bible
ra
🌐 Language
English
Español
Français
Deutsch
Português
Italiano
Nederlands
Русский
中文
日本語
한국어
العربية
Türkçe
Tiếng Việt
ไทย
Indonesia
All Languages
Home
/
Shona
/
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
/
Jeremiah 35
Jeremiah 35
Shona (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 36 →
1
Shoko iri rakauya kuna Jeremiya richibva kuna Tenzi mumazuva aJehoyakimu mwanakomana waJosiya mambo wokwaJudha richiti:
2
“Enda kumba yevokwaRekabhu utaure navo, uuye navo kumba yaTenzi usvikopinda navo mune imwe imba yemo ugovapa waini vanwe.”
3
Saizvozvowo ini ndakatora Jaazaniya mwanakomana waJeremiya mwanakomana wokwaHabhaziniya, pamwechete navakoma navanun'una vake navanakomana vake vose nemba yose zvayo yekwaRekabhu.
4
Ndakaenda navo kumba kwaTenzi ndikapinda navo mune imwe imba yemo yavanakomana vokwaHanani mwanakomana waIbhudhariya munhu waMwari, imba yaiva pedyo nemba yamachinda pamusoro pemba yokwaMaaseya, mwanakomana waSharumu muchengetedzi wapamusuo.
5
Ndakabva ndagadzikira vokwaRekabhu hari dzizere newaini nemikombe ndikati kwavari, “Inwai waini.”
6
Asi ivo ndokupindura vachiti, “Hatisi kuzonwa waini nokuti Jonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu akatirayira achiti, ‘Imi hamufanire kunwa waini, imi iyemi kana vana venyu narini wose.
7
Hamufaniri kuvaka imba, hamufaniri kudyara mbeu, hamufanirewo kusima kana nomunda wemagirepisi zvawo. Asi kutoti munofanira kugara mumisasa yematendhe mazuva ose oupenyu hwenyu kuitira kuti mugare mazuva akawanda panyika yamunoti apa garei tamei apa garei tamei.’
8
Isu tinoteerera izwi raJonadhabhu mwanakomana wokwaRekabhu baba wedu pazvinhu zvese zvaakatirayira kuti tirege kunwa waini mazuva ose oupenyu hwedu isu namadzimai edu navanakomana vedu navanasikana vedu,
9
uye kuti tirege kuvaka dzimba dzokugara. Hatina kana munda wamagirepisi kana munda zvawo kana mbeu.
10
Asi tinogara mumatendhe tichiteerera nokutevedza zvose zvatakanzi tiite naJonadhabhu, baba wedu.
11
Asi pakazouya Nebhukadhireza mambo weBhabhironi kuzorwisa nyika ino, takataurirana kuti regai tiende kuJerusaremu kuri kutya hondo yavarwi vechiKaridhea nehondo yevarwi vechiSiria. Saka tigere muJerusaremu kudai.”
12
Zvino izwi raTenzi rakabva rauya kuna Jeremiya rikati,
13
“Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, enda undotaurira vanhu vokwaJudha navagari veJerusaremu kuti, ‘Hamudi here kunzwa zvandinokuudzai kana kuteerera mazwi angu?’ Ndizvo zviri kubvunza Tenzi.
14
Mutemo uya wakatemwa naJonadhabhu mwana waRekabhu waakapa vana vake kuti varege kunwa waini uri kuchengetwa. Havanwi waini kusvikira pari nhasi nokuti vanoteerera mutemo wababa wavo. Ndakataura ndataurazve kwamuri, asi imi hamuna kunditeerera.
15
Ndakakutumirai varanda vangu vose, vaporofita, ndichivatuma ndatumazve ndichiti, munhu wose ngaatendeuke asiye nzira dzake dzakaipa, mugadziridze zviito zvenyu, murege kutevedza vamwe vamwari muchivashandira. Ipapo munozogara munyika yandakakupai imi namadzibaba enyu. Asi imi hamuna kurerekera nzeve kana kundinzwa zvako.
16
Inga wani vana vokwaJonadhabhu mwanakomana waRekabhu vakachengeta murao wavakatemerwa nababa wavo. Asi vanhu ava havana kunditeerera.
17
Ndokusakawo zvanzi naTenzi, Mwari wehondo nehondo, Mwari waIsiraeri, Chinzwai, ndava kuunzira nyika yokwaJudha navagari vose veJerusaremu nhamo yose yandanga ndati ivawire. Ndinodaro nokuti ndakavaudza asi havana kumboteerera. Ndakavashevedza asi ivo havana kudavira.”
18
Asi kune vemba yokwaRekabhu, Jeremiya akati, “Zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri, pamusana pokuteerera kwamunoita mutemo wababa wenyu Jonadhabhu muchichengeta mirao yake yose muchiita zvese zvaakati muite,
19
nezvo zvanzi naTenzi wehondo nehondo, Mwari weIsiraeri: Jonadhabhu mwanakomana waRekabhu haazombofa akashaya murume anondishandira.”
← Chapter 34
Jump to:
Chapter 1
Chapter 2
Chapter 3
Chapter 4
Chapter 5
Chapter 6
Chapter 7
Chapter 8
Chapter 9
Chapter 10
Chapter 11
Chapter 12
Chapter 13
Chapter 14
Chapter 15
Chapter 16
Chapter 17
Chapter 18
Chapter 19
Chapter 20
Chapter 21
Chapter 22
Chapter 23
Chapter 24
Chapter 25
Chapter 26
Chapter 27
Chapter 28
Chapter 29
Chapter 30
Chapter 31
Chapter 32
Chapter 33
Chapter 34
Chapter 35
Chapter 36
Chapter 37
Chapter 38
Chapter 39
Chapter 40
Chapter 41
Chapter 42
Chapter 43
Chapter 44
Chapter 45
Chapter 46
Chapter 47
Chapter 48
Chapter 49
Chapter 50
Chapter 51
Chapter 52
Chapter 36 →
All chapters:
1
2
3
4
5
6
7
8
9
10
11
12
13
14
15
16
17
18
19
20
21
22
23
24
25
26
27
28
29
30
31
32
33
34
35
36
37
38
39
40
41
42
43
44
45
46
47
48
49
50
51
52