bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 20
Genesis 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 21 →
1
Abhurahamu akabva kuMamure akaenda kunyika yeNegevhu, akandogara pakati peKadheshi neShuru, akambogarawo kuGerari.
2
Abhurahamu aiti, mudzimai wake, Sara ihanzvadzi yangu. Abhimereki mambo weGerari, akatuma vanhu vakandomuunzira Sara.
3
Asi Mwari akauya kuna Abhimereki mukurota usiku akati kwaari, “Ndokufa uku kwawatoita pamusana pomukadzi wawandotora, mukadzi womuridzi.”
4
Asi Abhimereki akanga asati atorana naye. Abhimereki akati, “Nhai Tenzi, mungaparadze rudzi rwavanhu vasina mhosva here?
5
Haasiri iye pachake here akanditi, ‘Ihanzvadzi yangu.’ Mukadzi wacho pachake achiti, ‘Ihanzvadzi yangu.’ Ndakazviita mukusaziva, pasina chakaipa chandaimbofunga mumwoyo mangu.”
6
Mwari akamutaurira mukurota ikoku achiti, “Ndinozviziva zvangu kuti wakazviita mukusaziva pasina chakaipa chawaimbofunga mumwoyo mako. Ndini ndakaita kuti urege kunditadzira, saka ndisina kukubvumidza kumbomugunzva zvako.
7
Zvino chidzorera mukadzi womuridzi. Murume wake achakunamatira ugorarama nokuti muporofita. Asi kana ukarega kumudzorera, chinyatsoziva zvako kuti ndokufa kwawava kuita uku, iwe navanhu vako vose.”
8
Saizvozvo Abhimereki akamuka mangwanani-ngwanani akadaidza makurukota ake ose ndokuaudza zvose izvozvi. Varume ivavo vakatya zvikuru.
9
Abhimereki akadaidza Abhurahamu akati kwaari, “Chiiko ichi chawaita kwatiri? Ndakakutadzira zvakaita sei zvaunobva wandiunzira chitadzo chakakura chikadai ini nenyika yangu? Zvawandiitira izvi, hazvifanire kumboitwa!”
10
Abhimereki akati kuna Abhurahamu, “Waifungeiko kuita zvinhu zvakadai?”
11
Abhurahamu akati, “Ndakazviita ndichifunga kuti vanhu vokuno havatye Mwari, uye kuti zvimwe vangandiuraye pamusana pomudzimai wangu.
12
Izvowo ihanzvadzi yangu chaiyo, baba vedu mumwechete, takangosiyana kunanamai. Akazovawo mudzimai wangu zvake.
13
Mwari paakandibvisa kumusha kwababa vangu, achindiita kuti nditame-tame, ndakaudza mudzimai wangu ndichiti, ‘Ndiitirewo mwoyochena kwose kwatinoenda, upote uchinditi, ihanzvadzi yangu.’ ”
14
Abhimereki akatora hwai nemombe, navaranda vechikadzi nevechirume akapa izvozvo Abhurahamu, akamudzorerawo Sara mudzimai wake.
15
Abhimereki akati, “Tarisa uone, nyika yangu yose iyi yauri kuona, enda unogara pose pose paunoda.” Akataurirawo Sara achiti,
16
“Ndapa hanzvadzi yako chiuru chemari yesirivha yokuratidza kuti hauna nemhosva yose nokukuchenurawo pana vamwe vako vose vaunavo navanhu vose zvavo.”
17
Abhurahamu akanamata Mwari, Mwari ndokuporesa Abhimereki nomudzimai wake, navaranda vake vechikadzi kuti vave nembereko zvakare
18
nokuti Tenzi akanga amisa kubereka vakadzi vose vemhuri yaAbhimereki, pamusana paSara, mudzimai waAbhurahamu.
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50