomwe ndichiitira Rakeri mwanasikana wenyu muduku ugariri.”
19
Rabhani ndokuti, “Zviri nani kuti ndimupe zvangu kwauri pane kumupa kune mumwewo murume.”
20
Saka Jakobho akashanda makore manomwe achiitira Rakeri ugariri. Pamusana pokuti aimuda, Jakobho akaona makore acho semazuva mashomanana.
21
Jakobho akazoti kuna Rabhani, “Chindipaiwo mukadzi wangu ndichipinda naye mumba nokuti mazuva atakatarirana akwana.”
22
Rabhani akaita mabiko ndokukoka vanhu vomunharaunda iyoyo.
23
Akati ava manheru, Rabhani akaenda naRea akandomupereka kuna Jakobho akabva azivana naye.
24
Rabhani akapa muranda wake wechikadzi ainzi Ziripa kuna Rea kuti ave muranda wake.
25
Kuzoti kwaedza, Jakobho akatarisa akaona kuti ndiRea. Jakobho akati kuna Rabhani, “Ko ndicho chiiko ichochi chamandiitira? Handiti Rakeri ndiye wandakaitira ugariri? Zvino mandinyengedzerei kudai?”
26
Rabhani ndokuti, “Kuno kwedu hazviitwe kuti muduku aroorwe dangwe richigere.
27
Chimbopedza zvako vhiki remabiko uina Rea, tigozoti tokupa Rakeri. Asi ndokunge wabvuma zvokumushandira mamwe makore manomwe.”
28
Jakobho akabvuma akapedza svondo iroro naRea, Rabhani akazomupawo Rakeri kuti ave mudzimai wake.
29
Rabhani akatora muranda wake wechikadzi ainzi Bhiriha akapa kuna Rakeri kuti ave muranda wake.
30
Jakobho akazivanawo naRakeri. Zvakanga zviripo chaizvo ndezvokuti aida Rakeri kupinda Rea ndokusaka akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe zvakare.
31
Tenzi akaona kuti Rea aivengwa ndokubva amupa mbereko, asi Rakeri akanga asina mbereko.
32
Rea akava napamuviri akabereka mwana mukomana akamutumidza zita rokuti Rubheni achiti, “Tenzi aonawo nhamo yangu! Zvino murume wangu achandidawo kwazvo!”
33
Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Tenzi anzwa kuti ndinovengwa saka andipazve mwana mukomana uyu.” Akamutumidza zita rokuti Simeoni.
34
Rea akava napamuviri zvakare akabereka mwana mukomana akati, “Rwendo runo murume wangu achandida nokuti ndamuberekera vana vakomana ava vatatu.” Saka vakamutumidza zita rokuti Revhi.
35
Rea akavazve napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Zvino ndochirumbidza Tenzi.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ndokubva amira kubereka.
← Chapter 28
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 30 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→