bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 13
Jeremiah 13
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 14 →
1
Tenzi akandirayira kuti, “Enda utenge jira romutikisha uusungirire muchiuno mako, asi rega kuunyika mumvura.”
2
Saizvozvo ndakatengawo jira romutikisha maereranowo neshoko raTenzi, ndikarisungira muchiuno mangu.
3
Zvino shoko raTenzi rakauyazve kwandiri rwechipiri rikati,
4
“Tora jira riya romutikisha rawakatenga rawakasungira muchiuno, mako usimuke uende kurwizi rwaYufuratesi urivige mumutswe wedombo ikoko.”
5
Saizvozvo ini ndakaenda ndikandoriviga muna Yufuratesi sezvandakaudzwa naTenzi.
6
Mushure memazuva akawanda, Tenzi akati kwandiri, “Chisumuka uende kurwizi rwaYufuratesi undotora ikoko jira romutikisha riya randakati urivige ikoko.”
7
Ipapo ndakaenda kuna Yufuratesi ndikafukura ndikatora jira romutikisha riya paya pandakanga ndariviga onei jira riya ramvungunjika risisina basa.
8
Izwi raTenzi ndoparakauya kwandiri richiti,
9
“Zvanzi naTenzi saizvozvi ndokusakadzawo kwandichaita kuzvikudza kwaJudha nokuzvikudza kukuru kweJerusaremu.
10
Vanhu vakaipa ivava ava, vanoramba kunzwa zvandinotaura vanoita zvavo musikanzwa vachiita zvomusoro wavo. Vava kushandira vamwe vamwari vachivanamata vachaita sejira irori iri risisina basa.
11
Chiripo ndechokuti sokunyatsobata kunoita jira iroro muchiuno chomunhu ndozvandakaita ini ndikaita kuti imba yose yokwaIsiraeri nemba yose yokwaJudha vanyatsoti kwati kwati neni kuitira kuti ndivewo navanhu uye kuti ndive nezita nomukurumbira nembiri. Asi vakaramba kuteerera, ndizvo zviri kutaura Tenzi.”
12
Zvaunofanira kuvataurira ndezvizvi zvokuti, “Zvanzi naTenzi, Mwari weIsiraeri, ‘Chirongo chose chichazadzwa newaini.’ Ivo vachakuti, ‘Ko isu hatizvizivi here kuti chirongo chose chichazadzwa newaini?’
13
Saka iwe uvataurire kuti, zvanzi naTenzi, ‘Chomochiziva ndechokuti ini ndichararadzisa vagari vose venyika ino, madzimambo anogara pachigaro choumambo chokwaDhavhidhi navapristi navaporofita navagari veJerusaremu vose.’
14
Ndichavadhumanisa, madzibaba navana vavo vakomana pamwechete, ndizvo zviri kutaura Tenzi. Handisi kuzovanzwira tsitsi kana kuvarega kana kuvanzwira nyasha kuti ndirege kuvaparadza.”
15
Teererai munzwe, regai kuzvikudza nokuti Tenzi ava kutaura.
16
Ipai mbiri kuna Tenzi, Mwari wenyu asati aunza rima, musati matatarika pamakomo paita karimarima uye pamunotarisira kuwana chiedza, iye ndopaanotoita kuti rive zarima achiita kuti rive rima rakati kwirindindi.
17
Asi kana mukarega kuteerera ndichakuchemai zvangu muchivande pamusana pokuzvikudza kwenyu ndichisvimha misodzi ichimokoteka zvinosiririsa nokuti vedanga raTenzi vatapwa.
18
Udza mambo namambokadzi wake kuti, “Garai pachigaro chakazvidzika nokuti mukurumbira wechiremba chenyu wakutunuka mumusoro.
19
Maguta okuNegevhu azarirwa; hapasisina wokuazarura. Judha yose zvayo yatapwa, yose zvayo yaendwa nawo kuutapwa.”
20
Simudzai musoro muone vanhu vari kubva nokuchamhembe. Varipi vedanga rawakanga wapiwa vedanga rako rinoyevedza.
21
Muchazoti kudii pavanenge ivo vazviita vatungamiriri venyu vamakadzidzisa imi pachenyu kuti vave vashamwari venyu? Hazvizokurwadzai here samarwadzo omukadzi ari pakusununguka?
22
Kana ukazozviti nechomumwoyo zvauya sei kuti ndiwirwe nezvinhu izvozvi izvi? Chadariso, kukombodza kwouipi hwako saka wafukurwa marokwe wavawo kuitirwa zvoutsinye.
23
Ko munhu muEtiopia angasandure ganda rake here kana iyo ingwe mavara ayo? Kana zvakadaro iwewo ungatoitawo zvakanaka iyewe wajairira kuita zvakaipa.
24
Ndichakutii mwarara sehundi iri kupeperetswa nemhepo yokugwenga.
25
Ndochakowo ichochi, mugove wandakukamurirawo ndizvo zviri kutaura Tenzi nokuti wakandikanganwa ukavimba nezvinhu zvenhando.
26
Ini iyeni ndichakufukura marokwe ndikukwidibire uso nawo uonererwe.
27
Ndakaona zvinhu zvako zvandisingade, uye unzenza hwako nokuhwihwidzira somukono webhiza noufeve hwako hwakafumuka pazvikomo musango'mu. Zvichakuwana Jerusaremu! Kusvikira riniko wakangodai kun'ora.
← Chapter 12
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 14 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52