bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 21
Genesis 21
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 22 →
1
Tenzi akazoshanyira Sara sezvaakanga ataura, akamuitira zvaakanga amuvimbisa.
2
Sara akava napamuviri akaberekera Abhurahamu mwana mukomana panguva yakatemwa naMwari paakataura naAbhurahamu. Izvozvo Abhurahamu akanga ava harahwa.
3
Abhurahamu akatumidza mwana waaberekerwa naSara zita rokuti Isaki.
4
Abhurahamu akadzingisa Isaki mwana wake ava namazuva masere okuberekwa sezvakanzi naMwari aite.
5
Abhurahamu akanga ava namakore zana panguva yakaberekwa Isaki.
6
Ipapo Sara akati, “Mwari andipa kuti ndiseke zvangu chikwe-e, vose vachazvinzwa vachasekawo neni.”
7
Akati, “Ndianiwo zvake aimbozvifunga kuti Abhurahamu angaberekerwewo zvake vana neni Sara? Asi hezvika ndamuberekera mwana mukomana achembera kudai.”
8
Mwana akazokura, akarumurwa. Abhurahamu akaita mabiko makuru kwazvo pamusi wakarumurwa Isaki.
9
Zvakaitika kuti Sara akaona Ishimaeri mwanakomana waHagari muIjipiti, mwana waakaberekera Abhurahamu achiita jee naIsaki.
10
Akataurira Abhurahamu kuti, “Dzinga muranda uyu nomwanakomana wake nokuti mwana womuranda uyu haafanire kudya nhaka pamwechete nomwanakomana wangu Isaki.”
11
Abhurahamu akashungurudzwa kwazvo mumwoyo nenyaya iyoyi yemwanakomana wake.
12
Asi Mwari akataurira Abhurahamu achiti, “Rega kushungurudzwa zvako mumwoyo nezvomukomana uyu kana nezvomuranda uyu. Ita zvako zvose zvaunenge waudzwa naSara nokuti zvizvarwa zvako zvichadaidzwa nezita raIsaki.
13
Ndichaitawo kuti mwana womuranda wako abereke vana vakawanda zvokutova rudzi rwavanhu nokuti mwana wakowo.”
14
Naizvozvo Abhurahamu akafumomuka akatora chingwa neguchu redehwe rine mvura, akapa Hagari, akamuberekesa mwana kumusana akati aende zvake. Hagari akasumuka akaenda akandodzungaira ari murenje reBheerishebha.
15
Kuzoti mvura iye yomuguchu yapera, Hagari akaisa mwana mune chimwe chigwenzi.
16
Hagari akaenda chinhambwe chingasvike dombo rokukanda nemaoko, akagara pasi achichema ari pakanga pakatarisana napaya paiva nomwana nokuti aiti, “Handingadi zvangu kuona mwana achifa ndakatarisa.”
17
Mwari akanzwa kuchema kwomukomana uyu, mutumwa waMwari, ari mudenga, akadaidzira kuna Hagari achiti kwaari, “Ko chanetsa chiiko Hagari? Usatye zvako nokuti Mwari anzwa kuchema kwemwana paari ipapo.
18
Simuka utore mwana unyatsomubata noruoko nokuti ndichaita kuti ave navana vakawanda zvokutova rudzi rukuru.”
19
Mwari akapengenutsa maziso aHagari akaona tsime remvura. Akaenda akazadza guchu riya nemvura akapa mwana.
20
Mwari aiva naIshimaeri akakura achigara murenje, akazova nyanzvi yokupfura nouta nemiseve.
21
Aigara murenje reParani. Amai vake vakazondomutorera mukadzi kuIjipiti.
22
Panguva iyoyo Abhimereki naFikori mukuru mukuru wehondo yake vakataurirana naAbhurahamu vachiti, “Mwari anewe pazvinhu zvose zvaunoita,
23
saka ipo pano chipika naMwari kwandiri kuti hauzombonyengedza ini kana vana vangu, kana zvizukuru zvangu, sokutendeseka kwandakaita kwauri ugovawo wakatendeseka kwandiri nokunyika yaugere somutorwa.”
24
Abhurahamu akati, “Ndinopika.”
25
Abhurahamu paakanyunyutira Abhimereki nezvetsime remvura rakanga rapambwa navaranda vaAbhimereki,
26
Abhimereki akati, “Handizive akaita izvozvo. Iwe hauna kumbondiudzawoka. Ndatotangisa kuzvinzwa nhasi uno.”
27
Abhurahamu akatora hwai nemombe ndokupa Abhimereki, vakabva vasunga chibvumirano pauviri hwavo.
28
Abhurahamu akatsaurawo nhunzvi nomwe dzehwai ndokudziisa padzo dzoga.
29
Abhimereki akabvunza Abhurahamu achiti, “Ko nhunzvi nomwe idzi dzawatsaura dzinoreveiko?”
30
Abhurahamu akati, “Gamuchirai nhunzvi nomwe idzi sechiratidzo chokundipupurira kuti ndini ndakachera tsime iri.”
31
Naizvozvo nzvimbo iyoyo yakatumidzwa zita rokuti Bheerishebha nokuti ipapo vakaitirana mhiko pauviri hwavo.
32
Kuzoti vaita chitenderano chavo kuBheerishebha, Abhimereki naFikori, mukuru mukuru wehondo yake, vakasumuka vakadzokera zvavo, kunyika yevaFirisitia.
33
Abhurahamu akasima muti womutamarisiki kuBheerishebha, akanamata Tenzi, Mwari Chidzachepo.
34
Abhurahamu akagara munyika yevaFirisitia kwenguva ndefu.
← Chapter 20
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 22 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50