bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Genesis 30
Genesis 30
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 31 →
1
Rakeri paakaona kuti haasi kuberekera Jakobho vana, akaitira mukoma wake shanje. Akanyunyutira Jakobho achiti, “Ndipeiwo mwana. Kana ukasandipa zviri nani kuti ndife zvangu!”
2
Jakobho akashatirirwa Rakeri akati, “Ko ndini ndava kutora nzvimbo yaMwari here akaita kuti ushaye mbereko?”
3
Rakeri akati, “Hoyuka Bhiriha muranda wangu pindai naye mumba zvako, andiberekere vana, ndiumbewo mhuri.”
4
Saizvozvo Rakeri akapa Jakobho muranda wake wechikadzi, Bhiriha kuti ave mukadzi wake Jakobho akapinda naye mumba.
5
Bhiriha akava napamuviri ndokuberekera Jakobho mwana mukomana.
6
Rakeri akati, “Mwari andiitira ruenzaniso, anzwa chichemo changu akandipawo mwana mukomana.” Naizvozvo akamutumidza zita rokuti Dhani.
7
Bhiriha muranda waRakeri akavazve napamuviri ndokuberekera Jakobho mwana mukomana wechipiri.
8
Ipapo Rakeri akati, “Ndakwikwidzana nomukoma wangu, ndikakunda.” Akabva amutumidza zita rokuti Nafutari.
9
Rea paakaona kuti amira kubereka akapa Jakobho muranda wake Ziripa kuti ave mukadzi wake.
10
Ziripa, muranda waRea akaberekera Jakobho mwana mukomana.
11
Rea akati, “Makorokoto! Ndaita rombo rakanaka!” Akamutumidza zita rokuti Gadhi.
12
Ziripa, muranda waRea akaberekera Jakobho mwana mukomana wechipiri.
13
Rea akati, “Aiwa ndazofara kwazvo! Pamusana peizvi vakadzi vachanditi, ‘Zvako mai wakakomborerwa.’ ” Naizvozvo akamutumidza zita rokuti Asheru.
14
Rimwe zuva panguva yokukohwa koroni, Rubheni akandotanha michero musango akauya nayo kuna amai vake Rea. Rakeri vakati kuna Rea, “Dondipaiwo michero yomwana wako.”
15
Rea akati, “Heya, zvawakanditorera murume wangu hazvina kukugutsa nhai! Zvino wodazve kunditorera michero yomwana wangu!” Rakeri akati, “Kana ukandipa michero yomwana wako ungatorane zvako nomurume kwousiku hwanhasi.”
16
Ava manheru, Jakobho paakauya achibva kumafuro, Rea akandomutambira akati, “Nhasi unofanira kuuya kumba kwangu nokuti ndakubvisira muripo wemichero yomwana wangu.” Jakobho akabva andorara kwaRea usiku ihwohwo.
17
Mwari akanzwa chichemo chaRea akabva abata pamuviri ndokubereka mwana mukomana wechishanu.
18
Rea akati, “Mwari andipa mubayiro wangu nokuti ndakapa murume wangu muranda wangu.” Nezvo akamutumidza zita rokuti Isakari.
19
Rea akava napamuviri zvakare akabereka mwana mukomana wechitanhatu.
20
Rea akati, “Mwari andipa chipo chakanaka. Rwendo runo murume wangu ndiye ava kuzogara neni zvino, nokuti ndamuberekera majaya matanhatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Zebhuruni.
21
Rea akazobereka mwana musikana akamutumidza zita rokuti Dhina.
22
Mwari akarangarirawo Rakeri. Mwari akanzwa munamato wake ndokubva amupawo mbereko.
23
Rakeri akava napamuviri akabereka mwana mukomana akati, “Mwari abvisa kuzvidzwa kwangu.”
24
Akamutumidza zita rokuti Josefi achiti, “Dai Tenzi akandipazve mumwe mwana mukomana!”
25
Rakeri paakabereka Josefi, Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiregai ndichidzokera kumusha kwangu, kunyika kwangu.
26
Saka chindipai zvenyu madzimai angu andakaitira ugariri, navana vangu, ndiende nokuti imi munoziva kushanda kwandakakuitirai.”
27
Asi Rabhani akamuti, “Ndapota zvangu, dai wagara. Ndakanyatsoongorora ndikaona kuti, Tenzi akandikomborera pamusana pako.
28
Reva zvako mubayiro waunoda kuti ndipote ndichikupa.”
29
Jakobho akati, “Imi munoziva kukushandirai kwandakaita, munozivawo machengetero andakaita zvipfuwo zvenyu.
30
Pandakasvika pano maiva nezvipfuwo zvishomanana, zvikazowanda kwazvo. Tenzi akakukomborerai pose pandaibata. Ko munoti mhuri yangu ndichazoishandirawo rini?”
31
Rabhani ndokuti, “Zvino chii chandingakupe?” Jakobho akati, “Regai zvenyu kundipa chinhu. Kana mabvuma zvandinokukumbirai, ndiregei zvenyu ndichifudza zvipfuwo zvenyu.
32
Ini ndichacherechedza zvipfuwo zvenyu nhasi, ndichitsaura hwai nehwayana dzina mavara mavara nedzina makamba makamba nenhema. Ndichatsaurawo mbudzi dzose dzina makamba makamba nedzina mavara mavara. Zvipfuwo izvozvo ndizvo zvingave mubayiro wangu.
33
Pamunouya kuzoongorora mubayiro wangu muchazoziva kuti ndiri munhu akadii pakutendeka. Kana mukawana ndiine mbudzi zvayo isina mavara mavara kana makamba makamba zvawo, kunyange hwai isiri nhema munobva maziva kuti ndakukorovherai.”
34
Rabhani akati, “Zvakanaka, ngatiite zvawareva.”
35
Musi iwoyo, Rabhani akatsaura mbudzana nezvikotora nenhunzvi dzose dzembudzi dzakanga dzina mavara mavara nedzaiva namakamba makamba neyose zvayo yaiva nevara jena, akatsaurawo hwayana nhema dzose akapa vana vake kuti vadzichengete.
36
Rabhani akati vana vake vabve pana Jakobho vaende kunzvimbo yerwendo rwamazuva matatu. Jakobho akasara achifudza zvipfuwo zvaRabhani zvakanga zvasara.
37
Jakobho akatora tumapango tunyoro twomupopura nomuarimondi nomupureni, akakwatura makanda acho achiti apa kwaturei apa siyei apa kwaturei apa siyei, tuchisara twava nemitsetse mitsetse mitema nemichena.
38
Akaisa tumapango twacho pedyo nemidziyo madzainwira mvura, patwaionekwa nezvipfuwo pazvaiuya kuzonwa mvura nokuti zvaiti zvikasvikapo, mikono yotandana nehadzi dzichibva dzaita mazamu.
39
Zvino iyoyo yakanga iri nguva yokutandana kwezvipfuwo, saka zvipfuwo zvakaita mazamu zvichitarisa tumapango twuya zvakabereka vana vane mitsetse mitsetse, navana mavara mavara navana makamba makamba.
40
Jakobho akatsaura hwayana, zvipfuwo zvose zvakasara akazviisa pazvo zvoga zvakatarisana nezvipfuwo zvaRabhani zvaiva nemitsetse mitsetse nezvakanga zviri zvitema. Ndokutanga kwakaita Jakobho kuita matanga ezvipfuwo zvavo pachavo vasisasanganise nedanga rezvipfuwo zvaRabhani.
41
Kwaiti kana zvipfuwo zvakasimba zvabindura, Jakobho aitora tumapango tuya otuisa, pedyo nemidziyo yokunwira mvura iya, patwaionekwa nezvipfuwo kuti zviite zamu pakatarisana notumapango tuya.
42
Asi kana zvipfuwo zvacho zvainge zviri ndonda, akanga asingatandarike tumapango twacho. Saka zvipfuwo zvakanga zvakaondoroka zvaiva zvaRabhani, asi zvakasimba zviri zvaJakobho.
43
Naizvozvo Jakobho akava mupfumi, akava nezvipfuwo zvizhinji navaranda vechirume nevechikadzi nengamera namadhongi.
← Chapter 29
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 31 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
Recommended Reading
Commentary
Genesis Commentaries
→
Devotional
Genesis Devotional Guide
→
Get This Bible
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona) Study Bible
→