bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 11
Jeremiah 11
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 12 →
1
Herino izwi rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi richiti,
2
“Teerera unzwe zviri kurehwa nechitenderano ichi, utaurire vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu,
3
uti kwavari, zvanzi naTenzi Mwari weIsiraeri, ‘Ngaapinde rushambwa munhu asingachengeti zviri kurehwa nechitenderano ichi
4
chandakati madzibaba enyu achengete pandakavaburitsa munyika yeIjipiti,’ muvira romoto resimbi ndichiti, ‘Teererai izwi rangu muite zvose zvandinokuudzai, nokudaro muchava vanhu vangu, ini ndichivawo Mwari wenyu,
5
kuitira kuti ndichengete chitsidzo chandakapika kumadzibaba enyu chokuvapa nyika yakanaka nyika yomukaka nouchi sezvazviri pari nhasi.’ ” Ini ndakapindura ndichiti, “Ngazvive saizvozvo Tenzi.”
6
Tenzi akabva ati kwandiri, “Paridza mashoko ose iwayo mumaguta okwaJudha nomumigwagwa yeJerusaremu uchiti inzwai zvinotaurwa nechitenderano ichi muzviite.
7
Ndinodaro nokuti ndakayambira ndayambirazve madzibaba enyu pandakavaburitsa munyika yeIjipiti ndikaramba ndichivayambira kusvikira pari nhasi ndichingoti, teererai izwi rangu.
8
Asi ivo kuteerera havana kuteerera kana kurerekera nzeve dzavo. Asi kuti munhu wose akatotevera zvake zvomusoro wake zvakaipa. Ndokusaka ini ndakaita kuti vawirwe nezvose zvinorehwa nechitenderano ichi chandakati vachengete asi ivo vakarega zvavo.”
9
Tenzi akatizve kwandiri, “Mukati mavanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu mapandukwa.
10
Vadzokerazve muuipi hwamadzibaba avo vakaramba kunzwa zvandinotaura. Vavakutevera vamwe vamwari vachivanamata. Imba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vakatyora chitenderano changu chandakaita namadzibaba avo.
11
Naizvozvo, zvanzi naTenzi, chinzwa, ‘Ndavakuvaunzira nhamo yavasingakwanisi kunzvenga. Kunyange vakachema kwandiri, handisi kuzovateerera.’
12
Zvino maguta okwaJudha navagari veJerusaremu vachaenda kundochema kuna vamwari ivavo vavanopisira rusenzi, asi havakwanisi kuvanunura munhamo dzavo panguva yenhamo yavo.
13
Nokuti imi vokwaJudha, kuwanda kwakaita maguta enyu ndokuwandawo kwakaita vaMwari venyu. Uyewo sokuwanda kwakaita migwagwa yeJerusaremu ndokuwandawo kwakaita atari dzamakavakira icho chakafumuka ichi, atari dzokupisira rusenzi kuna Bhaari.
14
“Naizvozvo iwe rega kunamatira vanhu ava kana kumbovaisira chichemo kana munyengetero wokuvakumbirira nokuti handisi kuzoteerera kana vodaidzira kwandiri panguva yavo yenhamo.
15
“Iye mudiwa wangu chaachiri kuda mumba mangu chii iye akabata twakaipa twukadai? Idzo mhiko dzenyu nenyama yezvibayiro ndozvingakununurei kunhamo here? Kutoita rurasademo kufara zvenyu nhai?
16
Inga wani Tenzi akambokutii muri muorivhi wakasvibirira une michero yakanaka inoyevedza. Asi noruzha rwedutu guru remhepo achauririmisa nomoto, mapazi awo aroromeswe.
17
“Tenzi wehondo nehondo iye akakusimai ati muwirwe nenhamo pamusana pezvakaipa zvakaitwa nemba yokwaIsiraeri nemba yokwaJudha vachindishatirisa nokupira rusenzi kuna Bhaari.”
18
Tenzi akandiruma nzeve ini ndikabva ndazoziva ndokubva mandiratidza bangano ravo.
19
Asi ini ndakanga ndakapfava sehwayana iri kuendeswa kunourayiwa, ndisingamboziva kuti twavaironga vainge vachitorongereni vachiti, “Ngatiparadzei muti nomuchero wawo, ngatimutsakatisei panyika yavapenyu zita rake ribva rakanganikwa.
20
“Zvino, imi Tenzi; wehondo nehondo munotonga zvakarurama imi munoongorora zviri mumwoyo nomupfungwa dzomunhu dai waro mukaita kuti ndione kuvatsividza kwamunoita nokuti ndakaisa kwamuri zvinondinetsa.”
21
Naizvozvo zvanzi naTenzi panyaya yavanhu veAnatoti vari kuda kupfuudza upenyu hwako vachiti, “Rega kuporofita nezita raTenzi nokuti tingakuuraye namaoko edu aya,”
22
nezvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Chinzwa, ini ndichavaranga; majaya achafira muhondo yebakatwa. Vanakomana vavo navanasikana vavo vachafa neshangwa yenzara.
23
Hapana achasara nokuti ndichaunza nhamo pavanhu veAnatoti mugore ravo rokurangwa.”
← Chapter 10
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 12 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52