bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 20
Jeremiah 20
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 21 →
1
Izvozvo mupristi Pashuri mwanakomana waImeru akanga ariye mukuru mukuru aiona yezvepamba paTenzi akanzwawo Jeremiya achiporofita zvinhu izvi.
2
Ipapo Pashuri akarova muporofita Jeremiya akamuisa muchitokisi chaiva paSuo Guru rokwaBhenjamini rokumusoro kwemba yaTenzi.
3
Ramangwana racho, Pashuri paakasunungura Jeremiya muchitokisi, Jeremiya akati kwaari, “Tenzi haana kukupa zita rokuti Pashuri asi rokuti, ‘Nyakukombwanezvinotyisa.’
4
Nokuti Tenzi ari kuti; ‘Chiona ndichakupinza mune zvinotyisa iwe neshamwari dzako dzose. Vacharakatiswa nebakatwa revavengi vavo iwe makatarisa nameso ako. Uye ndichaisa Judha yose mumaoko mamambo weBhabhironi, achavatapa oenda navo kuBhabhironi achivauraya nebakatwa.
5
Uyewo ndichapa upfumi hwose hweguta rino nezvose zvarinowana nezvinokosha zvaro zvose nezvinhu zvose zvazvo zvinokosha zvamadzimambo okwaJudha mumaoko mavavengi vavo, vachavapamba vachivabata vachiendwa navo kuBhabhironi.
6
Zvino iwe Pashuri, navose vagere mumba mako muchaendwa nemi kuutapwa. KuBhabhironi munotokuenda, ikoko ndokwamuchandofira, ikoko ndokwamuchavigwa, iwe neshamwari dzako dzose dzawaitaurira chiporofita chenhema.’ ”
7
Imi Tenzi makandinyengedza, ini ndikabvuma kunyengedzwa. Imi makasimba kupinda ini uye imi makandikurira. Ndava chiseko chenyika zuva rose. Munhu wose anondisvoveredza.
8
Nokuti pandinoti nditaure, ndinoshevedzera ndichidaidzira ndichiti, “Hecho chisimba noumharadzi!” Nokuti shoko raTenzi rave kwandiri chinhu chinondishoresa nokundisekesa zuva rose.
9
Ndikati nditi, “Handichambofunga nezvake kana kutaurazve nezita rake,” mumwoyo mangu munoita somune moto unopisa wakapfigirwa mumapfupa angu, zvandikunda ini, handichazvigona.
10
Nokuti ndiri kunzwa vazhinji vachiita kazevezeve, mativi ose zvangove zvinotyisa. “Mumhan'arirei! Ngatimumhan'arirei,” ndizvo zviri kutaura shamwari dzangu chaidzo dzose dzakangotarisira kuti pangu pandiperere, vachiti zvimwe angafuririke tikamukurira tobva tamutsividza.
11
Asi Tenzi aneni somurwi wehondo anotyisa. Naizvozvo vanondionesa ndondo vachagumburwa uye havambondikunda. Vachanyadziswa zvikuru nokuti havasi kuzombobudirira. Kunyadziswa kwavo kusingaperi hakusi kuzombofa kwakakanganikwa.
12
Imi Tenzi wehondo nehondo munoedza wani vakarurama, imi munoona mumwoyo nomupfungwa dzomunhu, itai henyu kuti ndione imi muchivatsividza nokuti ndazviturira mumaoko menyu.
13
Imbirai Tenzi rumbidzai Tenzi nokuti akanunura upenyu hwavasina chavanacho mumaoko mevaiti vezvakaipa.
14
Ngarive norushambwa zuva randakaberekwa musi wandakaponwa namai vangu, ngaurege kuva musi wakakombererwa.
15
Ngaapinde rushambwa munhu akaunza kuna baba vangu shoko rokuti, “Maberekerwa mwana mukomana,” achivaita kuti vafare zvikuru kwazvo.
16
Munhu iyeyo ngaaitwe samaguta akaparadzwa naTenzi asingaanzwirwi tsitsi. Ngaanzwe mhere yokuchema mangwanani nemhere yokuyambira, masikati
17
nokuti akarega kundiuraya ndichiri munhumbu maamai zvokuti amai vangu ndivo vangadai vakava guva rangu, nhumbu yavo yakaramba zvayo yakakura.
18
Chaizvoizvo ini ndakabudirei munhumbu ini, kuzoona nhamo ndichisuruvara kudai nokupedzera mazuva angu mukunyadziswa?
← Chapter 19
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 21 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52