bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 40
Jeremiah 40
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 41 →
1
Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mushure mokunge Nebhuzaradhani mukuru wavachengetedzi vokwamambo uya amuti aende hake achibva kuRama. Izvozvo akanga atora Jeremiya amusunga nengetani pamwechete nedzimwe nhapwa dzeJerusaremu nedzokwaJudha dzakanga dzichiendwa nadzo kuBhabhironi.
2
Mukuru wavachengetedzi wokwamambo uya akatora Jeremiya akamuti, “Tenzi, Mwari wenyu ndiye akati kwaari nzvimbo ino iwirwe nenhamo ino.
3
Tenzi aita kuti zviitike akaita sezvaakamboreva, nokuti makatadzira Tenzi mukasateerera inzwi rake saka izvi zvakuwirai.
4
Zvino, chinzwa, nhasi uno ndinokusunungura ngetani idzi mumaoko mako. Kana uchiona zvakakunakira kuti tiende tose kuBhabhironi, ngatiende, ndichazokuchengetawo zvakanaka. Asi kana uchiona zvakakuipira kuti tiende tose kuBhabhironi, usauye zvako. Chiona nyika ndiyoyi yose yauri kuona iyi! Enda hako kose kose kwaunofunga kuti ndiko chaiko kwakakunakira.
5
Kana uchida kusara ungadzokere zvako kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akasarudzwa namambo kuva sadunhu wamaguta okwaJudha undogara naye mukati mavanhu kana kuenda hako kose kose kwaunofunga kuti kwakakunakira.” Ipapo mukuru wavachengetedzi vokwamambo akati Jeremiya awaniswe mbuva nechipo agoenda hake.
6
Jeremiya akabva aenda kuna Gedhariya mwanakomana waAhikamu, kuMizipa akandogara naye mukati mavanhu vakanga vasiyiwa munyikamo.
7
Kuzoti vakuru vakuru vehondo dzavarwi vaiva mumasango navarwi vavo pavakanzwa kuti mambo weBhabhironi akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu achimuita Sadunhu munyika iyoyo uye kuti akaisa mumaoko make varume navakadzi navana vaiva varombo vokupedzesera chaivo munyika iyoyo uye vakanga vasina kutapwa vachiendeswa kuBhabhironi,
8
vakaenda kuna Gedhariya kuMizipa. Paiti: Ishimaeri mwanakomana waNetaniya naJohanani mwanakomana waKarea kwouya Seraya mwanakomana waTanhumeti vokwaEfai wokuNetofa ndokuzoti Jezaniya mwanakomana wokwaMaaka, ivo navarwi vavo.
9
Gedhariya mwanakomana waAhikamu mwanakomana waShafani akapika mhiko kwavari navanhu vavo achiti, “Regai kutya kushandira henyu vaKaridhea. Garai zvenyu munyika imomo muchishandira mambo weBhabhironi zvinhu zvichakufambirai zvakanaka.
10
Inini ndichagara hangu kuMizipa ndichikumiririrai kuvaKaridhea vanenge vauya kwatiri. Asi imi potai muchiunganidza waini nemichero yezhizha namafuta eorivhi muzvichengetere mumidziyo yenyu muchigara zvenyu mumaguta enyu amakawana.”
11
Zvimwechetezvo navaJudha vose vaiva kuMoabhu nomukati mavaAmoni nomuEdhomu nomunyika dzimwe pavakanzwawo kuti mambo weBhabhironi akanga asiya chimwe chitsama chevokwaJudha uye kuti akanga asarudza Gedhariya mwanakomana waAhikamu, mwanakomana waShafani akamuita sadunhu wavo,
12
ipapo vaJudha vose vakadzoka vachibva kunzvimbo dzose kwavakanga vaparadzirwa, vakauya kunyika yokwaJudha kuna Gedhariya kuMizipa. Vakazopota vachiunganidza waini nemichero yezhizha zvakawandisisa kwazvo.
13
Zvino Johanani mwanakomana waKarea navakuru vakuru vehondo dzavarwi vaiva mumasango vakauya kuna Gedhariya kuMizipa
14
vakati kwaari, “Munozviziva here kuti Bhaarisi mambo wevaAmoni akatuma Ishimaeri mwanakomana waNetaniya kuzopfuudza upenyu hwenyu?” Asi Gedhariya mwanakomana waAhikari haana kumbovateerera.
15
Johanani mwanakomana waKareya akataura muchivande kuna Gedhariya paMizipa ipapo akati, “Regai ndiende ndinouraya Ishimaeri mwanakomana waNetaniya hakuna achazviziva. Adirei chaizvo kupfuudza upenyu hwenyu? Hakusi kuitira kuti vaJudha vakaunganidzana kwamuri vaite rumwe rumwe, chitsama chakasara chevokwaJudha ichi chichibva charova?”
16
Asi Gedhariya mwanakomana waAhikamu akati kuna Johanani mwanakomana waKarea, “Iwe rega kuita izvi nokuti uri kurevera Ishimaeri nhema.”
← Chapter 39
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 41 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52