bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 38
Jeremiah 38
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 39 →
1
Zvino Shefatiya mwanakomana waMatani, uye Gedhariya mwanakomana waPashuru uyewo Jukari mwanakomana waSheremiya pamwechete naPashuri mwanakomana waMarikiya, pavakanzwa mashoko aJeremiya aaitaurira vanhu vose okuti,
2
“Zvanzi naTenzi anenge agara muguta rino achafa rufu rwebakatwa neshangwa yenzara nedenda asi anenge abuda achindozvipereka kuvaKaridhea achararama. Achapunyuka noupenyu hwake.
3
Zvanzi naTenzi, guta rino iri richaiswa mumaoko mehondo yamambo weBhabhironi richibva ratorwa.”
4
Machinda aya akati kuna mambo, “Madii kuuraya munhu uyu nokuti ari kurukutisa maoko avarwi vasara muguta rino achirukutisawo maoko avanhu vose nokuvataurira mazwi akadaro. Chiripo ndechokuti murume uyu haasi kuda kuti zvinhu zvifambire vanhu ava zvakanaka asi kuti zvivaipire.”
5
Mambo Zedhekiya akati, “Inga wani ari mumaoko menyu nokuti mambo hapana chaangaite chinopesana nemi.”
6
Ipapo vakatora Jeremiya vakamukanda mumugodhi waMarikiya mwanakomana wamambo. Mugodhi iwoyo waiva munhandare yavachengetedzi vokwamambo. Vakaita zvokudzikisa Jeremiya netambo. Mumugodhi imomo makanga musisina mvura asi mangove madhaka chete ndokubva Jeremiya anyura mumadhaka imomo.
7
Mumwe munhu wokuItiopia muyuniki anonzi Ebhedhimereki aiva mumuzinda wamambo paakanzwa zvichinzi vakanda Jeremiya mumugodhi, izvozvo mambo aiva padare kuSuo Guru rokwaBhenjamini,
8
Ebhedhimereki akabuda mumuzinda wamambo akasvikoti kuna mambo,
9
“Changamire wangu mambo, varume ava vaita chinhu chakaipa kwazvo pazvinhu zvose zvazvo zvavaita kuno muporofita Jeremiya nokumukanda kwavamuita mumugodhi. Jeremiya achafira imomo nenzara nokuti hapasisina kana chingwa chasara muguta muno.”
10
Mambo ndokutuma Ebhedhimereki, munhu wokuItiopia achiti, “Chitora varume vatatu pano apa uende navo kundoburitsa muporofita Jeremiya mumugodhi macho asati afa.”
11
Ebhedhimereki akabvawo atora varume akaenda navo mumuzinda wamambo. Vakasvika muwodhirobu mumba maichengeterwa zvinhu; vakatoramo mamvemve namarengenya embatya aakadzikisa netambo pasi paiva naJeremiya mumugodhi.
12
Ebhedhimereki munhu wokuItiopia uya akati kuna Jeremiya, “Isa mamvemve namarengenya ayo muhapwa dzako, pakati pehapwa dzako netambo.” Jeremiya akaita saizvozvowo.
13
Ivo ndokubva vakweva Jeremiya netambo vakamuburitsa mumugodhi muya. Jeremiya akaramba ari munhandare yevachengetedzi vokwamambo.
14
Mambo Zedhekiya akatumira nhume kundodaidza muporofita Jeremiya akabva andochingamidzana naye kumusuo wetatu wokupinda muTemberi yaTenzi. Mambo akati kuna Jeremiya, “Ndava kukubvunza mubvunzo, iwe rega kundivanzira kana chinhu zvacho.”
15
Jeremiya akapindura Zedhekiya achiti, “Kana ndikakutaurirai chokwadi hamuzondiuraya here? Kunyange ndikakurumai nzeve hamumbofa makandinzwa.”
16
Mambo Zedhekiya ndokupika mhiko muchivande kuna Jeremiya yokuti, “NaTenzi mupenyu chaiye, musiki wemweya yedu, handisi kuzokuuraya kana kukuturira mumaoko avarume ava vanovavarira kukupfuudza upenyu.”
17
Jeremiya akabva ati kuna Zedhekiya, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, kana mukaita zvokuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi uye guta rino iri harizopiswa nomoto uyewo imi nemba yenyu muchararama.
18
Asi kana mukarega henyu kuzvipereka kumachinda amambo weBhabhironi zvichaita kuti guta rino riiswe mumaoko mavaKaridhea vacharipisa nomoto. Imi hamuzombopunyuki mumaoko mavo.”
19
Mambo Zedhekiya akati kuna Jeremiya, “Ndiri kutya vaJudha vakatizira kuvaKaridhea ndingazongoiswa mumaoko avo vakandionesa nhamo.”
20
Jeremiya ndokuti, “Hamusi kuzoiswa mumaoko mavo! Chingoteererai zvenyu izwi raTenzi pane zvandiri kukutaurirai kuitira kuti zvikunakirei. Uye muchasiyiwa muri mupenyu.
21
Asi kana mukaramba kuita zvokuzvipereka henyuka, hechinoi chiratidzo chandaoneswa naTenzi.
22
Ndinoona vakadzi vose zvavo vachibva mumuzinda wamambo wokwaJudha vachibudwa navo kuenda kumachinda amambo weBhabhironi vachiti, “ShaMwari dzako dzawaivimba nadzo dzakakunyengedza dzikakwanisa. Zvino wachiti makumbo tindindi kunyura mudhaka ivo vakakufuratira kusiya.
23
“Madzimai enyu ose navanakomana venyu vachaendwa navo kuvaKaridhea, imiwo hamusi kuzopunyuka. Asi muchatobatwa namambo weBhabhironi uye guta rino richapiswa nomoto.”
24
Zedhekiya akabva ati kuna Jeremiya, “Rega kuva newaunozozivisa hurukuro iyoyi nezvo kufa, hauzofa.
25
Kana machinda akanzwa kuti ndakurukura newe, akauya kwauri achiti, ‘Tiudzeiwo zvawataura kuna mambo nezvawazotaurirwawo namambo. Rega kana kuva nechaunotivanzira, isu hatizokuuraya,’
26
uti kwavari, ‘Ndakasvitsa chichemo changu kuna mambo ndichiteterera kuti varege kundidzosera kumba kwaJonatani ndirege kufirako.’ ”
27
Machinda ose akazouyawo kuna Jeremiya vakamubvumunza, iye akavapindura sokunyeverwa kwaakanga aitwa namambo. Ipapo vakabva varega kutaura naye nokuti hurukuro iyoyo yakanga isina wamboinzwa.
28
Izvozvo Jeremiya akaramba ari munhandare yavachengetedzi vokwamambo kudzamara musi wakazotorwa Jerusaremu.
← Chapter 37
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 39 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52