bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 50
Jeremiah 50
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 49
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 51 →
1
Shoko iri rakataurwa naTenzi nokumuporofita Jeremiya richinangana neBhabhironi uye richinangana nenyika yavaKaridhea rikati:
2
“Paridzai mukati memarudzi avanhu muzivise vanhu nhau dzikai mureza mupadze, regai kuzviviga mumwoyo muti, Bhabhironi yatorwa, mwari wayo Bhero wafumurwa mwari wayo Merodhaki akangaidzwa. Zvifananidzo zvayo zvokunamata zvanyadziswa zvifananidzo zvayo zvokunamata zvakangaidzwa!
3
Ndinodaro nokuti kuchamhembe, kuri kuuya rudzi rwavanhu kuzorwisa ruchasiya nyika yayo yava renje risina achagaramo vanhu nemhuka zvichatiza.
4
“Zvanzi naTenzi mumazuva iwayo uye panguva iyoyo vanhu vokwaIsiraeri navanhu vokwaJudha vachaungana pamwechete vachichema pavanenge vachiuya kudaro, vachatsvaka Tenzi, Mwari wavo.
5
Vachabvunza nzira yokuguta reZioni vobva vananga kwairi vachiti, ‘Uyai tindozvibatanidza naTenzi nechitenderano chokugara nokugara chisingazokanganikwi.’
6
“Vanhu vangu vava hwai dzakarasika, vafudzi vadzo vakadzitungamirira mumutome zvamo vakadzisairira mumakomo. Dzava kumbeya namakomo nomuzvikomo dzakanganwa, uye dzisisazivi danga radzo.
7
Chose zvacho chinodziwana chinodzidya uye vavengi vadzo vanotozviti, ‘Hatina mhosva nokuti ivo ndivo vakatotadzira Tenzi, iye ugaro hwavo chaihwo, Tenzi chitarisiro chamadzibaba avo.’
8
“Tizai mukati meBhabhironi mubve munyika yevaKaridhea muite sezvikotora zvatungamira danga
9
nokuti hezvi ndiri kunyandura boka ramarudzi makuru avanhu okunyika yokuchamhembe andiri kuunza kuzorwisa Bhabhironi. Ivo vacharonganirana kuzoirwisa kubvira ipapo ichatorwa. Miseve yavo yakaita senyanzvi yokurwa hondo isingadzoki isina chayaita
10
Nyika yeKaridhea ichapambwa vapambi vayo vose vachaguta, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
11
“Kufara, kufara zvako, kupembera, kupembera hako, iyewe nyakupamba nhaka yangu kunyange uchikara hako uswa setsiri kudaro uchihwihwidza somikono yamabhiza,
12
amai vako vachafumurwa zvokunyatsofumurwa zviye, ivo vakakubereka vachanyadziswa. Rega uone, vachava vokupedzesera pamarudzi avanhu, vachava renje rakaoma regwenga zvaro.
13
“Pamusana pehasha dzaTenzi haisi kuzombogarwa navanhu asi ichava renje zvaro. Wose anozopfuura nepaBhabhironi achakatyamadzwa nazvo maronda ayo ose.
14
“Ronganai murwise Bhabhironi muite zvokuikomberana. Imi mose vakungi vouta ipfurei murega kusara kana nomuseve nokuti yakatadzira Tenzi.
15
Iitirei ruzha makaikomberana yakanda pasi mapfumo. Zvainovimba nazvo muhondo zvaputsika masvingo ayo apazwa, nokuti uku ndiko kutsividza kwaTenzi mutsividzei muitewo kwaari zvaakaitawo.
16
“Paradzai varimi vembeu muBhabhironi navacheki vanobata jeko panguva yokukohwa. Pamusana pebakatwa romudzvinyiriri, munhu wose achatizira kuvanhu vokwake, munhu wose achitizira kunyika yokwake.
17
“Isiraeri ihwai iri kuvhimwa iri kudzinganiswa neshumba. Pakutanga akambozhanyiwa neAsiria. Zvino Nebhukadhireza mambo weBhabhironi ari kun'un'una mapfupa ake.
18
Naizvozvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo Mwari weIsiraeri, ndiri kuunzira mambo weBhabhironi nenyika yake chirango sokuranga kwandakaita mambo weAsiria.
19
Ndichadzorera Isiraeri kumafuro ayo. Achafura zvake paKarimeri nokuBhashani. Zvaanoda zvose achazviwana pazvikomo zvokwaEfuremu uyewo muGiriadhi.
20
Pamazuva iwayo, nepanguva iyoyo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, vanhu vachaedza kutsvaka uipi muIsiraeri asi munenge musisina, vachaedza kutsvaka zvitadzo munyika yokwaJudha asi hapana zvavanowana; nokuti ndicharegerera zvitadzo zvechitsama chavanhu vandinenge ndasiya.”
21
“Endai mundorwisa nyika yeMirataimu mundorwisawo vagari vokuPekodhi. Urayai mutevere muchinyatsoparadza, ndizvo zviri kutaura Tenzi kuti itai zvose zvandati muite.
22
“Mheremhere yehondo yava munyika uye kuparadza kukuru!
23
Zvazoitikaiwe! Iyo nyundo yapasi pose yagwishurwa ikapwanyika! Iyo Bhabhironi chaiyo yava chinhu chinokatyamadza pakati pamarudzi avanhu!
24
“Ndakakuteya ukasungwa nomusungo iwoyo, iwe Bhabhironi asi iwe hauna kuzviziva. Wakaonekwa wakanzi koche mumusungo nokuti wakamirisana naTenzi.
25
“Tenzi azarura maanochengetera zvombo zvokurwisa nazvo muhondo akaburitsa zvombo zvacho zvehasha dzake nokuti Tenzi Mwari wehondo nehondo ane chokuita munyika yavaKaridhea.
26
“Uyai kuzoirwisa muchibva kwose kwose svikozarurai matura ayo muiunganidze kuita mirwi nemirwi sembesanwa mugoitsakatisa pasina charo chinosara.
27
“Handira dzayo dzose, urayai; ngadzinobayiwa. Padzo padziperera nokuti zuva radzo rasvika ndonguva yokurangwa kwadzo.
28
“Havo vanotiza munyika yeBhabhironi kundosvitsa shoko kuguta reZioni rokutsividza kwaTenzi, Mwari wedu, achitsividzira Temberi yake.
29
“Kokai varwi vouta vapfure guta reBhabhironi, vose zvavo vanokunga uta. Dzikai musasa yematendhe makarikomberana parege kuwana anopunyuka. Ngariwane zvinopindiranawo nezviito zvaro muriitire zvakakodzerana nokuitawo kwaro nokuti rakazvikudza richizvidza Tenzi iye Mutsvene weIsiraeri.
30
Naizvozvo majaya aro achati rakata munhandare dzaro uye navarwi vehondo vose vachaparadzwa zuva iroro, ndizvo zviri kutaura Tenzi.
31
“Chiona, ndanangana newe iyewe nyakuzvikudza iwe, ndizvo zviri kureva Tenzi, Tenzi wehondo nehondo nokuti zuva rako rasvika, nguva yokuti ndikurange.
32
“Nyakuzvikudza achagumburwa aputsika pasina wokumusimudza. Ndichatungidzawo moto mumaguta ake ucharoromesa zvomunharaunda make.”
33
Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, “Vanhu veIsiraeri vari kudzvinyirirwa pamwechete novokwaJudha. Vose vakavatapa vakabva vavabatisisa chaizvo vakaramba kuvarega kuti vaende zvavo.
34
Mununuri wavo anesimba, zita rake ndiTenzi wehondo nehondo. Achavamiririra panyaya yavo kuitira kuti awanise nyika zororo, asi achiishaisa zororo vagari veBhabhironi.”
35
“VaKaridhea ngavauraiwe nebakatwa ndizvo zviri kutaura Tenzi. Vagari veBhabhironi ngavauraiwe nebakatwa. Machindawo avo ngavauraiwe nebakatwa uye vangwaru vavo.
36
Naro bakatwa pavashoperi kuti vave mazungairwa. Naro bakatwa pavarwi vavo vehondo kuti vaparadzwe.
37
Naro bakatwa pamabhiza eBhabhironi nepangoro dzayo dzehondo, uye napahondo dzose dzavarwi vechirudzi vari mukati mayo, kuti vave vakadzi zvavo. Ngaipindirwe nebakatwa muupfumi hwayo kuti hupambwe.
38
Ngavashaye mvura inonaya, mvura yavo ipwe nokuti nyika yavo inyika yezvifananidzo vanopengereka nezvifananidzo zvokunamata.
39
“Naizvozvo mhuka dzomusango mapere zvichagara zvazvo muBhabhironi, nemhou dzichagara zvadzo mairi. Haichazombogarwa navanhu nokusingaperi kana kuzove navanhu vanozomboita musha mairi kwezvizvarwa nezvizvarwa.
40
Sezvakangoita Mwari kuparadza guta reSodhomu nereGomora namaguta akanga akavakidzana nawo, ndizvo zviri kutaura Tenzi, saizvozvo hapanawo achazogaramo kana munhu zvake achaita musha imomo.
41
“Tarira uone vanhu vari kuuya vachibva kuchamhembe rudzi rune simba namadzimambo akawanda hero bvakapfaka riri kubva kwakaperera nyika chaiko.
42
“Vakapakata uta nepfumo, vane utsinye, uye havana tsitsi. Kuriridza kwomutsindo wavo kunenge kuunga kwegungwa, vanotasva pamabhiza vakarongedzera somurwi ari muhondo vachizorwisa iwe mwanasikana Bhabhironi!
43
“Mambo weBhabhironi akasvitswa shoko rezvavo, maoko ake achibva ati ragwada zvikamushungurudza zvikamurwadza somukadzi arwadzwa nemimba.
44
“Chirega uone zvako, ndichaita seshumba yakwira ichibva mujokochwa resango romuna Jorodhani ichivinga danga rehwai rakasimba, vachayerekana ndovaitisa bararamhanya kutizamo ndigosarudza wandinenge ndada kuti aitonge nokuti ndiani akaita seni? Ndianiwo zvake angandigadze dare? Ndoupi mufudzi angamirisane neni?
45
Naizvozvo, chinzwai mazano akarongerwa Bhabhironi kuti arikaurise nezvakaipa zvaakarongera nyika yavaKaridhea. Twana twezvipfuo zvavo twuchandundurutswa pamwechete namatanga ezvifuwo zvavowo. Matanga avo achatokanhamiswa nomugumo wavo.
46
Kuriridza kwokukurirwa kweBhabhironi kuchadederesa nyika, mhere yayo ichanzwika mukati memarudzi.”
← Chapter 49
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 51 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52